bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Luke 23
Luke 23
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 24 →
1
Ɀino ʋose ʋakaŋga ʋakaʋuŋgana, ʋakasimuka, ʋakaenda naye kunaPirato.
2
Ʋakataŋga kumupomera mhoȿa, ʋaciti: Takawana munhu uyu acitsausa rudzi rweɗu, aci ʋa dziʋisa kuti ʋarege kuʋigira Kesari mutero; ʋuye aciɀiidza Kristu Mambo.
3
Ipapo Pirato akamubvunza, akati: Ko uri Mambo waʋaJuda here? Akamupindura, akati: Ndiɀo ɀamareʋa.
4
Pirato akati kuʋaprista ʋakuru nokuʋazhinji: Handiwani mhoȿa kumunhu uyu.
5
Iʋo ʋakanyanya, ʋaciti: Unomutsa ʋanhu, acidzidzisa muJudea rose, acitaŋga paGarirea kuȿikira pano.
6
Pirato wakati acinzwa iɀoɀo, akabvunza kana munhu uyu ari muGarirea.
7
Akati anzwa kuti unobva kunyika yakaɓatwa naHerode, akamutumira kunaHerode, nokuti wakaŋga ari muJerusarema amene pamazuʋa iwayo.
8
Ɀino Herode wakafara kwaɀo‐kwaɀo aciʋona Jesu; nokuti waiɗa kumuʋona kare, ɀaakaŋga anzwa ɀake; akafuŋga kuti ucaʋona cimŋe ciratidzo ciŋgaitwa naye.
9
Akamubvunza mashoko mazhinji; asi iye haana‐kumupindura cinhu.
10
Ʋaprista ʋakuru naʋanyori ʋakamira ʋakamupomera mhoȿa ɀikuru.
11
NaHerode naʋarwi ʋake ʋakamuɀidza, nokumuseka; ʋakazomupfekedza ŋguʋo dzinobginya, ʋakamudzosera kunaPirato.
12
Nomusi uyo Pirato naHerode ʋakayanana; nokuti ʋaiʋeŋgana.
13
Ɀino Pirato akaʋuŋganidza ʋaprista ʋakuru naʋaɓati naʋanhu,
14
akati kwaʋari: Maʋuya kwandiri nomunhu uyu, muciti: Unotsausa ʋanhu; tarirai ini ndamubvunzisisa pamberi penyu, ndikasawana kumunhu uyu mhoȿa yeɀinhu ɀamunomupomera naɀo;
15
kunyaŋge naHerode ʋo; nokuti wamudzosera kwatiri; tarirai, hakunecinhu cakaitwa naye, cakafanira rufu.
16
Naiɀoɀo ndicamuroʋa, ndigomusunuŋgura. [
17
Nokuti waifanira kuʋasunuŋgurira mumŋe pamutambo.]
18
Asi ʋose ʋakaɗanidzira pamŋe cete, ʋaciti: Bvisai munhu uyu, mutisunuŋgurire Barabasi!
19
Iye wakaŋga asuŋgwa mutoroŋgo nemhaka yeɓope rakaŋga ramutswa muguta, neyokuʋuraya.
20
Ɀino Pirato akataura ɀe naʋo, aciɗa kusunuŋgura Jesu.
21
Asi iʋo ʋakaramba ʋaciɗanidzira, ʋaciti: Roʋerai pamucinjikwa, mumuroʋere pamucinjikwa!
22
Akati kwaʋari rwecitatu: Uyu wakagotadzeiko? Handina‐kuwana mhoȿa yorufu kwaari. Naiɀoɀo ndicamuroʋa, ndigomusunuŋgura.
23
Asi iʋo ʋakasimbisa namanzwi makuru, ʋacikumbira kuti aroʋerwe pamucinjikwa. Manzwi aʋo akakunda.
24
Ɀino Pirato akatoŋga kuti ɀaʋakakumbira ɀiitwe;
25
akaʋasunuŋgurira uyo waʋakakumbira, wakaŋga asuŋgwa mutoroŋgo nemhaka yeɓope neyokuʋuraya; akaʋapa Jesu ʋaite nokuɗa kwaʋo.
26
Ʋakati ʋacienda naye, ʋakaɓata mumŋe, wainzi Simoni weKurini, acibva kuruwa, ʋakaisa mucinjikwa pamsoro pake, kuti autakure shure kwaJesu.
27
Akateʋerwa naʋanhu ʋazhinji‐zhinji, naʋakadzi ʋaimuririra nokumucema.
28
Asi Jesu wakatendeʋukira kwaʋari, akati: Ʋakunda ʋeJerusarema, musandicema ini, asi muɀiceme imi naʋana ʋenyu;
29
nokuti tarirai, mazuʋa anoʋuya, aʋacati: Ʋakaropafadzwa ʋasiŋgaponi, neɀiɀaro ɀisinakutoŋgoɓereka, namazamu asina‐kumŋisa.
30
Musi uyo mucataŋga kureʋa kumakomo, muciti: Wirai pamsoro peɗu, nokuɀikomo: Tifukidzei.
31
Nokuti kana ʋaciita iɀi kumuti munyoro, wakawoma ucaitirweiko?
32
Kwakaŋga kunaʋamŋe ʋatadzi ʋaʋiri ʋo, ʋaʋakaenda naʋo pamŋe cete naye kundoʋurawa.
33
Ɀino ʋakati ʋaȿika panɀimbo inonzi Ƌehenya, ʋakamuroʋera’po naʋatadzi, mumŋe kurudyi mumŋe kuruɓoshwe.
34
Ipapo Jesu akati: Ƃaɓa, muʋakaŋganwire, nokuti haʋaziʋi caʋanoita. Ʋakagoʋana ŋguʋo dzake, ʋacikanda mijenya pamsoro padzo.
35
Ʋanhu ʋakamira, ʋacitarira; naʋaɓati ʋakamuseka ʋo, ʋaciti: Wakaponesa ʋamŋe; ŋgaaɀiponese, kana ari Kristu waMŋari, Musanaŋgurwa wake.
36
Naʋarwi ʋo ʋakamuseka, ʋakaʋuya kwaari, ʋakamupa vinega,
37
ʋaciti: Kana uri Mambo waʋaJuda, uɀiponese.
38
Ɀino kwakaŋga kunorunyoro ʋo pamsoro pake, rwaiti: UYU NDIMAMBO WAƲAJUDA.
39
Mumŋe waʋatadzi ʋakaŋga ʋakaturikwa, wakamutuka, aciti: Hauzi Kristu here? Uɀiponese, nesu ʋo.
40
Mumŋe akapindura, akamuraira, aciti: Hautyi kunyaŋge naMŋari kanhi, ɀauri pakutoŋgwa kumŋe naye?
41
Kana tirisu, takaitirwa patakafanirwa napo; nokuti isu tinopiwa ɀakafanira maɓasa eɗu; asi uyu haana‐kuita cinhu cisakafanira.
42
Ipapo akati: Jesu mundiraŋgarire, kana moȿika muʋushe bgenyu!
43
Iye akati kwaari: Ɀirokwaɀo, nhasi ucaʋa neni muParadiso.
44
Ɀino yakaŋga yaʋa ŋguʋa ineŋge yecitanhatu; rima rikaʋa’po panyika yose, kuȿikira paŋguʋa yepfumbamŋe,
45
Zuʋa rikaȿiɓa; cidzitiro cetembere cikabvaruka napakati.
46
Ɀino Jesu akaɗana nenzwi guru, aciti: Ƃaɓa, ndinoisa mŋeya waŋgu pamaʋoko enyu! Akati areʋa iɀoɀo, akaɓuɗisa mŋeya wake.
47
Ipapo mukuru wezana wakati aʋona ɀaitwa, akarumbidza Mŋari, aciti: Ɀirokwaɀo, munhu uyu wakaŋga akarurama.
48
Ʋazhinji ʋose ʋakaŋga ʋakaʋuŋgana kuzoʋona iɀoɀo, ʋakati ʋaʋona ɀaitwa, ʋakadzoka ʋaciroʋa ɀifuʋa ɀaʋo.
49
Naʋazikani ʋake ʋose, naʋakadzi, ʋaimuteʋera ʋacibva Garirea, ʋakamira kure, ʋaciʋona iɀoɀo.
50
Ɀino kwakaŋga kunomumŋe, wainzi Josefa, mumŋe wamakurukota, murume wakanaka wakarurama,
51
(iye wakaŋga asina‐kutenderana naʋo pakuraŋgana nokuita kwaʋo), waiʋa weArimatia, guta raʋaJuda, wakaŋga acimirira ʋushe bgaMŋari;
52
iye akaenda kunaPirato, akandokumbira mutumbu waJesu,
53
akauɓurusa, akauputira nomuceka, akauisa mubgiro bgakaŋga bgakacerwa pabge, makaŋga musina‐kumboʋigwa munhu.
54
Waiʋa musi woKugadzirira, saɓata roɗokutaŋga.
55
Naʋakadzi ʋakaŋga ʋaʋuya naye, ʋacibva Garirea, ʋakaʋateʋera, ʋakaʋona bgiro, nomuisirwe womutumbu wake.
56
Ʋakadzoka, ʋakagadzira ɀinonhuwira namafuta. Ʋakazorora nomusi wesaɓata ʋaciterera murairo.
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 24 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24