bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Luke 12
Luke 12
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 13 →
1
Ɀino ʋanhu ʋaneɀuru ɀizhinji ʋakati ʋaʋuŋganira pamŋe cete kuȿikira ʋotsikirirana, akaʋamba kutaura kuʋa dzidzi ʋake pakutaŋga, aciti: Cenjerai mbiriso yaʋaFarise, ndiko kunyeŋgera.
2
Hakunecinhu cakafukidzwa, cisiŋgazozarurwi; kana cakaʋanzika, cisiŋgazozikanwi.
3
Saka ɀose ɀamakataura murima, ɀicanzwika muciedza; neɀamakataura munzeʋe mudzimba dzomukati, ɀicaparidzwa pamsoro pedzimba.
4
Ndinoti kwamuri, hama dzaŋgu: Musatya ʋanoʋuraya muʋiri, ʋasiŋgazogoni kuita cimŋe cinhu shure kwaiɀoɀo.
5
Asi ndicakuratidzai wamunofanira kutya; mumutyei iye, unoti kana aʋuraya, unesimba ʋo rokukandira muGehena. Hoŋo, ndinoti kwamuri: Mumutyei iye.
6
Ko shiri ɗuku shanu hadziteŋgeswi nepeni here? Hakunaimŋe yadzo inokaŋganikwa pamberi paMŋari.
7
Asi nevudzi romusoro wenyu rakaʋereŋgwa rose. Musatya, munopfuʋura shiri ɗuku zhinji.
8
Ndinoti kwamuri: Mumŋe nomumŋe unondipupura pamberi paʋanhu, Mŋanakomana womunhu ucamupupura ʋo pamberi paʋatumŋa ʋaMŋari.
9
Asi unondiramba pamberi paʋanhu, ucarambga ʋo pamberi paʋatumŋa ʋaMŋari.
10
Mumŋe nomumŋe unoreʋa shoko rakaipa pamsoro poMŋanakomana womunhu, ucakaŋganwirwa, asi unomhura Mŋeya Mutȿene haaŋgakaŋganwirwi.
11
Kana ʋacikuisai pamberi pamasinagoge naʋatoŋgi naʋakuru, musafuŋganya kuti mucapindura sei, kana inyiko, kana mucataurei.
12
Nokuti Mŋeya Mutȿene ucakudzidzisai neŋguʋa iyo ɀamunofanira kutaura.
13
Ɀino mumŋe pakati paʋazhinji wakati kwaari: Mudzidzisi, ʋudzai munuŋuna waŋgu kuti agoʋane nhaka neni.
14
Iye akati kwaari: Iwe munhu, ndianiko wakandiita mutoŋgi kana mugoʋeri pakati penyu?
15
Akati kwaʋari: Cenjerai, muɀiceŋgete pakuciʋa kwose, nokuti ʋupenyu bgomunhu habguzi paɀinhu ɀakawanda ɀaanaɀo.
16
Akaʋataurira mufananidzo, akati: Nyika yomumŋe mufumi yakaŋga yaɓereka kwaɀo;
17
akafuŋga mumŋoyo make, akati: Ndicaita seiko? Nokuti handina‐pandiŋgaʋuŋganidzira ɀiɓereko ɀaŋgu.
18
Akati: Ndicaita kuɗai: Ndicaputsa matura aŋgu, ndikaʋaka makuru; ndicaʋuŋganidzira’po ɀiyo ɀaŋgu, neɀose ɀaŋgu ɀakanaka,
19
ndigoti kumŋeya waŋgu: Mŋeya, uneɀakawanda ɀakanaka, ɀakaʋigirwa makore mazhinji; zorora, udye, unwe, ufare.
20
Asi Mŋari akati kwaari: Iwe ɓenzi, noʋusiku ubgu ʋacakutorera mŋeya wako; iɀo ɀawagadzira, ɀicagoʋa ɀani?
21
Ndiɀo ɀakaita munhu unoɀiʋuŋganidzira fuma, asiŋgafumi kunaMŋari.
22
Ɀino wakati kuʋadzidzi ʋake: Naiɀoɀo ndinoti kwamuri: Musafuŋganya pamsoro poʋupenyu bgenyu, kuti mucadyei, kana pamsoro pomuʋiri wenyu, kuti mucapfekei?
23
Nokuti ʋupenyu bgunopfuʋura ɀokudya, nomuʋiri unopfuʋura ɀokupfeka.
24
Fuŋgai makuŋguʋu, kuti haadɀari, haaceki, haanetsapi kana ɗura; asi Mŋari unoapa ɀokudya. Imi munokunda shiri ɀikuru sei!
25
Ndianiko kwamuri uŋgawedzera kubiti rimŋe paʋurefu bgake nokufuŋganya?
26
Ɀino kana imi musiŋgagoni kuita cinhu ciɗuku, munofuŋganyireiko pamsoro peɀimŋe?
27
Fuŋgai maruʋa, kumera kwawo; haaɓati, haaruki; asi ndinoti kwamuri: Kunyaŋge naSoromoni pakubginya kwake kwose, haana‐kushoŋgedzwa serimŋe rawo.
28
Ɀino kana Mŋari acipfekedza saiɀoɀo ʋuswa bgenyika, bguri’po nhasi, maŋgwana bgokandirwa mucoto, haaŋgaku pfekedziyi nokupfuʋurisa, imi ʋokutenda kuɗuku here?
29
Imi musatȿaka ɀamucadya, neɀamucanwa; musaɀidya mŋoyo.
30
Nokuti ɀinhu iɀoɀi ɀose ɀinotȿakwa naʋahedeni; asi Ƃaɓa ʋenyu ʋanoziʋa kuti munoshaiwa iɀoɀi.
31
Asi tȿakai ʋushe bgaʋo, naiɀoɀo ɀose mucaɀiwedzerwa.
32
Musatya henyu, imi kapoka kaɗuku, nokuti Ƃaɓa ʋenyu ʋanofara nokukupai ʋushe.
33
Teŋgesai ɀamunaɀo, mupe ɀipo; muɀiitire ɀikwama ɀisiŋgasakari, fuma isiŋgaperi kuɗeŋga, pasiŋgaȿiki mbava, pasiŋgaparadzi ɀipfunho.
34
Nokuti panefuma yenyu, nomŋoyo wenyu ucaʋa’po ʋo.
35
Ɀiʋuno ɀenyu ŋgaɀigare ɀakasuŋgwa, nemŋenje yenyu ipfute.
36
Nemi muʋe saʋanhu ʋakarindira ishe waʋo pakudzoka kwake kumutambo wokuwana; kuti kana akaȿika, akagogodza, ʋamuzarurire pakarepo.
37
Ʋakaropafadzwa ʋaranda aʋo, ʋanoti, kana ishe aciȿika, unoʋawana ʋakarindira. Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, ucaɀisuŋga ciʋuno iye, akaʋagarisa pakudya, akaʋuya akaʋashandira.
38
Kana akaȿika neŋguʋa yokurindira yecipiri, kana yecitatu yoʋusiku, akaʋawana ʋakaɗaro, ʋakaropafadzwa ʋaranda iʋaʋo.
39
Asi muziʋe iɀi, kuti ɗai mŋene weimba aiziʋa ŋguʋa inoʋuya nayo mbava, haazaitendera kuti imba yake ipazwe.
40
Nemi ʋo mugare makaɀigadzira, nokuti Mŋanakomana womunhu ucaʋuya neŋguʋa yamusiŋgafuŋgi.
41
Ɀino Petro akati kwaari: Ishe, mufananidzo uyu munoutaura kwatiri, kana kunaʋose here?
42
Ishe akati: Ndianiko mutariri wakatendeka, wakacenjera, ucaiswa nashe wake pamsoro paʋaranda ʋake, kuti aʋape mugoʋe weɀokudya ɀaʋo neŋguʋa yakafanira?
43
Wakaropafadzwa muranda uyo, unoti, kana ishe wake aciȿika, akamuwana aciita saiɀoɀo.
44
Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, kuti ucamugadza aʋe mutariri weɀose ɀaanaɀo.
45
Asi kana muranda uyo akareʋa mumŋoyo make, aciti: Ishe waŋgu wanonoka kuʋuya; akataŋga kuroʋa ʋaranda, ʋarume naʋakadzi, akadya, akanwa, akaɓatwa,
46
ishe womuranda uyo ucaȿika nezuʋa raasiŋgatariri, neŋguʋa yaasiŋgaziʋi, akamuroʋesa ɀikuru, akamupa mugoʋe wake pamŋe cete naʋasakatendeka.
47
Muranda uyo wakaziʋa kuɗa kwashe wake, akasagadzira, kana kuita kuɗa kwake, ucarobga ɀizhinji.
48
Asi usina‐kuziʋa, akaita ɀakafanira kurobga, ucarobga ɀishoma. Wakapiwa ɀizhinji, ɀizhinji ɀicatȿakwa kwaari; unotendwa neɀizhinji, ʋacareʋa ɀinopfuʋurisa kwaari.
49
Ndakaʋuya kuzokanda mŋoto panyika; ɀino ndinoti: Ƌai watoɓatidzwa hawo!
50
Ndinorubapatidzo rwandicabapatidzwa narwo; ndinomanikidzwa sei kuȿikira ɀiciitika.
51
Munofuŋga kuti ndakaʋuya kuzopa rugare panyika here? Ndinoti kwamuri: Kwete, asi kupesanisa.
52
Nokuti kubva ɀino ʋashanu ʋeimba imŋe ʋacapesana, ʋatatu ʋacipesana naʋaʋiri, ʋaʋiri naʋatatu.
53
Ƃaɓa ʋacapesana nomŋanakomana waʋo, nomŋanakomana naɓaɓa ʋake; mai nomŋanasikana waʋo, nomŋanasikana namai ʋake; ʋamŋene nomukadzi womŋanakomana waʋo, nomukadzi womŋanakomana naʋamŋene ʋake.
54
Akati kuʋanhu ʋazhinji: Kana muciʋona gore ricikwira kumaʋirira, pakarepo munoti: Mvura icanaya; ɀoitika saiɀoɀo.
55
Kana muciʋona mhepo icivuvuta icibva Zasi, munoti: Kucapisa kwaɀo; ɀoitika.
56
Imi ʋanyeŋgeri, munoziʋa kuɗudzira ɀamunoʋona ɀenyika neɀokuɗeŋga, asi hamuziʋi nei kuɗudzira ŋguʋa ino?
57
Munoregereiko kuɀitoŋgera mumene ɀakarurama?
58
Nokuti kana uciendakunashe nomudziʋisi wako, idza kuti uregedzwe naye muciri munzira; kuti arege kukukwirira kumutoŋgi, mutoŋgi akuise kumupurisa, mupurisa akusuŋge mutoroŋgo.
59
Ndinoti kwauri, hauŋgatoŋgoɓuɗi’mo, usati waripa kamari kwokupedzisira.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24