bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Luke 20
Luke 20
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 21 →
1
Ɀino panerimŋe ramazuʋa iwayo, acidzidzisa ʋanhu mutembere, aciʋaparidzira Evaŋgeri, ʋaprista ʋakuru naʋanyori naʋakuru ʋakaȿika,
2
ʋakataura, ʋakati kwaari: Tiʋudzei, kuti munoita ɀinhu iɀi nesimba ripi, kana ndianiko wakakupai simba iri?
3
Akapindura, akati kwaʋari: Neni ndicakubvunzai ʋo shoko; ndiʋudzei:
4
Rubapatidzo rwaJohane rwakabva kuɗeŋga kana kuʋanhu here?
5
Ʋakataurirana pakati paʋo, ʋaciti: Kana tikati, Kuɗeŋga, ucati: Makagoregerei kumutenda?
6
Asi kana tikati, Kuʋanhu, ʋanhu ʋose ʋacatitaka namabge; nokuti iʋo ʋanotenda kuti Johane waiʋa muprofita.
7
Ʋakapindura, ʋaciti hatiziʋi kwarwakabva.
8
Ɀino Jesu akati kwaʋari: Neni ʋo handiŋgakuʋudziyi simba randinoita naro ɀinhu iɀi.
9
Ɀino wakataŋga kuʋudza ʋanhu mufananidzo uyu: Mumŋe munhu wakaŋga asima munda wemizambiriŋga; akaupa ʋarimi, akandogara kumŋe ŋguʋa refu.
10
Neŋguʋa yeɀiɓereko akatuma muranda kuʋarimi, kuti ʋamupe ɀiɓereko ɀomunda wemizambiriŋga; asi ʋarimi ʋakamuroʋa, ʋakamudzosa asina.
11
Akatuma ɀe mumŋe muranda; naiye ʋo ʋakamuroʋa, ʋakamunyadzisa, ʋakamudzosa asina.
12
Akatuma ɀe wecitatu; naiye ʋakamukuʋadza, ʋakamuɓuɗisa kunze.
13
Ɀino mŋene womunda wemizambiriŋga akati: Ndicaiteiko? Ndicatuma mŋanakomana waŋgu unoɗikanwa, ɀimŋe ʋacamukudza iye.
14
Asi ʋarimi ʋakati ʋacimuʋona, ʋakaraŋgana, ʋakati: Uyu ndiye mugari wenhaka; ŋgatimuʋuraye, nhaka igoʋa yeɗu.
15
Ʋakamuɓuɗisa kunze kwomunda wemizambiriŋga, ʋakamuʋuraya. Ɀino, mŋene womunda wemizambiriŋga ucaʋaiteiko?
16
Ucaʋuya, akaparadza ʋarimi iʋaʋa; munda wemizambiriŋga akaupa ʋamŋe. Ɀino ʋacinzwa iɀoɀo, ʋakati: Haiȿa!
17
Wakati aʋatarisisa, akati: Ɀino cinyiko ico cakanyorwa, cinoti: Ibge rakarashwa naʋaʋaki, Ndiro rakazoʋa musoro wekona?
18
Mumŋe nomumŋe unowira pamsoro pebge iro, ucavunikanya; asi ricaparadza warinowira.
19
Ɀino ʋanyori naʋaprista ʋakuru ʋakatȿaka neŋguʋa iyo kumuɓata, asi ʋakatya ʋanhu; nokuti ʋakaziʋa kuti wakaʋareʋa iʋo nomufananidzo uyo.
20
Ʋakamucerekedza, ʋakatuma ʋashori, ʋakaɀiita saʋanhu ʋakarurama, kuti ʋamuɓate pakutaura kwake, ʋamuise kuʋushe nesimba romutoŋgi.
21
Ʋakamubvunza, ʋaciti: Mudzidzisi, tinoziʋa kuti munotaura nokudzidzisa ɀakarurama, musiŋgatendi ɀinoʋonekwa ɀomunhu, asi munodzidzisa nzira yaMŋari neɀokwaɗi.
22
Ko ɀino takatenderwa kuripira Kesari mutero here, kana kwete?
23
Asi iye aciziʋa kunyeŋgera kwaʋo, akati kwaʋari:
24
Ndiratidzei denari. Rinomufananidzo norunyoro rwaniko? Ʋakati: ⱿaKesari.
25
Ipapo akati kwaʋari: Naiɀoɀo ipai Kesari ɀaKesari, naMŋari ɀaMŋari.
26
Ʋakakoniwa kumuɓata pakutaura kwake pamberi paʋanhu; ʋakashamiswa nokupindura kwake, ndokunyarara.
27
Ɀino ʋamŋe ʋaSaduse, iʋo ʋanoramba kumuka kwaʋakafa ʋaciti hakuna, ʋakaʋuya kwaari, ʋakamubvunza,
28
ʋaciti: Mudzidzisi, Mosesi wakatinyorera kuti kana mukoma womunhu akafa, anomukadzi, asi iye asinaʋana, munuŋuna wake atore mukadzi wake, amutsire mukoma wake ʋana.
29
Ɀino, kwakaŋga kunaʋanakomana ʋomunhu mumŋe ʋanomŋe; weɗaŋgwe akatora mukadzi, akafa asinaʋana;
30
nowecipiri;
31
nowecitatu akamutora; nokuɗaro naʋanomŋe ʋose, ʋakasasiya ʋana, ʋakafa.
32
Pashure mukadzi akafa ʋo.
33
Ɀino pakumuka ucaʋa mukadzi waniko kwaʋari? Nokuti wakaŋga ari mukadzi wa ʋose ʋanomŋe.
34
Jesu akati kwaʋari: Ʋanakomana ʋenyika ino ʋanowana, ʋuye ʋanowaniswa;
35
asi aʋo ʋacanzi naMŋari ʋakafanira kuwana nyika iyo nokumuka kwaʋakafa, haʋawani, ʋuye haʋawaniswi.
36
Nokuti haʋazofi ɀe; nokuti ʋacaenzana naʋatumŋa; ʋaʋa ʋanakomana ʋaMŋari ɀaʋari ʋanakomana ʋokumuka.
37
Naiye Mosesi ʋo wakaratidza pashoko reGwenzi kuti ʋakafa ʋanomutswa ɀe, paakati Ishe ndiye Mŋari waAbrahama, naMŋari waIsaka, naMŋari waJakobo.
38
Ɀino Mŋari haazi Mŋari waʋakafa, asi waʋapenyu; nokuti ʋose ʋapenyu kwaari.
39
Ipapo ʋamŋe ʋanyori ʋakamupindura, ʋakati: Mudzidzisi, mataura ɀakanaka.
40
Nokuti ʋakaŋga ʋacitya kuzomubvunza cinhu.
41
Ɀino akati kwaʋari: Ʋanoreʋa seiko kuti Kristu ndiye Mŋanakomana waDavidi?
42
Nokuti Davidi wakareʋa amene mubuku yaMapisarema, aciti: Ishe wakati kunaShe waŋgu: Gara kurudyi rwaŋgu,
43
Kuȿikira ndaisa ʋaʋeŋgi ʋako ʋaʋe citsiko cetsoka dzako.
44
Naiɀoɀo, Davidi unomuidza Ishe, ɀino uŋgagoʋa Mŋanakomana wake seiko?
45
Ɀino akati kuʋadzidzi ʋake, ʋanhu ʋose ʋaciɀinzwa:
46
Cenjerai ʋanyori, ʋanoɗa kufamba neŋguʋo refu, ʋacifarira kukwaziswa paɗare, neɀigaro ɀapamberi mumasinagoge, noʋugaro bgapamberi pamitambo;
47
ʋanoparadza dzimba dzecirikadzi, ʋaciita mano‐mano eminyeŋgetero mirefu; iʋaʋo ʋacatoŋgerwa ɀakaipa ɀinopfuʋurisa.
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 21 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24