bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Luke 8
Luke 8
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 9 →
1
Ɀino shure kwaiɀoɀo, wakapota nokumaguta nemisha, aciparidza nokureʋa ɀeEvaŋgeri yoʋushe bgaMŋari, ʋanegumi naʋaʋiri ʋanaye.
2
Naʋamŋe ʋakadzi ʋakaŋga ʋaporeswa pamŋeya yakaipa napamarwere, ʋaiti, Maria unonzi Magdarene, iye wakaŋga aɓuɗa mŋeya yakaipa minomŋe kwaari,
3
naJohana, mukadzi waKuza, mutariri waHerode, naSusana, naʋamŋe ʋazhinji, ʋaimushumira neɀaʋo.
4
Ɀino ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakati ʋaʋuŋgana, naʋakaŋga ʋabva kumaguta ose ʋaȿika kwaari, akataura nomufananidzo, akati:
5
Mukushi wakaɓuɗa kundokusha mbeu dzake; wakati acikusha, dzimŋe mbeu dzakawira panzira, dzikatsikwa, shiri dzokuɗeŋga dzikadzidya.
6
Dzimŋe dzakawira paruware; dzikamera, dzikawoma, nokushaiwa mŋando.
7
Dzimŋe dzakawira pakati peminzwa; minzwa ikakura pamŋe cete nadzo, ikadzivuŋga.
8
Dzimŋe dzakawira muvu rakanaka, dzikamera, dzikaɓereka ɀiɓereko ɀinezana. Akati ataura iɀoɀo, akaɗanidzira, aciti: Unenzeʋe dzokunzwa, ŋgaanzwe.
9
Ɀino ʋadzidzi ʋake ʋakamubvunza, kuti mufananidzo uyo waireʋei.
10
Akati: Imi makapiwa kuziʋa ɀakaʋanzika ɀoʋushe bgaMŋari; asi ʋamŋe ʋanoɀipiwa nemifananidzo, kuti ʋaciʋona, ʋarege kuʋona; ʋacinzwa, ʋarege kunzwisisa.
11
Ɀino mufananidzo ndiwo: Mbeu ishoko raMŋari.
12
Aʋo ʋapanzira ndiʋo ʋakanzwa; ɀino Diaborosi unoʋuya, akabvisa shoko pamŋoyo yaʋo, kuti ʋarege kutenda, ʋakaponeswa.
13
Aʋo ʋaparuware ndiʋo ʋanoti kana ʋanzwa shoko, ʋanorigamucira nomufaro; haʋanomudzi, ʋanoŋgotenda ŋguʋa ɗuku; neŋguʋa yokuidzwa ʋanotsauka.
14
Dzakawira pakati peminzwa ndiʋo ʋakanzwa; ɀino ʋanoenda, ʋakavuŋgiwa nokufuŋganya nefuma, neɀinofadza ɀoʋupenyu bguno, ʋakasaȿitsa ɀiɓereko.
15
Asi dzomuvu rakanaka, ndiʋo ʋakanzwa shoko mumŋoyo wakarurama nowakanaka, ʋanoriceŋgeta, ʋaciɓereka ɀiɓereko nokutsuŋgirira.
16
Hakunomunhu, unoti kana atuŋgidza mŋenje, unozoufukidzira nomudziyo, kana kuuisa pasi pomubeda; asi unouisa pacigadziko, kuti ʋanopinda ʋaʋone ciedza.
17
Nokuti hakuna‐cakaʋanzika, cisiŋgazoʋoneswi, hakuna‐cakaʋigwa, cisiŋgazozikanwi, nokuɓuɗa pacena.
18
Naiɀoɀo, cenjerai mutoʋo wamunonzwa nawo; nokuti unaɀo, ucapiwa; usina, ucatorerwa naiceco ʋo caanoti ndinaco.
19
Ɀino mai ʋake naʋanuŋuna ʋake ʋakaʋuya kwaari, ʋakasagona kuȿika kwaari nemhaka yaʋanhu ʋazhinji.
20
Akaʋudzwa, ɀicinzi: Mai ʋenyu naʋanuŋuna ʋenyu ʋamire kunze, ʋanoɗa kukuʋonai.
21
Akapindura, akati kwaʋari: Mai ʋaŋgu naʋanuŋuna ʋaŋgu ndiʋo ʋanonzwa shoko raMŋari ʋaciriita.
22
Ɀino nerimŋe ramazuʋa iwayo wakapinda mugwa naʋadzidzi ʋake, akati kwaʋari: Ŋgatiyambukire mhiri kweguŋgwa. Ʋakaenda.
23
Ɀino ʋakati ʋacienda, iye akaʋata; ɗutu guru remhepo rikaʋuya paguŋgwa; ʋakataŋga kuzarirwa nemʋura, ʋakaʋa munjodzi.
24
Ʋakaʋuya kwaari, ʋakamumutsa, ʋaciti: Tenzi! Tenzi! tofa! Ipapo akamuka, akaraira mhepo namafuŋgu emvura; ɀikaguma, kukadzikama.
25
Ɀino akati kwaʋari: Kutenda kwenyu kuripiko? Ʋakatya nokushamiswa, ʋakataurirana, ʋaciti: Ndianiko uyu, ɀaanoraira kunyaŋge nemhepo nemvura, ɀicimuterera?
26
Ɀino ʋakaȿika kunyika yaʋaGerasa, yakatarisana neGarirea.
27
Wakati aciɓuɗa mugwa panyika, mumŋe murume weguta akasoŋgana naye, wakaŋga anemŋeya yakaipa; ŋguʋa huru wakaŋga asina‐kupfeka ŋguʋo, asiŋgagari mumba, asi mumarinda.
28
Ɀino iye wakati aciʋona Jesu, akaɗanidzira, ndokuɀiwisira pamberi pake, akati nenzwi guru: Ndinemhaka yeiko nemi Jesu, Mŋanakomana woWokumsoro‐soro? Ndinokumbira kwamuri kuti musanditambudza.
29
Nokuti wakaraira mŋeya wetȿina kuti uɓuɗe kumunhu. Nokuti kazhinji wakaŋga waɓatwa nawo; akasuŋgwa neɀisuŋgo namaketani akarindiwa; akaɗambura ɀisuŋgo, akadziŋgirwa kumarenje nomŋeya wakaipa.
30
Jesu akamubvunza, aciti: Zita rako ndianiko? Akati: Regioni. Nokuti mŋeya yakaipa mizhinji yakaŋga yapinda maari.
31
Ikakumbira ɀikuru kwaari, kuti arege kuiraira kuti iende kwakadzika‐dzika.
32
Ɀino kwakaŋga kuri’po ɓoka guru reŋguruʋe zhinji, raifura mugomo; ikakumbira ɀikuru kwaari, kuti aitendere kupinda madziri; akaitendera.
33
Mŋeya yakaipa ikaɓuɗa kumunhu, ikapinda muŋguruʋe; ipapo ɓoka rakamhanyira kumawere kuguŋgwa, rikaɓitirirwa.
34
Ʋaidzifudza ʋakati ʋaʋona ɀaitwa, ʋakatiza, ʋakandoʋudza iɀoɀo muguta naparuwa.
35
Ʋakaɓuɗa kundoʋona ɀaitwa; ʋakasika kunaJesu, ʋakandowana munhu, makaŋga maɓuɗa mŋeya yakaipa maari, agere patsoka dzaJesu, apfeka, aʋa munhu kwaye; ʋakatya.
36
Ʋakaŋga ʋaɀiʋona ʋakaʋaʋudza mutoʋo waakaporeswa nawo, iye waiʋa nemŋeya yakaipa.
37
Ʋanhu ʋose ʋenyika yakapoteredza yaʋaGerasa ʋakakumbira kwaari kuti abve kwaʋari, nokuti ʋakaŋga ʋaɓatwa nokutya kukuru. Akapinda mugwa, akadzoka.
38
Asi munhu uyo, makaŋga maɓuɗa mŋeya yakaipa maari, wakakumbira kwaari kuti agare naye. Asi wakamudzosa, aciti:
39
Dzokera kumba kwako, undotaura ɀinhu ɀikuru ɀawaitirwa naMŋari. Akaenda, akandoparidza muguta rose ɀinhu ɀikuru ɀaakaitirwa naJesu.
40
Ɀino Jesu wakati acidzoka, ʋazhinji ʋakamugamucira; nokuti ʋose ʋakaŋga ʋakamumirira.
41
Ipapo mumŋe murume, wainzi Jairosi, wakaŋga ari mukuru wesinagoge, wakaʋuya akaɀiwisira patsoka dzaJesu, akakumbira ɀikuru kwaari kuti apinde mumba make.
42
Nokuti wakaŋga anomukunda mumŋe cete, waiʋa namakore aneŋge gumi namaʋiri, wakaŋga otandadza. Ɀino wakati acienda, ʋanhu ʋazhinji ʋakamumanikidza.
43
Ipapo mumŋe mukadzi, waiʋa nokurwara kwokuɓuɗa ropa makore anegumi namaʋiri, wakaŋga apedzera paŋaŋga ɀose ɀaairarama naɀo, asiŋgaporeswi neimŋe,
44
akaʋuya mashure make, akaɓata mupendero weŋguʋo yake, pakarepo kuɓuɗa kwake kweropa kukaguma.
45
Jesu akati: Ndianiko wandiɓata? Ɀino ʋose ʋakati ʋaciramba, Petro akati: Tenzi, ʋanhu ʋazhinji ʋanokumanikidzai nokukutsikirirai.
46
Asi Jesu wakati: Mumŋe wandiɓata, nokuti ndanzwa kuti simba raɓuɗa kwandiri.
47
Ɀino mukadzi wakati aciʋona kuti haana‐kuʋanzika, akaʋuya, aciɗeɗera, akaɀiwisira pasi pamberi pake, akamuʋudza pamberi paʋose kuti wakaŋga amuɓata nemhaka yei, ʋuye kuti wakaporeswa pakarepo.
48
Akati kwaari: Mukunda, kutenda kwako kwakuporesa, enda hako norugare.
49
Wakati acataura, mumŋe akaȿika, acibva kumba kwomukuru wesinagoge, akati kwaari: Mukunda wenyu wafa; regai henyu kutambudza Mudzidzisi.
50
Ɀino Jesu wakati aciɀinzwa, akapindura, akati: Usatya, tenda ɓedzi, iye ucaponeswa.
51
Ɀino wakati aȿika kumba, akasatendera munhu kupinda naye, asi Petro, naJohane, naJakobo, naɓaɓa ʋomusikana, namai.
52
Ʋose ʋakaŋga ʋacicema, ʋacimuririra. Iye akati: Musacema, haana‐kufa, asi uʋete.
53
Ʋakamuseka, ʋaciziʋa kuti wafa.
54
Ɀino iye wakaɓata ruʋoko rwake, akaɗana, aciti: Musikana, muka!
55
Ipapo mŋeya wake wakadzoka, akamuka pakarepo. Akaraira kuti apiwe ɀokudya.
56
Ʋaɓereki ʋake ʋakashamiswa, asi wakaʋaraira kuti ʋarege kuʋudza munhu ɀakaitwa.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24