bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Luke 21
Luke 21
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 22 →
1
Ɀino wakati acitarira, akaʋona ʋafumi ʋaciisa ɀipo ɀaʋo muciʋigiro cemari.
2
Akaʋona imŋe cirikadzi, waiʋa murombo, aciisa’mo tumari tuʋiri tuɗuku.
3
Akati: Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Cirikadzi iyi, iri murombo, yakaisa kupfuʋura ʋamŋe ʋose;
4
nokuti aʋo ʋose ʋakaisa paɀipo, ʋacitora paɀizhinji ɀaʋo, asi uyu wakaisa, acitora pakushaiwa kwake, ɀaaifanira kurarama naɀo, ɀose ɀaakaŋga anaɀo.
5
Ɀino ʋamŋe ʋakati ʋacitaura pamsoro petembere, kuti yakaŋga yakashoŋgedzwa namabge akanaka neɀipo, iye akati:
6
Kana ɀiri iɀi ɀamunoʋona, mazuʋa acaȿika, asiŋgazoregwi ibge pamsoro pebge, risiŋgazowisirwi pasi.
7
Ɀino ʋakamubvunza, ʋaciti: Mudzidzisi, iɀoɀi ɀicagoʋa riniko? Neciratidzo cicaʋa cipi, kana iɀoɀi ɀoɗo‐kuitwa?
8
Akati: Cenjerai, kuti murege kutsauswa; nokuti ʋazhinji ʋacaʋuya nezita raŋgu, ʋaciti: Ndini Kristu; ŋguʋa yasweɗera. Musaʋateʋera.
9
Kana mucinzwa ɀokurwa, nenyoŋganiso, musavunduka henyu, nokuti iɀoɀi ɀinofanira kumboitwa; asi kuguma hakuȿiki pakarepo.
10
Akati kwaʋari: Rudzi rumŋe rucamukira rumŋe rudzi, noʋushe bgumŋe bgucamukira bgumŋe ʋushe.
11
Kuɗeŋgenyeka kukuru kwenyika kucaʋa’po, nokunedzimŋe nɀimbo nzara nehosha, neɀinotyisa, ʋuye ɀiratidzo ɀikuru, ɀicabva kuɗeŋga, ɀicaʋa’po.
12
Asi iɀoɀi ɀose ɀisati ɀaȿika, ʋacakuɓatai, nokukutambudzai, ʋacikuisai kumasinagoge nomumatoroŋgo, nokukuisai pamberi pamadzimambo naʋaɓati, nokuɗa kwezita raŋgu.
13
Ici cicaʋa capupu kwamuri.
14
Naiɀoɀo simbai mumŋoyo menyu, kuti murege kumbofuŋgisisa pamucapindura napo.
15
Nokuti ndicakupai muromo nokucenjera, kucakonesa ʋaʋeŋgi ʋenyu ʋose kukukundai nokuramba ɀamunoreʋa.
16
Mucaiswa kuʋatoŋgi kunyaŋge naʋaɓereki, naʋanuŋuna, nehama, neshamŋari; ʋamŋe ʋenyu ʋacaʋurawa.
17
Mucaʋeŋgwa naʋanhu ʋose nokuɗa kwezita raŋgu.
18
Asi ruvudzi rumŋe rwomusoro wenyu haruŋgarashiki.
19
Nokutsuŋgirira kwenyu mucawana ʋupenyu bgenyu.
20
Ɀino kana muciʋona Jerusarema rakombga nehondo, ziʋai kuti roɗokuparadzwa.
21
Musi uyo ʋari muJudea ŋgaʋatizire kumakomo; naʋari pakati paro ŋgaʋaɓuɗe; naʋari kuruwa ŋgaʋarege kupinda’mo.
22
Nokuti iwayo ndiwo mazuʋa okutsiʋa, kuti ɀose ɀakanyorwa ɀiitike.
23
Asi ʋacaʋa nenhamo ʋanemimba naʋanomŋisa namazuʋa iwayo, nokuti kutambudzika kukuru kucaʋa’po panyika, nokutsamŋa pamsoro paʋanhu iʋaʋo.
24
Ʋacaparadzwa nomuromo womunondo, nokutapxa kumarudzi ose; Jerusarema ricatsikwa naʋahedeni, kuȿikira ŋguʋa dzaʋahedeni dzazadzika.
25
Ɀiratidzo ɀicaʋa’po pazuʋa napamŋedzi, napanyeredzi; napanyika ʋurombo bgaʋanhu, ʋacikaŋganiswa nokutinhira kweguŋgwa namafuŋgu;
26
ʋanhu ʋacapera nokutya nokutarira ɀinowira nyika; nokuti masimba okuɗeŋga acaɗeŋgenyeka.
27
Ipapo ʋacaʋona Mŋanakomana womunhu aciʋuya negore, nesimba rokubginya kukuru.
28
Asi kana iɀoɀi ɀicitaŋga kuitika, tarirai kumsoro, musimudze misoro yenyu, nokuti kusunuŋgurwa kwenyu kwasweɗera.
29
Ɀino akaʋataurira mufananidzo, aciti: Tarirai muʋonde nemiti yose;
30
Kana yotuŋga, mukaɀiʋona, munoziʋa mumene, kuti ɀino zhezha raʋa pedyo.
31
Saiɀoɀo, nemi ʋo, kana moʋona iɀoɀo ɀoitwa, ziʋai kuti ʋushe bgaMŋari bgaʋa pedyo.
32
Ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Rudzi urwu haruŋgatoŋgopfuʋuri, kuȿikira ɀose ɀaitika.
33
Ƌeŋga nenyika ɀicapfuʋura, asi mashoko aŋgu haaŋgatoŋgopfuʋuri.
34
Cenjerai, kuti mŋoyo yenyu irege kuremedzwa nokudyisa nokuɓatwa, nokufuŋganya pamsoro peɀinhu ɀoʋupenyu bguno, kuti zuʋa iro rirege kukuwirai seriʋa.
35
Nokuti ricawira ʋose ʋagere panyika yose.
36
Asi rindai neŋguʋa dzose, mukumbire, kuti mugone kupukunyuka paɀinhu iɀi ɀose ɀinozoitwa, mugomira pamberi poMŋanakomana womunhu.
37
Ɀino waidzidzisa masikati mutembere, asi ʋusiku waiɓuɗa, akandoʋata mugomo rinonzi reMiorivi.
38
Ʋanhu ʋose ʋakaʋuya kwaari mutembere maŋgwanani, kuzomunzwa.
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 22 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24