bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Luke 13
Luke 13
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 14 →
1
Neŋguʋa iyo ʋamŋe ʋakaŋga ʋari’po ʋakamuʋudza shoko raʋaGarirea ʋakaŋga ʋaveŋganisirwa ropa raʋo neɀiɓayiro ɀaʋo naPirato.
2
Akapindura, akati kwaʋari: Munoti ʋaGarirea aʋo ʋakaŋga ʋari ʋatadzi here kupfuʋura ʋaGarirea ʋose, ɀaʋakatambudzika saiɀoɀo?
3
Ndinokuʋudzai: Kwete; asi kana musiŋgatendeʋuki, imi mose mucaʋurawa saiɀoɀo.
4
Kana ʋaya ʋanegumi naʋasere, ʋakawirwa neȿiŋgo yeSiroami, ikaʋaʋuraya, munoti ʋakaŋga ʋanemhoȿa kukunda ʋanhu ʋose ʋaigara Jerusarema here?
5
Ndinokuʋudzai: Kwete; asi kana musiŋgatendeʋuki, imi mose mucaʋurawa saiɀoɀo.
6
Ɀino wakataura mufananidzo uyu: Mumŋe munhu wakaŋga anomuʋonde, wakaŋga wakasimŋa mumunda wake wemizambiriŋga; akaʋuya acitȿaka ɀiɓereko kwauri, akashaiwa.
7
Ipapo akati kumurimi womunda wemizambiriŋga: Tarira, ndaʋuya makore matatu ndicitȿaka ɀiɓereko pamuʋonde uyu, ndikashaiwa; uuteme, unotadzireiko pasi?
8
Akapindura, akati kwaari: Ishe, muuregei henyu nhaka, kuȿikira ndiciurimira, nokuuisa mupfudze;
9
kana ukazoɓereka ɀiɓereko, ɀakanaka; asi kana usiŋgaɓereki, muŋgazoutema henyu.
10
Ɀino wakaŋga acidzidzisa munerimŋe sinagoge nomusi wesaɓata.
11
Ɀino tarira, kwaiʋa’po mukadzi waiʋa nomŋeya woʋurwere makore anegumi namasere; wakaŋga akafunyana, asiŋgatoŋgogoni kusimuka.
12
Jesu akati acimuʋona, akamuɗana, akati kwaari: Mai, wasunuŋgurwa paʋurwere bgako.
13
Akaisa maʋoko ake pamsoro pake; akatasanudzwa pakarepo, akarumbidza Mŋari.
14
Ɀino mukuru wesinagoge akatsamŋa, nokuti Jesu wakaporesa nomusi wesaɓata, akapindura, akati kuʋanhu ʋazhinji: Mazuʋa matanhatu ari’po, anofanira kuɓatwa nawo; ʋuyai naiwayo, muporeswe; asi musaʋuya nomusi wesaɓata.
15
Asi Ishe wakamupindura, akati: Imi, ʋanyeŋgeri! Ko mumŋe nomumŋe wenyu haaŋgasunuŋguri ŋombe yake kana mboŋgoro yake pacidyiro nomusi wesaɓata, akaenda nayo kundoinwisa here?
16
Ɀino mukadzi uyu, mŋanasikana waAbrahama, wakaŋga akasuŋgwa naSatani makore anegumi namasere, haazaifanira kusunuŋgurwa nomusi wesaɓata pacisuŋgo ici here?
17
Ɀino wakati areʋa iɀoɀo, ʋadziʋisi ʋake ʋose ʋakanyadziswa; asi ʋanhu ʋazhinji ʋose ʋakafara neɀinhu ɀose ɀakaiȿo‐naka ɀakaitwa naye.
18
Ɀino akati: Ʋushe bgaMŋari bgakafanana neiko? Ndicabgufananidza nei?
19
Bgakafanana netsaŋga yembeu yemastarda, yakatorwa nomunhu, akaikanda mumunda make, ikamera, ikaita muti, shiri dzokuɗeŋga dzikagara pamataʋi awo.
20
Akati ɀe: Ʋushe bgaMŋari ndicabgufananidza neiko?
21
Bgakafanana nembiriso yakatorwa nomukadzi akaiisa muɀiyero ɀitatu ɀoʋupfu, kuȿikira bgose bgaʋiriswa.
22
Ɀino wakafamba namaguta nemisha, acidzidzisa, aciŋgoenda Jerusarema.
23
Mumŋe akati kwaari: Ishe, ʋacazoponeswa ʋashoma here?
24
Akati kwaʋari: Irwai kupinda nesuʋo rakamanikana; nokuti ʋazhinji, ndinoti kwamuri, ʋacatȿaka kupinda, asi haʋaŋgagoni.
25
Paŋguʋa iyo kana mŋene weimba asimuka, azarira suʋo, imi mukataŋga kumira kunze, mukagogodza pasuʋo, muciti: Ishe! tizarurirei! Iye akapindura, aciti kwamuri: Handikuziʋiyi imi kwamakabva.
26
Ɀino mucataŋga kuti: Taidya, tainwa pamberi penyu, ʋuye maidzidzisa panzira dzomumisha yeɗu.
27
Asi iye ucati: Ndinokuʋudzai: Handiziʋi kwamakabva; ibvai kwandiri, imi mose, ʋaiti ʋeɀisakarurama!
28
Apo pacaʋa nokucema nokugeɗa‐geɗa kwameno, kana muciʋona Abrahama naIsaka naJakobo naʋaprofita ʋose ʋari muʋushe bgaMŋari, asi imi maɓuɗiswa kunze.
29
Ʋacabva mabvazuʋa, nokumaʋirira, nokumsoro, nezasi, ʋakagara muʋushe bgaMŋari.
30
Tarirai, ʋari’po ʋokupedzisira ʋacaʋa ʋokutaŋga, noʋokutaŋga ʋacaʋa ʋokupedzisira.
31
Neŋguʋa iyo ʋamŋe ʋaFarise ʋakaȿika, ʋakati kwaari: Ƃuɗai, mubve pano, nokuti Herode unoɗa kukuʋurayai.
32
Akati kwaʋari: Endai, mundoʋudza mhuŋgubge iyo, muti: Tarira, ndinoɓuɗisa mŋeya yakaipa, ndinoporesa nhasi namaŋgwana, ne zuʋa retatu ndinopedzisa.
33
Asi ndinofanira kufamba nhasi namaŋgwana, nerinoteʋera, nokuti haɀiŋgaitiki kuti muprofita aʋurawe kunze kweJerusarema.
34
Jerusarema, Jerusarema, unoʋuraya ʋaprofita, nokutaka namabge aʋo ʋakatumŋa kwauri; ndakaŋga ndiciɗa kazhinji sei kuʋuŋganidza ʋana ʋako semhambo inoʋuŋganidza hukwana dzayo munyasi mamapapiro ayo, mukaramba.
35
Tarirai, masiyirwa imba yenyu raʋa ɗoŋgo; asi ndinoti kwamuri: Hamucazondiʋoni, kuȿikira muciti: Ŋgaarumbidzwe iye unoʋuya nezita raShe!
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
Recommended Reading
Commentary
Luke Commentaries
→
Devotional
Luke Devotional Guide
→
Get This Bible
Doke Study Bible
→