bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Luke 4
Luke 4
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 5 →
1
Ɀino Jesu azere noMŋeya Mutȿene, wakadzoka ɀe acibʋa paJordani, akatuŋgamirirwa noMŋeya murenje
2
aciidzwa naDiaborosi mazuʋa anamakumi manna. Wakaŋga asiŋgadyi cinhu namazuʋa iwayo; ɀino akati apera, akaziya.
3
Ɀino Diaborosi akati kwaari: Kana uri Mŋanakomana waMŋari, ʋudza ibge iri kuti riʋe ciŋgwa.
4
Jesu akamupindura, akati: Kwakanyorwa kuti munhu haaŋgararami neciŋgwa ɓedzi.
5
Ɀino akamutuŋgamirira kumsoro, akamuratidza ʋushe bgose bgenyika neŋguʋa ɗuku‐ɗuku.
6
Diaborosi akati kwaari: Ndicakupa simba iri rose nokubginya kwaɀo, nokuti ndakabgupiwa ini, kuti ndibgupe wandinoɗa.
7
Ɀino, iwe, kana ukandinamata, ɀose ɀicaʋa ɀako.
8
Jesu akapindura, akati kwaari: Kwakanyorwa kucinzi: Namata Ishe, Mŋari wako, umushumire iye oga.
9
Akaenda naye Jerusarema, akamuisa paciruʋu cetembere, akati kwaari: Kana uri Mŋanakomana waMŋari, uɀiwisire pasi pano;
10
Nokuti kwakanyorwa, kucinzi: Ucaraira ʋatumŋa ʋake pamsoro pako, kuti ʋakuceŋgete;
11
Pamaʋoko aʋo ʋacakusimudza, Kuti urege kugumbusa rutsoka rwako pabge.
12
Jesu akapindura, akati kwaari: Kwakanzi: Usaidza Ishe, Mŋari wako.
13
Diaborosi akati apedza kuidza kwose, akamusiya kuȿikira imŋe ŋguʋa.
14
Ɀino Jesu wakadzokera Garirea nesimba roMŋeya; mukurumbira wake ukanzwika nenyika yose yakapoteredza.
15
Waidzidzisa mumasinagoge aʋo, acikudzwa naʋanhu ʋose.
16
Akaȿika paNazareta, paakaŋga arerwa, akapinda musinagoge nomusi wesaɓata seɀaaisiita, akasimuka kuti araʋe.
17
Akapiwa buku yomuprofita Isaya; ɀino wakati aipetenura, akawana pakanyorwa panoti:
18
Mŋeya waShe uri pamsoro paŋgu, Nokuti wakandizodza, kuti ndiparidzire ʋarombo Evaŋgeri; Wakandituma kuti ndiziʋise ʋakatapxa kusunuŋgurwa kwaʋo; Namapofu kuti ʋaʋone ɀe; Ndiregedze ʋakatsikirirwa;
19
Nokuziʋisa gore raShe rakanaka.
20
Akapeta buku, akaidzosera kumutariri, akagara pasi; meso aʋose ʋaiʋa musinagoge akamutarisisa.
21
Ɀino akataŋga kuʋaʋudza, aciti: Nhasi rugwaro urwu rwaitika munzeʋe dzenyu.
22
Ʋose ʋakamupupurira ɀakanaka, ʋakashamiswa namashoko akanaka akaɓuɗa mumuromo make, ʋakati: Ko uyu haazi mŋanakomana waJosefa here?
23
Akati kwaʋari: Ndinoziʋa, mucareʋa shumo iyi kwandiri: Ŋaŋga uɀiporese; ɀose iɀo ɀatakanzwa ɀakaitwa paKapernaume, uɀiite ʋo nomuno munyika yako.
24
Akati: Ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Hakunomuprofita unogamucirwa munyika yake.
25
Ndinokuʋudzai shoko iri raɀokwaɗi: Kwakaŋga kunecirikadzi zhinji pakati paʋaIsraeri pamazuʋa aEria, paŋguʋa yakazarirwa ɗeŋga makore matatu nemŋedzi mitanhatu, nzara huru ikaʋa’po panyika yose;
26
asi Eria haana‐kutumŋa kunomumŋe waʋo, asi wakatumŋa Sarepta ɓedzi, munyika yeSidoni, kumukadzi waiʋa cirikadzi.
27
Kwakaŋga kunaʋaiʋa namaperembudzi ʋazhinji pakati paʋaIsraeri pamazuʋa omuprofita Erisha; hakunomumŋe waʋo wakanatswa, asi Naamani ɓedzi, muSiria.
28
Ipapo ʋose ʋakaŋga ʋari musinagoge, ʋakatsamŋa ɀikuru, ʋacinzwa iɀoɀo,
29
ʋakasimuka, ʋakamudziŋgira kunze kweguta, ʋakaenda naye kumawere egomo, pakaŋga pakaʋakwa guta raʋo, kuti ʋamuwisire pasi.
30
Asi iye wakapinda napakati paʋo, akaenda.
31
Ɀino wakaɓurukira Kapernaume, raiʋa guta reGarirea; akasiʋadzidzisa nemisi yesaɓata;
32
ʋakashamiswa nokudzidzisa kwake; nokuti shoko rake rakaŋga rinesimba.
33
Ɀino musinagoge makaŋga munomunhu wakaŋga anomŋeya wakaipa wetȿina; iye akaɗanidzira nenzwi guru, aciti:
34
Haiwa, tinemhaka yeiko nemi, Jesu weNazareta? Maʋuya kuzotiparadza kanhi? Ndinokuziʋai kuti ndimi ani; muri Mutȿene waMŋari.
35
Ipapo Jesu akauraira, aciti: Nyarara, uɓuɗe kwaari! Mŋeya wakaipa ukamuwisira pasi pakati paʋo, ukaɓuɗa kwaari, usina‐kutoŋgomukuʋadza.
36
Kutya kukaʋawira ʋose, ʋakataurirana, ʋaciti: Shoko iri ndereiko? Nokuti unoraira mŋeya yetȿina necikuriri nesimba, ikaɓuɗa.
37
Mukurumbira wake ukanzwika kumatiʋi ose enyika yakapoteredza.
38
Ɀino wakasimuka musinagoge, akapinda mumba maSimoni. Mai ʋomukadzi waSimoni ʋakaŋga ʋakaɓatwa nefiviri ɀikuru; ʋakaʋakumbirira kwaari.
39
Ipapo akakotamira pamsoro paʋo, akaraira fiviri, ikaʋarega; ʋakasimuka pakarepo, ʋakaʋashandira.
40
Ɀino zuʋa rakati roʋira, ʋose ʋaiʋa naʋanorwara nehosha zhinji ʋakaʋuya naʋo kwaari; akaisa maʋoko ake pamsoro pomumŋe nomumŋe waʋo, akaʋaporesa.
41
Nemŋeya yakaipa yakaɓuɗa kuʋazhinji, iciɗanidzira, iciti: Ndimi Mŋanakomana waMŋari! Asi wakairaira, akasaitendera kutaura, nokuti yakaŋga iciziʋa kuti ndiye Kristu.
42
Ɀino kwakati kwaedza, akaɓuɗa, akaenda kwakaŋga kunerenje; ʋazhinji ʋakamutȿaka, ʋakaȿika kwaari, ʋakaidza kumudziʋisa, kuti arege kubva kwaʋari.
43
Asi wakati kwaʋari: Ndinofanira kuparidzira mamŋe maguta ʋo Evaŋgeri yoʋushe bgaMŋari; nokuti ndiɀo ɀandakatumirwa.
44
Akasiparidza mumasinagoge eGarirea.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24