bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Luke 9
Luke 9
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 10 →
1
Ɀino wakaʋuŋganidza ʋanegumi naʋaʋiri, akaʋapa simba necikuriri pamsoro pemŋeya yakaipa yose, nokuporesa kurwara.
2
Akaʋatuma kuparidza ʋushe bgaMŋari nokuporesa.
3
Akati kwaʋari: Musatoŋgotora ɀomunzira, kana muɗonɀo, kana homboɗo, kana ciŋgwa, kana mari; musaʋa neŋguʋo mbiri.
4
Imba ipi neipi yamunopinda mairi, garai’mo, mugozobva’po.
5
Ʋuye ʋose ʋasiŋgakugamuciriyi, kana mobva paguta iro, muzuze guruʋa riri patsoka dzenyu, ciʋe capupu kwaʋari.
6
Ipapo ʋakabva, ʋakapota nemisha, ʋakaparidza Evaŋgeri, nokuporesa panɀimbo dzose.
7
Ɀino Herode, muɓati, wakanzwa ɀose ɀakaŋga ɀiciitwa; akakaŋganiswa, nokuti ʋamŋe ʋakaŋga ʋaciti, Johane wakamuka kuʋakafa;
8
ʋamŋe kuti Eria waʋonekwa; naʋamŋe ɀe, kuti mumŋe waʋaprofita ʋekare wamuka.
9
Herode akati: Johane ndakamugura musoro; ɀino ndianiko uyu, wandinonzwa ɀinhu ɀakaɗai pamsoro pake? Akatȿaka kumuʋona.
10
Ʋaapostora ʋakati ʋadzoka, ʋakamurondedzera ɀose ɀaʋakaŋga ʋaita; akaʋatora, akaenda naʋo ʋari ʋoga kuguta rainzi Betsaida.
11
Ɀino ʋanhu ʋazhinji ʋaciɀiziʋa, ʋakamuteʋera; akaʋagamucira, akaʋaʋudza ɀoʋushe bgaMŋari, akaporesa ʋakaŋga ʋaciɗa kuporeswa.
12
Zuʋa rakatiroʋira, ʋanegumi naʋaʋiri ʋakaʋuya, ʋakati kwaari: Endisai ʋanhu ʋazhinji, ʋaende kumisha nokuruwa rwakapoteredza, ʋagare’ko, ʋawane ɀokudya; nokuti pano tiri murenje.
13
Asi iye akati kwaʋari: Muʋapei imi, ʋadye. Ʋakati: Isu hatineɀiŋgwa ɀiŋgapfuʋura ɀishanu, nehoʋe mbiri, asi kana tikaenda kundoteŋgera ʋanhu aʋa ʋose ɀokudya.
14
Nokuti ʋaiʋa ʋarume ʋaneŋge ɀuru ɀishanu. Akati kuʋadzidzi ʋake: Ʋagarisei pasi ʋaite mapoka, anaʋanhu ʋaneŋge makumi mashanu.
15
Ʋakaita kuɗaro, ʋakaʋagarisa ʋose.
16
Ipapo akatora ɀiŋgwaɀishanu nehoʋe mbiri, akatarira kuɗeŋga, akaʋoŋga, akaɀimeɗura, ndokupa ʋadzidzi kuti ʋaise pamberi paʋanhu ʋazhinji.
17
Ʋakadya, ʋakaguta ʋose; ʋakaʋuŋganidza ɀimeɗu ɀaʋakaŋga ʋasarirwa naɀo, mateŋgu anegumi namaʋiri.
18
Ɀino wakati acinyeŋgetera ari oga, ʋadzidzi ʋake ʋakaŋga ʋanaye; akaʋabvunza, aciti: Ʋanhu ʋazhinji ʋanoti ndini aniko?
19
Ʋakapindura, ʋakati: Ʋamŋe ʋanoti: Johane Mubapatidzi; ʋamŋe Eria; ʋamŋe ɀe, kuti mumŋe waʋaprofita ʋekare wamuka.
20
Akati kwaʋari: Ko imi munoti ndini ani? Ipapo Petro akapindura, akati: Ndimi Kristu waMŋari.
21
Akaʋaʋudza ɀikuru, nokuʋaraira kuti ʋarege kuziʋisa munhu iɀoɀo;
22
aciti: Mŋanakomana womunhu unofanira kutambudzika ɀizhinji, nokurashwa naʋakuru naʋaprista ʋakuru naʋanyori, nokuʋurawa, nokumutswa nezuʋa retatu.
23
Ɀino wakati kunaʋose: Kana munhu aciɗa kuʋuya shure kwaŋgu, ŋgaaɀirambe, asimudze mucinjikwa wake zuʋa rimŋe nerimŋe, anditeʋere.
24
Nokuti aninani unoɗa kuponesa ʋupenyu bgake, ucarashikirwa nabgo; asi unorashikirwa noʋupenyu bgake nokuɗa kwaŋgu, ucabguponesa.
25
Nokuti munhu ucaɓatsirweiko, kana awana nyika yose, akaɀirasha nokuɀitadzira?
26
Nokuti aninani unonyara pamsoro paŋgu namashoko aŋgu, Mŋanakomana womunhu ucanyara ʋo pamsoro pake musi waanoʋuya nokubginya kwake nokwaƂaɓa, nokwaʋatumŋa ʋatȿene.
27
Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Ʋamŋe ʋari’po kunaʋamire pano ʋasiŋgazonzwi rufu, ʋasati ʋaʋona ʋushe bgaMŋari.
28
Mashoko iwayo akati apera kutaurwa mazuʋa aneŋge masere, akatora Petro naJohane naJakobo, akakwira mugomo kundonyeŋgetera.
29
Ɀino wakati acinyeŋgetera, mugarire weciso cake ukashanduka, ŋguʋo dzake dzikacena dzikapenya.
30
Ɀino tarira, ʋarume ʋaʋiri, ʋanaMosesi naEria, ʋakaʋonekwa ʋacitaurirana naye.
31
Ʋakaʋonekwa ʋacibginya, ʋakataura ɀokuenda kwake, kwaakaŋga ondopedzisa paJerusarema.
32
Ɀino Petro, naʋaiʋa naye, ʋakaŋga ʋaɓatwa nehope; asi ʋakati ʋacipepuka, ʋakaʋona kubginya kwake, naʋarume ʋaʋiri ʋamire naye.
33
Ɀino ʋakati ʋoparadzana naye, Petro akati kunaJesu: Tenzi, ɀakanaka ɀatiri pano; ŋgatiʋake matumba matatu, rimŋe renyu, rimŋe raMosesi, rimŋe raEria, asiŋgaziʋi ɀaanoreʋa.
34
Wakati acataura iɀoɀo, gore rikaʋuya, rikaʋafukidza; ʋakatya ʋacipinda mugore.
35
Ipapo inzwi rakabva mugore, riciti: Uyu Mŋanakomana waŋgu, musanaŋgurwa waŋgu, mumunzwei!
36
Inzwi rakati raenda, Jesu akaʋonekwa ari oga. Ʋakanyarara, ʋakasaʋudza munhu namazuʋa iwayo cinhu cimŋe caʋakaŋga ʋaʋona.
37
Nezuʋa rinoteʋera ʋakati ʋaɓuruka mugomo, ʋazhinji‐zhinji ʋakamugamucira.
38
Ɀino mumŋe murume pakati paʋazhinji wakaɗana, akati: Mudzidzisi, ndinokumbira kwamuri kuti mutarire mŋanakomana waŋgu, nokuti ndiye mŋana waŋgu mumŋe woga.
39
Tarirai, mŋeya unomuɓata, ɀino woridza mhere pakarepo; unomubvundisa, acipupuma furo; hauɗi kumurega, asi unomurwadzisa ɀikuru.
40
Ndakakumbira kuʋadzidzi ʋenyu kuti ʋauɓuɗise, ʋakasagona.
41
Jesu akapindura, akati: Haiwa! rudzi rusiŋgatendi, rwakatsauka; ndicagara nemi kuȿikira riniko, nokukuitirai mŋoyo murefu? Ʋuya pano nomŋanakomana wako.
42
Akati acaʋuya, mŋeya wakaipa ukamuwisira pasi, ukamubvundisa ɀikuru. Asi Jesu wakaraira mŋeya wetȿina, akaporesa mŋana, akamudzosera kunaɓaɓa ʋake.
43
Ʋose ʋakashamiswa noʋukuru bgaMŋari. Ɀino ʋose ʋacashamiswa neɀose ɀaakaita, akati kuʋadzidzi ʋake:
44
Mashoko awa ŋgaapinde munzeʋe dzenyu; nokuti Mŋanakomana womunhu ucaiswa mumaʋoko aʋanhu.
45
Asi iʋo haʋana‐kunzwisisa kutaura uku; ʋakaŋga ʋakuʋanzirwa, kuti ʋarege kukunzwisisa; ʋakatya kumubvunza pamsoro pokutaura uku.
46
Ɀino nharo dzikamuka pakati paʋo, kuti ndiani mukuru kwaʋari.
47
Asi Jesu, ɀaakaŋga aciziʋa kufuŋga kwemŋoyo yaʋo, akatora mŋana muɗuku, akamuisa parutiʋi rwake,
48
akati kwaʋari: Aninani unogamucira mŋana uyu muɗuku muzita raŋgu, unondigamucira ini, ʋuye aninani unondigamucira ini, unogamucira wakandituma; nokuti muɗuku kwamuri mose, ndiye mukuru.
49
Johane akapindura, akati: Tenzi, taʋona munhu aciɓuɗisa mŋeya yakaipa muzita renyu, tikamudziʋisa, nokuti haateʋeri nesu.
50
Asi Jesu akati kwaari: Musamudziʋisa; nokuti usiŋgapesani nemi, unemi.
51
Mazuʋa okukwidzwa kwake akati osweɗera, wakaramba akarinzira ciso cake kuenda Jerusarema,
52
akatuma nhume pamberi pake. Idzo dzikaenda, dzikapinda mumusha waʋaSamaria kundomugadzirira.
53
Asi haʋana‐kumugamucira, nokuti ciso cake cakaŋga cakariŋgira Jerusarema.
54
Ʋadzidzi ʋake, Jakobo naJohane, ʋakati ʋaciɀiʋona, ʋakati: Ishe, munoɗa kuti titi mŋoto uɓuruke kuɗeŋga, uʋaparadze here?
55
Asi iye wakatendeʋuka, akaʋaraira.
56
Ipapo ʋakaenda kunomumŋe musha.
57
Ɀino ʋakati ʋacifamba munzira, mumŋe munhu akati kwaari: Ndicakuteʋerai pose pamunoenda.
58
Jesu akati kwaari: Mhuŋgubge dzinemŋena, neshiri dzokuɗeŋga dzinamatendere, asi Mŋanakomana womunhu haana‐paaŋgatsamidza musoro wake.
59
Akati kunomumŋe: Nditeʋere. Iye akati: Nditenderei henyu ndimbondoʋiga ɓaɓa ʋaŋgu.
60
Asi iye akati kwaari: Rega, ʋakafa ŋgaʋaʋige ʋakafa ʋaʋo; asi iwe, enda undoparidza ʋushe bgaMŋari.
61
Mumŋe ɀe akati: Ndicakuteʋerai Ishe, asi munditenderei henyu ndimbondowonekana naʋari mumba maŋgu.
62
Asi Jesu akati kwaari: Hakunomunhu uŋgati kana aisa ruʋoko rwake paɓadza, akaceukira shure, uŋgafanirwa noʋushe bgaMŋari.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24