bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Luke 17
Luke 17
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 18 →
1
Ɀino wakati kuʋadzidzi ʋake: Haɀiŋgaitiki kuti ɀigumbuso ɀisaʋuya. Asi unenhamo iye waɀinoʋuya naye.
2
Ɀaiʋa nani kwaari, kuti guyo risuŋgirirwe pamutsipa wake, awisirwe muguŋgwa, pakuti agumbuse mumŋe waʋaɗuku aʋa.
3
Cenjerai; kana hama yako ikatadza, umuraire; kana akatendeʋuka, umukaŋganwire.
4
Kunyaŋge akutadzira kanomŋe nezuʋa rimŋe, akadzokera kwauri kanomŋe, aciti: Ndatendeʋuka; umukaŋganwire.
5
Ɀino ʋaapostora ʋakati kunaShe: Tiwedzerei kutenda kweɗu.
6
Ishe akati: Kana maiʋa nokutenda kwakaita setsaŋga yemastarda, maiti kumuʋonde uyu: Dzurwa, usimŋe muguŋgwa! ucakutererai.
7
Ndiani kwamuri uŋgaʋa nomuranda unorima, kana unofudza makwai, akati kwaari, acibva kumunda: Ʋuya, ugare pakudya?
8
Handiti uŋgati kwaari: Ndigadzirire ɀokudya, uɀisuŋge ciʋuno, undishandire, kuȿikira ini ndadya, ndikanwa; iwe ugozodya, nokunwa?
9
Ko uŋgatenda muranda, ɀaaita ɀakaŋga ɀarairwa here?
10
Saiɀoɀo nemi ʋo, kana maita ɀose ɀamarairwa, muti: Tiri ʋaranda pasina, takaita seɀataifanira kuita.
11
Ɀino ʋakati ʋacienda Jerusarema, akapfuʋura napaSamaria neGarirea.
12
Ɀino acipinda munomumŋe musha, akasoŋgana naʋarume ʋanegumi ʋaiʋa namaperembudzi, ʋamire kure.
13
Ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Jesu, Tenzi, tinzwirei ŋgoni!
14
Ɀino wakati aciʋaʋona, akati kwaʋari: Endai mundoɀiratidza kuʋaprista. Ʋakati ʋacienda, ʋakapora.
15
Ɀino mumŋe waʋo, wakati aciʋona kuti ndaporeswa, akadzoka, acikudza Mŋari nenzwi guru;
16
akawira pasi neciso patsoka dzake, akamuʋoŋga. Ɀino iye wakaŋga ari muSamaria.
17
Ipapo Jesu akapindura, akati: Haʋana‐kuporeswa ʋanegumi here? Ʋapfumbamŋe ʋaripiko?
18
Hapanawakawanikwa wadzokera kuzokudza Mŋari, asi uyu mutorwa here?
19
Ipapo akati kwaari: Simuka, uende; kutenda kwako kwakuponesa.
20
Ɀino wakati acibvunzwa naFarise kuti ʋushe bgaMŋari bgunoȿika rini, akapindura, akati: Ʋushe bgaMŋari habguʋuyi bguciʋonekwa.
21
Haʋaŋgati: Tarirai pano! kana: Uko! Nokuti tarirai, ʋushe bgaMŋari bguri mukati menyu.
22
Akati kuʋadzidzi ʋake: Mazuʋa acaȿika amucatȿaka kuʋona zuʋa rimŋe ramazuʋa oMŋanakomana womunhu, asi hamuŋgariʋoni.
23
Ʋacati kwamuri: Tarirai uko! Tarirai pano! Regai kuenda, kana ku ʋa teʋera;
24
nokuti semheni inopenya, icibva kunorumŋe rutiʋi pasi peɗeŋga, icivenekera kuȿikira kunorumŋe rutiʋi pasi peɗeŋga; ndiɀo ɀicaita Mŋanakomana womunhu ʋo nezuʋa rake.
25
Asi unofanira kumbotambudzika ɀizhinji, nokurashwa norudzi urwu.
26
seɀaɀakaŋga ɀakaita namazuʋa aNoa, ndiɀo ɀaɀicaita ʋo namazuʋa oMŋanakomana womunhu;
27
ʋaidya, nokunwa, nokuwana, nokuwaniswa, kuȿikira zuʋa rakapinda Noa muareka, mvura zhinji ikaȿika, ikaparadza ʋose.
28
seɀaɀakaŋga ɀakaita ʋo namazuʋa aRoti; ʋaidya, nokunwa, nokuteŋga, nokuteŋgesa, nokusima, nokuʋaka;
29
asi nomusi wakaɓuɗa Roti muSodoma, mŋoto nesurferi ɀakanaya, ɀicibva kuɗeŋga, ɀikaʋaparadza ʋose.
30
Ndiɀo ɀaɀicaita ʋo nezuʋa iro, Mŋanakomana womunhu raacaʋonekwa naro.
31
Nezuʋa iro, uri pamsoro peimba, nhumbi dzake dziri mumba, ŋgaarege kuɓuruka kundodzitora; saiɀoɀo ʋo, uri kumunda ŋgaarege kudzokera kuneɀiri shure.
32
Raŋgarirai mukadzi waRoti.
33
Aninani unotȿaka kuŋgwarira ʋupenyu bgake, ucarashikirwa nabgo, ʋuye aninani unorashikirwa nabgo, ucabguraramisa.
34
Ndinoti kwamuri: Ʋusiku ubgo ʋarume ʋaʋiri ʋacaʋa panhoʋo imŋe, mumŋe ucatorwa, mumŋe ucasiyiwa.
35
Ʋakadzi ʋaʋiri ʋacakuya pamŋe cete, mumŋe ucatorwa, mumŋe ucasiyiwa.
36
Ʋaʋiri ʋacaʋa kumunda, mumŋe ucatorwa, mumŋe ucasiyiwa.
37
Ipapo ʋakapindura, ʋakati kwaari: Ipiko, Ishe? Akati kwaʋari: Apo panomutumbu, ndi’po panoʋuŋganira ʋo magora.
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 18 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24