bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Luke 16
Luke 16
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 17 →
1
Ɀino wakati ʋo kuʋadzidzi ʋake: Kwakaŋga kunomufumi, waiʋa nomutariri; iye akacerwa kwaari, ɀicinzi unoparadza fuma yake.
2
Ipapo akamuɗana, akati kwaari: Iɀi ɀandinonzwa pamsoro pako ndeɀeiko? Ciɀiɗaʋirira pamsoro poʋutariri bgako; nokuti hauŋgazoʋi mutariri.
3
Ɀino mutariri akati mumŋoyo make: Ndicaiteiko, ishe waŋgu ɀowonditorera ʋutariri bgaŋgu? Handinesimba rokurima naro; kukumbira ndinonyara.
4
Ndinoziʋa ɀandicaita, kuti kana ndaɓuɗiswa paʋutariri, ʋandigamucire mudzimba dzaʋo.
5
Ɀino akaɗana mumŋe nomumŋe wakaŋga anecikwerete nashe wake, akati kunowokutaŋga: Unecikwerete cakaɗiniko kunashe waŋgu?
6
Iye akati: Makate anezana amafuta. Akati kwaari: Tora runyoro rwako, gara pasi pakarepo, unyore makumi mashanu.
7
Akati kunomumŋe: Ko iwe, unecikwerete cakaɗiniko? Iye akati: Mateŋgu anezana eɀiyo. Akati kwaari: Tora runyoro rwako, unyore makumi masere.
8
Ishe wake akarumbidza mutariri usakarurama, nokuti wakaŋga aita nokucenjera; nokuti ʋana ʋenyika ino ʋakacenjera parudzi rwaʋo kukunda ʋana ʋeciedza.
9
Ndinoti kwamuri: Muɀiitire shamŋari neFuma isakarurama, kuti, kana yapera, ʋakugamucirei mudzimba dzisiŋgaperi.
10
Wakatendeka paɀinhu ɀiɗuku‐ɗuku, wakatendeka ʋo paɀikuru; asi usakarurama paɀinhu ɀiɗuku‐ɗuku, haaŋgarurami ʋo paɀikuru.
11
Naiɀoɀo kana musina‐kuʋa ʋakatendeka pafuma isakarurama, ndianiko ucakutendai nefuma yaɀokwaɗi?
12
Kana musina‐kuʋa ʋakatendeka paɀinhu ɀomumŋe, ndianiko ucakupai ɀenyu?
13
Hakunomuranda uŋgagona kuɓatira ʋatenzi ʋaʋiri: nokuti ucaʋeŋga mumŋe, akaɗa mumŋe; kana ucanamatira mumŋe, akaɀidza mumŋe; hamuŋgaɓatiri Mŋari neFuma.
14
Ɀino ʋaFarise, ʋakaŋga ʋaciɗa mari, ʋakanzwa iɀoɀo ɀose, ʋakamuseka.
15
Akati kwaʋari: Imi munoɀiruramisa pamberi paʋanhu, asi Mŋari unoziʋa mŋoyo yenyu; nokuti iɀo ɀinokudzwa pakati paʋanhu, ɀinonyaŋgadza pamberi paMŋari.
16
Murairo naʋaprofita ɀakaŋga ɀiri’po kuȿikira kunaJohane; kubva paŋguʋa iyo ʋushe bgaMŋari bgunoparidzwa, mumŋe nomumŋe unopinda mabguri nesimba.
17
Asi ɀakareruka kuti kuɗeŋga nenyika ɀipfuʋure, pakuti tsaŋga imŋe yomurairo ikoneswe.
18
Mumŋe nomumŋe unorasha mukadzi wake, akawana mumŋe, unoita ʋupombge; ʋuye mumŋe nomumŋe unowana wakarashwa nomurume, unoita ʋupombge.
19
Mumŋe mufumi wakaŋga ari’po, waipfeka ŋguʋo tȿuku nemiceka yakanaka, nokufarira ɀakaiȿo‐naka misi yose.
20
Ɀino mumŋe murombo, wainzi Razaro, wakaŋga anamaronda mazhinji, akaiswa pasuʋo rake,
21
aciɗa kuɀigutisa neɀaiwa patafura romufumi; kunyaŋge nembga dzaiʋuya dzicinanɀa maronda ake.
22
Ɀino murombo wakati afa, ʋatumŋa ʋakamuisa pacifuʋa caAbrahama. Mufumi akafa ʋo, akaʋigwa.
23
Ɀino ari paHadesi, ari pakurwadziwa, akatarira kumsoro, akaʋona Abrahama ari kure, naRazaro ari pacifuʋa cake.
24
Akaɗanidzira, akati: Ƃaɓa Abrahama, ndinzwirei ŋgoni; tumai Razaro, kuti anyike muromo womunwe wake mumvura, atonhodze rurimi rwaŋgu, nokuti ndinorwadziwa nomuraɀo uyu womŋoto.
25
Abrahama akati: Mŋana, fuŋga kuti wakapiwa ɀakanaka ɀako paʋupenyu bgako; naRazaro, saiɀoɀo wakapiwa ɀakaipa; asi ɀino iye unonyaradzwa pano, iwe unorwadziwa.
26
Ʋuye paɀinhu iɀi ɀose, mukaha mukuru wakaiswa pakati peɗu nemi, kuti ʋoʋuno ʋanoɗa kuenda mhiri kwamuri, ʋakoniwe, noʋo’ko ʋarege kuyambukira kwatiri.
27
Ipapo akati: Ndinokumbira kwamuri Ƃaɓa, kuti mumutumire kumba kwaɓaɓa ʋaŋgu;
28
nokuti ndinaʋanuŋuna ʋashanu; kuti andonatso‐ʋapupurira, kuti ʋarege kuʋuya ʋo panɀimbo ino yokurwadziwa.
29
Abrahama akati: Mosesi naʋaprofita ʋanaʋo, ŋgaʋaʋanzwe iʋo.
30
Iye akati: Kwete, Ƃaɓa Abrahama, asi kana mumŋe akabva kuʋakafa, akaenda kwaʋari, ʋaŋgatendeʋuka.
31
Akati kwaari: Kana ʋasiŋganzwi Mosesi naʋaprofita, haʋaŋgatendiswi, kunyaŋge mumŋe akamuka kuʋakafa.
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 17 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24