bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Luke 2
Luke 2
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 3 →
1
Ɀino namazuʋa iwayo cireʋo cakaitwa naKesari Augusto, kuti nyika yose inyorwe mazita.
2
Uku ndokwaiʋa kunyorwa kwokutaŋga, kwakaitwa Kuriniosi ari muɓati weSiria.
3
Ʋanhu ʋose ʋakaenda kundonyorwa, mumŋe nomumŋe kuguta rake.
4
NaJosefa ʋo wakabva Garirea, muguta reNazareta, akaenda Judea, kuguta raDavidi, rinonzi Betrehema, nokuti waiʋa weimba yaDavidi, noworudzi rwake;
5
kuti anyorwe naMaria, wakaŋga anyeŋgwa naye, aʋa nemimba.
6
Ɀino ʋakati ʋari’po, mazuʋa okuɀara kwake akaȿika;
7
akaɀara ɗaŋgwe rake mŋanakomana, akamuputira nemiceka, akamuʋanzarika mucidyiro ceɀipfuwo, nokuti ʋakashaiwa nɀimbo mumba maʋaeni.
8
Ɀino kwakaŋga kunaʋafudzi munyika iyo, ʋaigara kuʋuragu ʋacirinda mapoka aʋo ʋusiku.
9
Mutumŋa waShe akamira naʋo, nokubginya kwaShe kukaʋakomba, ʋakatya nokutya kukuru.
10
Ipapo mutumŋa akati kwaʋari: Musatya; nokuti tarirai, ndinokuparidzirai mashoko omufaro mukuru, ucaʋa waʋanhu ʋose;
11
nokuti nhasi maɀarirwa muguta raDavidi Muponesi, ndiye Kristu Ishe.
12
Ici ndico ciratidzo kwamuri: Mucandowana rushiye, rwakaputirwa nemiceka, ruʋete mucidyiro ceɀipfuwo.
13
Ipapo kamŋe‐kamŋe kukaʋa’po pamŋe cete nomutumŋa, ʋazhinji ʋehondo yokuɗeŋga, ʋacirumbidza Mŋari, ʋaciti:
14
Mŋari ŋgaarumbidzwe kumsoro‐soro, Norugare ŋgaruʋe naʋanhu ʋaanofarira.
15
Ɀino ʋatumŋa ʋakati ʋabva kwaʋari, ʋaenda kuɗeŋga, ʋafudzi ʋakataurirana, ʋaciti: Ŋgatiende heɗu Betrehema, tindoʋona cinhu ici cakaitwa, catakaziʋiswa naShe.
16
Ipapo ʋakakurumidza kuenda, ʋakawana Maria naJosefa, norushiye ruʋete mucidyiro ceɀipfuwo.
17
Ʋakati ʋaʋona, ʋakaziʋisa kwose shoko raʋakaŋga ʋaʋudzwa romŋana uyo.
18
Ʋose ʋakanzwa ʋakashamiswa neɀaʋakaʋudzwa naʋafudzi.
19
Asi Maria wakaceŋgeta mashoko iwayo ose, aciafuŋgisisa mumŋoyo make.
20
Ɀino ʋafudzi ʋakadzokera kwakare, ʋacikudza nokurumbidza Mŋari pamsoro peɀose ɀaʋakanzwa neɀaʋakaʋona, seɀaʋakaŋga ʋaʋudzwa.
21
Mazuʋa masere akati apfuʋura, musi wokudziŋgiswa waȿika, ʋakatumidza zita rake Jesu, iro raakaŋga atumidzwa nomutumŋa, asati agamucirwa muɗumbu ramai.
22
Ɀino mazuʋa okuɀinatsa kwaʋo nomurairo waMosesi akati apera, ʋakaenda naye Jerusarema, kuti ʋamuise pamberi paShe;
23
(seɀaɀakanyorwa pamurairo waShe, ɀicinzi: Mŋanarume mumŋe nomumŋe unotaŋga kuzarura ciɀaro, ucanzi mutȿene waShe),
24
ʋuye kuɓayira ciɓayiro; seɀaɀakarebga pamurairo waShe, ɀinoti, njiʋa mbiri, kana haŋgaiʋa mbiri ɗuku.
25
Ɀino, kwakaŋga kunomunhu paJerusarema, wainzi Simeoni; waiʋa munhu wakarurama waiɗa Mŋari, waitarira kunyaradzwa kwaʋaIsraeri; noMŋeya Mutȿene wakaŋga anaye.
26
Iye wakaŋga aratidzwa noMŋeya Mutȿene, kuti haaŋgaʋoni rufu, asati aʋona Kristu waShe.
27
Iye wakaʋuya mutembere noMŋeya; ɀino ʋaɓereki ʋakati ʋaciʋuya nomŋana Jesu, kuti ʋaite naye nomutoʋo womurairo,
28
akamuɓata mumaʋoko ake akarumbidza Mŋari, aciti:
29
Ɀino, Tenzi, muranda wenyu ŋgaaende hake Norugare seɀamakareʋa;
30
Nokuti meso aŋgu aʋona ruponeso rwenyu,
31
Rwamakagadzira pamberi paʋanhu ʋose;
32
Ciedza cokuvenekera ʋahedeni, Nokurumbidzwa kwaʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri.
33
Ƃaɓa ʋake namai ʋake ʋakashamiswa neɀakarebga pamsoro pake.
34
Ipapo Simeoni akaʋaropafadza, akati kunaMaria, mai ʋake: Tarira, mŋana uyu wakaisirwa kuwa nokumuka kwaʋazhinji pakati paʋaIsraeri, cicaʋa ciratidzo cicarambga;
35
ʋuye munondo ucaɓaya mŋeya wako ʋo; kuti ndaŋgariro dzemŋoyo mizhinji dzizikanwe.
36
Ɀino kwakaŋga kunaAna ʋo, muprofitakadzi, mukunda waFanueri, worudzi rwaAsheri; (iye wakaŋga acembera kwaɀo, wakaŋga anomurume makore manomŋe kubvira paʋumhandara bgake,
37
wakaŋga ari cirikadzi yaiʋa namakore makumi masere namanna), wakaŋga asiŋgabvi mutembere, acishumira Mŋari nokuɀinyima ɀokudya nokukumbira ʋusiku namasikati.
38
Naiye wakati aciȿika neŋguʋa iyo, akatenda Mŋari, akataura pamsoro pake kunaʋose ʋakaŋga ʋacitarira kusunuŋgurwa kweJerusarema.
39
Ɀino ʋakati ʋapedza ɀose ɀomurairo waShe, ʋakadzokera Garirea, kuguta raʋo Nazareta.
40
Mŋana akakura, akasimba, akazara nenjere; nenyasha dzaMŋari dzikaʋa pamsoro pake.
41
Ɀino ʋaɓereki ʋake ʋaisienda Jerusarema makore ose kumutambo wepaseka.
42
Ɀino iye wakati aʋa namakore anegumi namaʋiri, ʋakakwira’ko netsika yomutambo.
43
Ʋakati ʋapedza mazuʋa, pakudzoka kwaʋo mŋana Jesu akasara Jerusarema, ʋaɓereki ʋake ʋasiŋgaziʋi.
44
Asi ɀaʋaiti ɀimŋe uri kunaʋamŋe ʋakaŋga ʋari panzira naʋo, ʋakafamba zuʋa rimŋe, ʋakazomutȿaka kuhama dzaʋo nokuʋazikani ʋaʋo.
45
Ʋakati ʋamushaiwa, ʋakadzokera Jerusarema ʋacimutȿaka.
46
Mazuʋa matatu akati apfuʋura, ʋakamuwana ari mutembere, agere pakati paʋadzidzisi aciterera nokuʋabvunza.
47
Ʋose ʋakaŋga ʋacimunzwa, ʋakashamiswa nokuziʋa kwake ʋuye nokupindura kwake.
48
Ɀino ʋakati ʋamuʋona, ʋakakatyamara; mai ʋake ʋakati kwaari: Mŋana, watiitireiko ɀakaɗai? Tarira, ɓaɓa ʋako neni takakutȿaka ticicema.
49
Akati kwaʋari: Makaŋga mucinditȿakireiko? Makaŋga musiŋgaziʋi kuti ndinofanira kuʋa paɀinhu ɀaƂaɓa ʋaŋgu here?
50
Ʋakasanzwisisa shoko raakaʋaʋudza.
51
Ipapo akaɓuruka naʋo, akaȿika Nazareta, akaʋaterera. Mai ʋake ʋakaceŋgeta mashoko iwayo ose mumŋoyo maʋo.
52
Jesu akaramba acienda mberi pakucenjera, napakukura, napakufadza Mŋari naʋanhu.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24