bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Luke 10
Luke 10
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 11 →
1
Shure kwaiɀoɀo Ishe wakagadza ɀe ʋamŋe ʋanamakumi manomŋe, akaʋatuma ʋaʋiri ʋaʋiri pamberi pake mumaguta ose, ʋuye kwose kwaakaŋga aciɗa kuenda.
2
Akati kwaʋari: Kuceka kukuru, asi ʋaɓati ʋashoma; naiɀoɀo kumbirai kunaShe wokuceka kuti aɓuɗise ʋaɓati pakuceka kwake.
3
Fambai henyu; tarirai, ndinokutumai samakwaiana pakati pamapere.
4
Musatora cikwama, kana homboɗo, kana shaŋgu; musakwazisa munhu panzira.
5
Paimba ipi neipi yamunopinda, mutaŋge kuti: Rugare ŋgaruʋe neimba ino.
6
Kana munhu worugare aneŋge ari’po, rugare rwenyu rucazorora pamsoro pake; kana kusina, rucadzokera kwamuri.
7
Garai muimba iyo, mucidya nokunwa ɀaʋanaɀo; nokuti muɓati wakafanirwa nomuɓairo wake; musapota‐pota nedzimba.
8
Paguta ripi neripi, pamunopinda, kana ʋakakugamucirai, idyai ɀamunopakurirwa.
9
Poresai ʋarwere ʋari’mo, muciti kwaʋari: Ʋushe bgaMŋari bgasweɗera kwamuri.
10
Asi guta ripi neripi pamunopinda, kana ʋasiŋgakugamuciriyi, ɓuɗirai munzira dzaro, muti:
11
Kunyaŋge neguruʋa reguta renyu rakanamatira tsoka dzeɗu, tinorikuhumurira kwamuri; asi muziʋe cinhu ici kuti ʋushe bgaMŋari bgasweɗera.
12
Ndinoti kwamuri: Sodoma ricarerukirwa nezuʋa iro kupfuʋura guta iro.
13
Unenhamo, iwe Korazeni! Unenhamo, iwe Betsaida! Nokuti maɓasa esimba akaitwa mukati menyu, ɗai akaitwa muTire neSidoni, ʋaŋgaɗai ʋatendeʋuka kare, ʋakagara ʋanamasaga neɗota.
14
Asi Tire neSidoni acarerukirwa pakutoŋgwa kupfuʋuremi.
15
Newe Kapernaume, ucasimudzirwa kuɗeŋga here? Ucaɓurukira kuHadesi.
16
Unokunzwai imi, unondinzwa ini; unokurambai imi, unondiramba ini; unondiramba ini, unoramba iye wakandituma.
17
Ʋanamakumi manomŋe ʋakadzoka nomufaro, ʋaciti: Ishe, kunyaŋge nemŋeya yakaipa inoɀiisa pasi peɗu muzita renyu.
18
Akati kwaʋari: Ndakaʋona Satani aciwa kuɗeŋga semheni.
19
Tarirai, ndakakupai simba rokutsika pamsoro penyoka neɀinyaʋaɗa, napamsoro pesimba rose romuʋeŋgi; hakunecinhu ciŋgatoŋgokukuʋadzai.
20
Asi, musafara ɓedzi necinhu ici, kuti mŋeya inoɀiisa pasi penyu; asi mufare kuti mazita enyu akanyorwa kuɗeŋga.
21
Neŋguʋa iyo wakafara noMŋeya Mutȿene, akati: Ndinokuʋoŋgai Ƃaɓa, Ishe wokuɗeŋga napasi, kuti makaʋanzira ʋakacenjera naʋakaŋgwara ɀinhu iɀi, mukaɀizarurira ʋacece. Hoŋo Ƃaɓa, nokuti ndiɀo ɀakakufadzai.
22
Ɀinhu ɀose ndakaɀipiwa naƂaɓa ʋaŋgu; hakuna‐unoziʋa kuti Mŋanakomana ndiani, asi Ƃaɓa, ʋuye kuti Ƃaɓa ndiani, asi Mŋanakomana, naiye Mŋanakomana waaneŋge aciɗa kumuzarurira iye.
23
Ipapo akatendeʋukira kuʋadzidzi ʋake, akati kwaʋari, ʋari ʋoga: Meso, anoʋona ɀamunoʋona, akaropafadzwa.
24
Nokuti ndinoti kwamuri: Ʋaprofita ʋazhinji namadzimambo ʋaiɗa kuʋona ɀamunoʋona, ʋakasaɀiʋona, nokunzwa ɀamunonzwa, ʋakasaɀinzwa.
25
Ɀino mumŋe muɗudziri womurairo wakasimuka, akamuidza, aciti: Mudzidzisi, ndiŋgaiteiko kuti ndigare nhaka yoʋupenyu bgusiŋgaperi?
26
Akati kwaari: Pamurairo pakanyorweiko? Unoraʋa sei?
27
Iye akapindura, akati: Iɗa Ishe, Mŋari wako, nomŋoyo wako wose, nomŋeya wako wose, nesimba rako rose, nokufuŋga kwako kwose, nowokwako seɀaunoɀiɗa iwe.
28
Akati kwaari: Wapindura ɀakanaka; ita iɀoɀo, ugorarama.
29
Asi iye, aciɗa kuɀiruramisa, akati kunaJesu: Wokwaŋgu ndianiko?
30
Jesu akapindura, akati: Mumŋe munhu wakabva Jerusarema, akaɓurukira Jeriko; akawirwa namakororo, akamupamba ŋguʋo, akamuroʋa, akaenda, ndokumusiya oɗa kufa.
31
Ɀino mumŋe muprista wakaŋga aciŋgoɓuruka hake nenzira iyo; akati acimuʋona, akanyenyeredza.
32
Nokuɗaro muRevi ʋo wakaȿika’po, aka mu ʋona, akanyenyeredza.
33
Ɀino mumŋe muSamaria, wakaŋga ari parwendo, wakaȿika kwaari; akati acimuʋona, akamunzwira tsitsi,
34
akaenda kwaari, ndokupombera maʋaŋga ake, aka a ɗira mafuta newaini; akamukwidza pacipfuwo cake, ndokumuisa kuimba yaʋaeni, ndokumuceŋgeta.
35
Ɀino, aʋa maŋgwana, akaɓuɗisa madenari maʋiri, akaapa mŋene weimba, akati: Muceŋgete; ʋuye ɀose ɀauno mu ripira kupfuʋura iɀi, ndicakupa ɀe, kana ndicidzoka.
36
Unofuŋgei, ndoupiko kunaʋatatu aʋa wakaŋga ari wokwake waiye wakawirwa namakororo?
37
Akati: Ndiye wakamuitira ŋgoni. Jesu akati kwaari: Enda, undoita saiɀoɀo.
38
Ɀino ʋakati ʋacifamba, akapinda munomumŋe musha; mumŋe mukadzi wainzi Marta, akamugamucira mumba make.
39
Iye wakaŋga anomunuŋuna wainzi Maria, wakagara ʋo pamakumbo aJesu, akanzwa shoko rake.
40
Asi Marta wakaŋga acitambudzika nokushanda ɀikuru, akaʋuya, akati: Ishe, hamunehanya muciʋona munuŋuna waŋgu acindirega ndicishanda ndoga here? Muʋudzei andiɓatsire.
41
Ishe akapindura, akati kwaari: Marta! Marta! unofuŋganya, nokuɀitambudza neɀinhu ɀizhinji,
42
asi cinhu cimŋe cinoɗikanwa; nokuti Maria wakasanaŋgura mugoʋe wakanaka, waasiŋgazotorerwi.
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24