bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Luke 5
Luke 5
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 6 →
1
Ɀino, ʋanhu ʋazhinji ʋakati ʋacimumanikidza kuti ʋanzwe shoko raMŋari, iye amire paguŋgwa reGenesareta,
2
akaʋona magwa maʋiri ari paguŋgwa, asi ʋaɓati ʋehoʋe ʋakaŋga ʋaɓuɗa maari, ʋacisuka ʋutaʋa bgaʋo.
3
Akapinda munerimŋe igwa, raiʋa raSimoni, akakumbira kwaari kuti abve pamhenderekedzo paɗuku apinde mumʋura. Ɀino akagara, akadzidzisa ʋanhu ʋazhinji, ari mugwa.
4
Wakati apedza kutaura, akati kunaSimoni: Pindai kwakadzika, mukande ʋutaʋa bgenyu, kuti muɓate.
5
Simoni akapindura, akati: Tenzi, takatambura ʋusiku bgose, tisiŋgaɓati cinhu; asi ɀamaɗaro imi, ndicakanda ʋutaʋa.
6
Ʋakati ʋaita iɀoɀo, ʋakakomba hoʋe zhinji; ʋutaʋa bgaʋo bgukabvaruka.
7
Ʋakaninira shamŋari dzaʋo munerimŋe igwa, kuti ʋaʋuye kuzoʋaɓatsira. Ʋakaʋuya, ʋakazadza magwa ose ari maʋiri, akaŋga onyura.
8
Ɀino, Simoni Petro wakati aciɀiʋona, akaɀiwisira pasi pamabvi aJesu, akati: Ishe, ibvai kwandiri, nokuti ndiri mutadzi.
9
Nokuti wakaŋga ashamiswa iye, naʋose ʋaakaŋga anaʋo nokuwanda kwehoʋe dzaʋakaŋga ʋaɓata.
10
Ndiɀo ɀaŋga ɀaita ʋo Jakobo naJohane, ʋanakomana ʋaZebedi, ʋaiʋa shamŋari dzaSimoni. Ipapo Jesu akati kunaSimoni: Usatya, kubva ɀino ucaɓata ʋanhu.
11
Ɀino, ʋakati ʋaisa magwa kunyika, ʋakasiya ɀose ʋakamuteʋera.
12
Wakati ari kunerimŋe guta, tarira, kwakaŋga kuno murume wakaŋga anamaperembudzi pamuʋiri wose; iye akati aciʋona Jesu, akaɀiwisira pasi neciso, ndokukumbira kwaari, aciti: Ishe, kana muciɗa, munogona kundinatsa.
13
Ipapo akatambanudza ruʋoko, akamuɓata, aciti: Ndinoɗa, cinatswa! Pakarepo maperembudzi akabva kwaari.
14
Akamuraira kuti asaʋudza munhu, akati: Enda undoɀiratidza kumuprista, uɓayire pamsoro pokunatswa kwako ɀakarairwa naMosesi, ciʋe capupu kwaʋari.
15
Asi mukurumbira wake wakapararira nokupfuʋurisa; ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakaʋuŋgana kuzo mu nzwa, nokuporeswa matenda aʋo.
16
Asi iye wakaenda mumarenje, akandonyeŋgetera.
17
Nerimŋe ramazuʋa iwayo wakaŋga acidzidzisa; ʋaFarise naʋadzidzisi ʋomurairo ʋakaŋga ʋagere’po, ʋaibva kumisha yose yeGarirea neJudea neJerusarema; simba raShe rokuporesa rakaŋga rinaye.
18
Ɀino, tarira, ʋamŋe ʋarume ʋakaŋga ʋakatakura munhu wakaŋga akafa miteɀo, ari panhoʋo, ʋakatȿaka kupinda naye, nokumuisa pamberi pake.
19
Ɀino, ʋakati ʋacishaiwa paʋaŋgamupinza napo, nokuɗa kwaʋazhinji, ʋakakwira pamsoro peimba, ʋakamuɓurusira mukati nenhoʋo yake, napakati pamapfuriro, pamberi paJesu.
20
Iye akati aciʋona kutenda kwaʋo, akati: Murume, wakaŋganwirwa ɀiʋi ɀako.
21
Ʋanyori naʋaFarise ʋakataŋga kufuŋga, ʋaciti: Ndianiko uyu unotaura acimhura Mŋari? Ndianiko uŋgakaŋganwira ɀiʋi, asi Mŋari oga?
22
Ɀino Jesu, ɀaaiziʋa mifuŋgo yaʋo, akapindura, akati kwaʋari: Munofuŋgeiko mumŋoyo yenyu?
23
Cinyiko cakareruka, kuti: Wakaŋganwirwa ɀiʋi ɀako, kana kuti: Simuka, ufambe?
24
Asi kuti muziʋe kuti Mŋanakomana womunhu unesimba panyika rokukaŋganwira ɀiʋi, (akati kunowakafa mitezo:) Ndinoti kwauri: Simuka, utore nhoʋo yako, uende kumba kwako.
25
Akasimuka pakarepo pamberi paʋo, akatora caakaŋga aʋete pamsoro paco, akaenda kumba kwake, acirumbidza Mŋari.
26
Ʋakashamiswa ʋose, ʋakarumbidza Mŋari, ʋakatya kwaɀo, ʋaciti: Taʋona maɗambi nhasi!
27
Shure kwaiɀoɀo, wakaɓuɗa, akaʋona muteresi, wainzi Revi, agere panotereswa, akati kwaari: Nditeʋere!
28
Iye akasiya ɀose, akasimuka, akamuteʋera.
29
Revi akamuitira mutambo mukuru mumba make; kukaʋa’po ʋazhinji‐zhinji ʋaʋateresi naʋamŋe, ʋakaŋga ʋagere naʋo pakudya.
30
ƲaFarise naʋanyori ʋaʋo ʋakanyunyutira ʋadzidzi ʋake, ʋaciti: Munodyireiko naʋateresi naʋatadzi, nokunwa naʋo?
31
Jesu akapindura, akati kwaʋari: Ʋasiŋgarwari haʋatȿaki ŋaŋga, asi ʋanorwara.
32
Handina‐kuʋuya kuzoɗana ʋakarurama, asi ʋatadzi, kuti ʋatendeʋuke.
33
Ɀino ʋakati kwaari: Ʋadzidzi ʋaJohane ʋanoɀinyima ɀokudya kazhinji, ʋacikumbira; naʋaʋaFarise ʋanoɗaro ʋo, asi ʋenyu ʋanodya nokunwa.
34
Jesu akati kwaʋari: Muŋgadziʋisa shamŋari dzecikomba kudya, cikomba ciri kwaʋari here?
35
Asi mazuʋa acaȿika; ɀino kana cikomba cazobviswa kwaʋari, ʋacaɀinyima ɀokudya namazuʋa iwayo.
36
Akataura naʋo nomufananidzo, akati: Hakunomunhu ucabvarura ciremo paŋguʋo itȿa, akaciisa paŋguʋo yakasakara; nokuti ucabvarura nguʋo itȿa, ʋuye ciremo ceŋguʋo itȿa haciŋganzwani neyakasakara.
37
Hakunomunhu ucaɗira waini itȿa muhomboɗo tsaru; nokuti waini itȿa icaparusa homboɗo, ikateʋuka, nehomboɗo dzikafa ʋo;
38
asi waini itȿa inofanira kuɗirwa muhomboɗo itȿa.
39
Hakunomunhu unoti kana anwa tsaru, uŋgazoɗa itȿa; nokuti unoti: Tsaru ndiyo yakaiȿo‐naka.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24