bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Exodus 33
Exodus 33
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 32
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 34 →
1
Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: Ibva pano, kwira, iwe naʋanhu ʋawakaɓuɗisa munyika yeEgipita, muende kunyika yandakapikira Abrahama, naIsaka, naJakobo, ndiciti, ndicaipa ʋana ʋako;
2
ndicatuma mutumŋa pamberi penyu, kuti ndidziŋge ʋaKanani, naʋaAmori, naʋaHeti, naʋaPerezi, naʋaHivi, naʋaJebusi,
3
muende kunyika inoyerera mukaka noʋuci, nokuti ini handiŋgakwiri pakati penyu, nokuti muri ʋanhu ʋanemitsipa mikukutu, kuti ndirege kukuparadzai panzira.
4
Ɀino ʋanhu ʋakati ʋacinzwa mashoko iwayo akaipa, ʋakacema; kwakaŋga kusinomunhu wakashoŋga ɀishoŋgo ɀake.
5
Ipapo Jehova akati kunaMosesi: Uti kuʋana ʋaIsraeri: Muri ʋanhu ʋanemitsipa mikukutu; kana ndikapinda pakati penyu ciŋguʋa cimŋe ciɗuku‐ɗuku, ndiŋgakuparadzai; naiɀoɀo bvisai ɀishoŋgo ɀenyu ɀino, ndiziʋe candiŋgakuitirai.
6
Ipapo ʋana ʋaIsraeri ʋakabvisa ɀishoŋgo ɀaʋo kubva pagomo reHorebi.
7
Ɀino Mosesi waisitora tente, acindoridzika kunze kwemisasa, kure nemisasa, akaritumidza zita rinonzi, Tente rokusoŋgana. Ɀino mumŋe nomumŋe waitȿaka Jehova, waiɓuɗira kutente rokusoŋgana, rakaŋga riri kunze kwemisasa.
8
Ɀino kwaiti kana Mosesi oɓuɗira kuTente, ʋanhu ʋose ʋaisimuka, ʋakamira mumŋe nomumŋe pamukoʋa wetente rake, ʋakaramba ʋakatarira Mosesi kuȿikira apinda muTente.
9
Ɀino kana Mosesi apinda muTente, shoŋgwe yegore yaJehova yaiɓuruka ikamira pamukoʋa weTente, Jehova akataura naMosesi.
10
Ʋanhu ʋose ʋakaʋona shoŋgwe yegore imire pamukoʋa weTente, ʋanhu ʋose ʋakasimuka, ʋakanamata pasi mumŋe nomumŋe pamukoʋa wetente rake.
11
Ipapo Jehova waitaura naMosesi ɀiso ɀakatarisana, somunhu unotaurirana neshamŋari yake. Ɀino wodzokera ɀe kumisasa; asi muranda wake Joshua, mŋanakomana waNuni, mujaya, haazaibva paTente.
12
Ɀino Mosesi akati kunaJehova: Tarirai, makati kwandiri: Kwira naʋanhu aʋa, asi hamuna‐kundiziʋisa kuti mucatuma ani neni, kunyaŋge makati: Ndinokuziʋa nezita rako, wakawana nyasha pamberi paŋgu.
13
Ɀino kana ndakawana nyasha pamberi penyu, cindiratidzai nzira dzenyu, kuti ndikuziʋei, ndiwane nyasha pamberi penyu; raŋgarirai ʋo kuti rudzi urwu ndiʋanhu ʋenyu.
14
Jehoʋa akati: Ini ndimene ndicaenda newe, ndikupe zororo.
15
Akati kwaari: Kana imi mumene musiŋgaendi neni, regai henyu kutibvisa pano.
16
Nokuti ɀicazikanwa seiko kuti ndakawana nyasha pamberi penyu, ini naʋanhu ʋenyu? Hakuzi kuti muende nesu, tigoʋa ʋakatsaurwa, ini naʋanhu ʋenyu pakati paʋamŋe ʋanhu ʋose ʋapanyika dzose here?
17
Ipapo Jehova akati kunaMosesi: Ndicaita ʋo cinhu ici cawareʋa, nokuti wawana nyasha pamberi paŋgu, ndinokuziʋa nezita rako.
18
Iye akati: Ƌondiratidzai henyu kubginya kwenyu.
19
Jehoʋa akati: Ndicapfuʋudza kunaka kwaŋgu kwose pamberi pako, nokuɗana zita raJehova pamberi pako; asi ndicanzwira nyasha wandinoɗa kunzwira nyasha, ndicanzwira tsitsi wandinoɗa kunzwira tsitsi.
20
Akati ʋo: Hauŋgaʋoni ciso caŋgu, nokuti hakunomunhu uŋgandiʋona, akazorarama.
21
Jehova akati ʋo: Tarira, panenɀimbo ʋuno kwandiri, uŋgamira pabge.
22
Ɀino kana kubginya kwaŋgu kwopfuʋura, ndicakupinza mumukaha webge, ndigokufukidza noruʋoko rwaŋgu kuȿikira ndapfuʋura;
23
ipapo ndicabvisa ruʋoko rwaŋgu, ugondiʋona neceshure; asi ciso caŋgu haciʋonekwi.
← Chapter 32
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 34 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40