bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Luke 18
Luke 18
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 19 →
1
Ɀino wakaʋaʋudza mufananidzo wokuti ʋanofanira kunyeŋgetera ŋguʋa dzose, ʋasiŋgarashi mŋoyo;
2
akati: Munerimŋe guta makaŋga munomumŋe mutoŋgi, wakaŋga asiŋgatyi Mŋari, kana kuʋa nehanya nomunhu.
3
Ɀino kwakaŋga kunecirikadzi muguta iro, yairamba iciʋuya kwaari, iciti: Ndiruramisire kumuʋeŋgi waŋgu.
4
Iye akamboramba ŋguʋa; asi pashure akati mumŋoyo make: Kunyaŋge ndisiŋgatyi Mŋari, kana kuʋa nehanya nomunhu;
5
iyi cirikadzi ɀainonditambudza, ndicairuramisira, kuti irege kuzoʋuya pashure indiroʋe kumeso.
6
Ishe akati: Inzwai ɀinorebga nomutoŋgi usakarurama.
7
Ko ɀino Mŋari haaŋgaruramisiri ʋakasanaŋgurwa ʋake, ʋanoɗanidzira kwaari masikati noʋusiku, kunyaŋge acinonoka pamsoro paʋo here?
8
Ndinoti kwamuri: Ucakurumidza kuʋaruramisira. Asi Mŋanakomana womunhu kana aciȿika, ucawana kutenda panyika here?
9
Wakareʋa ʋo mufananidzo uyu kunaʋamŋe, ʋakaŋga ʋaciɀitenda, ʋaciti takarurama, ʋaciɀidza ʋamŋe, akati:
10
Ʋanhu ʋaʋiri ʋakakwira kutembere kundonyeŋgetera, mumŋe ari muFarise, mumŋe ari muteresi.
11
MuFarise akandomira, akanyeŋgetera kuɗai, aciɀireʋa, akati: Ndinokutendai Mŋari, kuti handina‐kufanana naʋamŋe ʋanhu, makororo, ʋasakarurama, mhombge, kana nomuteresi uyo.
12
Ndinoɀinyima ɀokudya kaʋiri neviki, ndinopa cegumi ceɀose ɀandinowana.
13
Asi muteresi wakamira kure, asiŋgaɗi kunyaŋge nokutarira kuɗeŋga, akaɀiroʋa cifuʋa, akati: Mŋari, ndinzwirei tsitsi, ini mutadzi!
14
Ndinoti kwamuri: Uyu wakaɓurukira kumba kwake aruramiswa kupfuʋura uya. Nokuti mumŋe nomumŋe, unoɀikudza, ucaninipiswa, nomumŋe nomumŋe, unoɀininipisa ucakudzwa.
15
Ɀino ʋakaʋuya naʋacece ʋo kwaari, kuti aʋanyaŋgate; asi ʋadzidzi ʋakati ʋaciɀiʋona, ʋakaʋaraira.
16
Ipapo Jesu akaʋaɗanira kwaari, akati: Regai ʋana ʋaɗuku, ʋaʋuye kwandiri, musaʋadziʋisa, nokuti ʋushe bgaMŋari ndobgaʋakaɗai.
17
Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Aninani usiŋgagamuciri ʋushe bgaMŋari somŋana muɗuku, haaŋgatoŋgopindi mabguri.
18
Ɀino mumŋe mukuru wakamubvunza, akati: Mudzidzisi wakanaka, ndiŋgaiteiko kuti ndigare nhaka yoʋupenyu bgusiŋgaperi?
19
Jesu akati kwaari: Unondiidzireiko wakanaka? Hakuna‐wakanaka, asi mumŋe cete, iye Mŋari.
20
Mirairo unoiziʋa, inoti: Usaita ʋupombge, usaʋuraya, usaɓa, usapupura nhema, kudza ɓaɓa ʋako namai ʋako.
21
Iye akati: Iɀi ɀose ndakaɀiceŋgeta kubva paʋuɗuku bgaŋgu.
22
Ɀino Jesu aciɀinzwa, akati kwaari: Unoshaiwa cinhu cimŋe cete; teŋgesa ɀose ɀaunaɀo, upe ʋarombo, uʋe nefuma kuɗeŋga; ugoʋuya, unditeʋere.
23
Ɀino wakati acinzwa iɀoɀo, akaɓatwa neshuŋgu kwaɀo; nokuti wakaŋga anefuma zhinji.
24
Ɀino Jesu, acimuʋona, akati: Ʋanefuma ʋacaremerwa sei kupinda muʋushe bgaMŋari.
25
Nokuti kamera iŋgarerukirwa kupinda paʋuri rorunji, kumufumi kupinda muʋushe bgaMŋari.
26
Ɀino ʋakaŋga ʋaɀinzwa, ʋakati: Ndianiko uŋgagoponeswa?
27
Iye akati: Iɀo ɀisiŋgabviri kuʋanhu, ɀinobvira kunaMŋari.
28
Ipapo Petro akati: Tarirai, isu takasiya ɀose, tikakuteʋerai.
29
Akati kwaʋari: Ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Hakunomunhu wakasiya imba, kana mukadzi, kana ʋanuŋuna, kana ʋaɓereki, kana ʋana, nokuɗa kwoʋushe bgaMŋari,
30
usiŋgazopiwi ɀizhinji kunaiɀoɀo neŋguʋa ino, ʋuye ʋupenyu bgusiŋgaperi neŋguʋa inoʋuya.
31
Ɀino wakatora ʋanegumi naʋaʋiri, akati kwaʋari: Tarirai, tinokwira Jerusarema, Mŋanakomana womunhu ucaitirwa ɀose ɀakanyorwa naʋaprofita.
32
Nokuti ucaiswa kuʋahedeni, nokusekwa, nokuitirwa ɀakaipa, nokupfirwa mate,
33
ʋacamuroʋesa, nokumuʋuraya, asi nezuʋa retatu ucamuka ɀe.
34
Asi haʋana‐kunzwisisa cinhu cimŋe caiɀoɀo; shoko iri rakaŋga rakaʋanzika kwaʋari, ʋuye haʋana‐kunzwisisa iɀo ɀakarebga.
35
Ɀino wakati asweɗera Jeriko, rimŋe ɓofu raigara panzira ricikumbira,
36
rakanzwa ʋanhu ʋazhinji ʋacipfuʋura, rikabvunza, riciti: Cinyiko?
37
Ʋakariʋudza, ʋaciti: NdiJesu weNazareta unopfuʋura.
38
Ipapo rakaɗanidzira, riciti: Jesu, Mŋanakomana waDavidi, ndinzwirei ŋgoni!
39
Ɀino ʋakaŋga ʋakatuŋgamira ʋakariraira, kuti rinyarare; asi rakanyanya kuɗanidzira, riciti: Mŋanakomana waDavidi, ndinzwirei ŋgoni!
40
Ɀino Jesu wakamira, akaraira kuti ʋaʋuye naro kwaari; rikati rasweɗera, akaribvunza,
41
aciti: Unoɗa kuti ndikuitireiko? Rikati: Ishe, kuti ndiʋone.
42
Jesu akati kwariri: Ciʋona, kutenda kwako kwakuponesa.
43
Pakarepo rikaʋona, rikamuteʋera, ricirumbidza Mŋari. Ʋanhu ʋose ʋakati ʋaciɀiʋona, ʋakakudza Mŋari.
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 19 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24