bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Luke 11
Luke 11
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 12 →
1
Ɀino wakati acinyeŋgetera paneimŋe nɀimbo, apedza, mumŋe waʋadzidzi ʋake akati kwaari: Ishe, tidzidzisei kunyeŋgetera, Johane seɀaakadzidzisa ʋadzidzi ʋake ʋo.
2
Akati kwaʋari: Kana mucinyeŋgetera, muti: Ƃaɓa, zita renyu ŋgarikudzwe noʋutȿene; ʋushe bgenyu ŋgabguʋuye;
3
mutipei zuʋa rimŋe nerimŋe ɀokudya ɀeɗu ɀinotiriŋgana;
4
mutikaŋganwirei ɀiʋi ɀeɗu, nokuti nesu tinokaŋganwira ʋose ʋanemhoȿa nesu; musatiisa pakuidzwa.
5
Akati kwaʋari: Ndianiko kwamuri uŋgaʋa neshamŋari, akaenda kwaari pakati poʋusiku, akati kwaari: Shamŋari, ndipose ʋo ɀiŋgwa ɀitatu;
6
nokuti shamŋari yaŋgu iri parwendo yakaȿika kwandiri, ɀino handina‐candiŋgamupakurira.
7
Uri mukati akapindura, akati: Usandinetsa; mukoʋa watopfigwa, naʋana ʋaŋgu ʋaʋa neni panhoʋo; handiŋgamuki ndikakupa.
8
Ndinoti kwamuri: Kunyaŋge asiŋgamuki akamupa, nokuɗa kwokuti ishamŋari yake, kunyaŋge ɀakaɗaro, nokuɗa kwokutsuŋgirira kwake, ucamuka, akamupa ɀose ɀaanoshaiwa.
9
Ndinoti kwamuri: Kumbirai, mucapiwa; tȿakai, mucawana; gogodzai, mucazarurirwa.
10
Nokuti mumŋe nomumŋe unokumbira, unopiwa; unotȿaka, unowana; nounogogodza, unozarurirwa.
11
Ndaʋapiko ɓaɓa pakati penyu, kana mŋanakomana acikumbira ciŋgwa, ʋaŋgamupa ibge here? Kana hoʋe, ʋaŋgamupa nyoka panɀimbo yehoʋe here?
12
Kana akakumbira zai, ʋaŋgamupa cinyaʋaɗa here?
13
Naiɀoɀo kana imi makaipa muciziʋa kupa ʋana ʋenyu ɀipo ɀakanaka, Ƃaɓa ʋenyu ʋari kuɗeŋga ʋacapa ɀikuru sei Mŋeya Mutȿene ʋanokumbira kwaari.
14
Ɀino wakaŋga aciɓuɗisa mŋeya wakaipa, waiʋa mbeʋeʋe; mŋeya wakaipa ukati wabva, mbeʋeʋe ikataura, ʋanhu ʋazhinji ʋakashamiswa.
15
Asi ʋamŋe ʋaʋo ʋakati: Unoɓuɗisa mŋeya yakaipa naBeerzeburi, mukuru wemŋeya yakaipa.
16
Asi ʋamŋe ʋakamuidza, ʋakakumbira ciratidzo kwaari cinobva kuɗeŋga.
17
Ɀino iye wakati aciziʋa kufuŋga kwaʋo, akati kwaʋari: Ʋushe bgumŋe nobgumŋe bgunoɀipesanisa, bgunoparadzwa; neimba inopesana neimba, inowa.
18
NaSatani, kana aciɀipesanisa, ʋushe bgake bguŋgamira seiko, ɀamunoti, ndinoɓuɗisa mŋeya yakaipa naBeerzeburi?
19
Kana ini ndiciɓuɗisa mŋeya yakaipa naBeerzeburi, ko ʋanakomana ʋenyu ʋanoiɓuɗisa nani? Naiɀoɀo iʋo ʋacaʋa ʋatoŋgi ʋenyu.
20
Asi kana ndiciɓuɗisa mŋeya yakaipa nomunwe waMŋari, ipapo ʋushe bgaMŋari bgaȿika kwamuri.
21
Kana munhu unesimba, wakashoŋga nhumbi dzokurwa, acirinda imba yake, nhumbi dzake dzinoceŋgeteka.
22
Asi kana mumŋe unomupfuʋura nesimba akamuʋamba, akamukunda, ipapo ucamutorera nhumbi dzose dzokurwa, dzaakaŋga aciʋimba nadzo, ndokugoʋera iɀo ɀaapamba.
23
Usi neni, unopesana neni, nousiŋgaʋuŋganidzi neni, unoparadza.
24
Mŋeya wetȿina kana waɓuɗa kumunhu, unopota nenɀimbo dzakawoma, ucitȿaka zororo; kana ukashaiwa, unoti: Ndicadzokera kumba kwaŋgu kwandaɓuɗa.
25
Kana waȿika, unoiwana yatȿairwa, yanatswa.
26
Ipapo unoenda, ndokundotora mimŋe mŋeya minomŋe inoukunda nokuipa, ndokupinda, ndokugara’mo; kuguma kwomunhu uyo kwakaipa kupfuʋura kutaŋga kwake.
27
Wakati areʋa iɀoɀo, mumŋe mukadzi pakati paʋanhu ʋazhinji akaɗanidzira, akati kwaari: Rakaropafadzwa ɗumbu rakakutakurai, namazamu amakamŋa.
28
Asi iye akati: Hoŋo, ɀikuru ʋakaropafadzwa ʋanonzwa shoko raMŋari, ʋaciriceŋgeta.
29
Ɀino ʋazhinji ʋakati ʋaciʋuŋganira kwaari, akataŋga kuti: Rudzi urwu, rudzi rwakaipa; runotȿaka ciratidzo, asi haruŋgapiwi ciratidzo, asi ciratidzo caJona.
30
Nokuti Jona seɀaakaŋga ari ciratidzo kunaʋaNinivi, ndiɀo ɀicaita ʋo Mŋanakomana womunhu kurudzi urwu.
31
Mambokadzi weZasi ucasimuka pakutoŋgwa naʋarume ʋorudzi urwu, akaʋapa mhoȿa, nokuti wakabva pamigumo yenyika, kuzonzwa kucenjera kwaSoromoni; tarirai, mukuru kunaSoromoni uri pano.
32
Ʋarume ʋeNinivi ʋacasimuka pakutoŋgwa norudzi urwu, ʋakarupa mhoȿa, nokuti ʋakatendeʋuka nokuparidza kwaJona; tarirai, mukuru kunaJona uri pano.
33
Hakunomunhu unoti kana atuŋgidza mŋenje, uŋgauisa pakaʋanda, kana pasi peɗeŋgu, asi pacigadziko, kuti ʋanopinda ʋaʋone ciedza.
34
Mŋenje womuʋiri iziso rako; kana ziso rako rakanaka, muʋiri wako wose ucavenekerwa; asi kana rakaipa, muʋiri wako wose ucaʋa nerima.
35
Naiɀoɀo cenjera kuti ciedza ciri mukati mako cirege kuʋa rima.
36
Ɀino kana muʋiri wako wose wakavenekerwa, pasinarutiʋi runerima, ucavenekerwa wose, somŋenje unokuvenekera nokupenya kwawo.
37
Wakati acataura, mumŋe muFarise akakumbira kwaari kuti aȿuȿure naye; akapinda, akagara pakudya.
38
Ɀino muFarise akashamiswa, aciʋona kuti haana‐kumboshamba asati aȿusura.
39
Ishe akati kwaari: Ɀino imi ʋaFarise, munosuka kunze kwomukombe nendiro, asi mukati menyu muzere nokukara nokuipa.
40
Imi mapenzi! Ko uyo wakaita ɀiri kunze, haazi iye wakaita ɀiri mukati ʋo here?
41
Asi ipai iɀo ɀiri mukati ɀiʋe ɀipo; ipapo tarirai ɀose ɀicaʋa ɀakanaka kwamuri.
42
Asi munenhamo, imi ʋaFarise, nokuti munopa cegumi ceminte neruyi nemiriʋo yose, mucirega kururamisira mhaka noruɗo kunaMŋari; maifanira kuɀiita iɀi, nokusarega kuita iɀoɀo.
43
Munenhamo, imi ʋaFarise, nokuti munoɗa ɀigaro ɀapamberi mumasinagoge, nokukwaziswa paɗare.
44
Munenhamo, imi, nokuti makaita samarinda asiŋgaʋonekwi; ʋanhu ʋanofamba pamsoro pawo, ʋasiŋgaziʋi.
45
Ɀino mumŋe waʋaɗudziri ʋomurairo wakapindura, akati kwaari: Mudzidzisi, kana mucitaura iɀoɀo, munotituka nesu ʋo.
46
Iye akati: Munenhamo nemi ʋo, ʋaɗudziri ʋomurairo; nokuti munotakudza ʋanhu mitoro inorema, inotambudza kutakura, asi imi mumene hamuɓati mitoro iyo kunyaŋge nomunwe wenyu mumŋe.
47
Munenhamo, imi, nokuti munoʋaka marinda aʋaprofita ʋakaʋurawa namadziɓaɓa enyu.
48
Naiɀoɀo muri ɀapupu, mucitenderana ʋo namaɓasa amadziɓaɓa enyu; nokuti iʋo ʋakaʋaʋuraya, nemi munoʋaka marinda aʋo.
49
Saka nokucenjera kwaMŋari ʋo kwakati: Ndicatumira kwaʋari ʋaprofita naʋaapostora, ʋacaʋuraya ʋamŋe ʋaʋo, nokuʋatambudza;
50
kuti mhosa ye ropa raʋaprofita ʋose, rakateʋurwa kubva pakuʋambga kwenyika, itȿakwe parudzi urwu;
51
kubva paropa raAberi, kuȿikira paropa raZakaria, wakaʋurawa pakati peartari neImba yaMŋari; hoŋo, ndinoti kwamuri, mhoȿa icatȿakwa parudzi urwu.
52
Munenhamo, imi ʋadudziri ʋomurairo; nokuti makabvisa kiyi yokuziʋa; hamuna‐kupinda mumene, ʋuye makadziʋisa aʋo ʋakaŋga ʋacipinda.
53
Wakati acibva’po, ʋanyori naʋaFarise ʋakataŋga kumumanikidza kwaɀo, nokumubvunzisisa pamsoro peɀimŋe ɀizhinji,
54
ʋacimurindira, kuti ʋamuɓate pa shoko rinoɓuɗa mumuromo make.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24