bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Luke 24
Luke 24
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
1
Nomusi wokutaŋga weviki, mambakwedza, ʋakaʋuya kubgiro, ʋakaɓata ɀinonhuwira, ɀaʋakaŋga ʋagadzira.
2
Ʋakawana ibge rakuŋguruswa, rabʋiswa pabgiro,
3
ʋakapinda, ʋakashaiwa mutumbu waShe Jesu.
4
Ɀino ʋakati ʋacakaŋganiswa naɀo, tarira, ʋarume ʋaʋiri ʋakamira naʋo ʋaneŋguʋo dzinopenya;
5
ɀino nokutya kwaʋo ʋakakotamira pasi neɀiso ɀaʋo, iʋo ʋakati kwaʋari: Munotȿakireiko mupenyu pakati paʋakafa?
6
Haa’po pano, wamuka. Fuŋgai ɀaakakuʋudzai aciri Garirea,
7
kuti Mŋanakomana womunhu unofanira kuiswa mumaʋoko aʋanhu ʋakaipa, aroʋerwe pamucinjikwa, agomuka nezuʋa retatu.
8
Ipapo ʋakaraŋgarira mashoko ake,
9
ʋakadzoka ʋacibva kubgiro, ʋakaʋudza ʋanegumi nomumŋe naʋamŋe ʋose ɀinhu iɀoɀo ɀose.
10
Ʋaiʋa Maria Magdarene naJohana naMaria, mai ʋaJakobo, naʋamŋe ʋakadzi ʋaiʋa naʋo, ʋakandoʋudza ʋaapostora iɀoɀo.
11
Mashoko awa akaita sooʋupenzi kwaʋari; ʋakasaatenda.
12
Ɀino Petro akasimuka, akamhanyira kubgiro; akakotama, akaʋona miceka iri yoga; ndokudzoka kumba kwake, ashamiswa neɀakaŋga ɀaitwa.
13
Pazuʋa irero ʋamŋe ʋaʋiri ʋaʋo ʋakaŋga ʋacienda kumusha wainzi Emausi, wakaŋga uri kure neJerusarema mastadia anamakumi matanhatu;
14
ʋakaŋga ʋacitaurirana pamsoro peɀinhu ɀose ɀakaŋga ɀaitika.
15
Ɀino ʋakati ʋacataurirana nokubvunzana, Jesu amene akasweɗera, akafamba naʋo.
16
Asi meso aʋo akaŋga aɓatwa, ʋakasamuziʋa.
17
Akati kwaʋari: Mashoko amunotaurirana pamsoro pawo mucifamba, ndeeiko? Ʋakamira ʋaneshuŋgu pamŋoyo.
18
Mumŋe waʋo, wainzi Kreopasi, akapindura, akati kwaari: Ko ndiwe woga ugere muJerusarema so mutorwa, usiŋgaziʋi ɀakaitwa’mo mazuʋa ano here?
19
Akati kwaʋari: Ɀinyiko? Ʋakati kwaari: ⱿaJesu weNazareta, waiʋa muprofita unesimba paɓasa napashoko pamberi paMŋari napaʋanhu ʋose;
20
ʋuye kuti ʋaprista ʋakuru naʋaɓati ʋeɗu ʋakamuisa kuʋatoŋgi kuti atoŋgerwe rufu, ʋakamuroʋera pamucinjikwa.
21
Takaŋga ticiti ndiye waizodzikinura ʋaIsraeri; ʋuye pamsoro paiɀoɀo ɀose, nhasi raʋa zuʋa retatu kubva pakuitwa kwaɀo.
22
Ʋuye ɀe, ʋamŋe ʋakadzi ʋokweɗu, ʋakaŋga ʋafumira kubgiro, ʋakatishamisa;
23
nokuti ʋakati ʋacishaiwa muʋiri wake, ʋakaʋuya ʋaciti, ʋaʋona ciratidzo caʋatumŋa ʋaiti mupenyu.
24
Ɀino ʋamŋe ʋaiʋa nesu, ʋakaenda kubgiro, ʋakandoɀiwana seɀaʋakareʋa ʋakadzi; asi iye haʋana‐kumuʋona.
25
Ɀino iye akati kwaʋari: Imi ʋokusafuŋga, munemŋoyo inononoka kutenda ɀose ɀakarebga naʋaprofita!
26
Ko Kristu wakaŋga asiŋgafaniri kutambudzika saiɀoɀo, agopinda pakubginya kwake here?
27
Ipapo akataŋga kunaMosesi naʋaprofita ʋose, akaʋaɗudzira ɀakanyorwa pamsoro pake muMagwaro ose.
28
Ɀino ʋakasweɗera kumusha kwaʋakaŋga ʋacienda; iye akaita sowoɗa kupfuʋura.
29
Ʋakamugombedzera, ʋaciti: Garai nesu, nokuti aʋa maɗekwana, zuʋa raʋira. Ipapo akapinda kundogara naʋo.
30
Ɀino wakati agara naʋo pakudya, akatora ciŋgwa, akaciropafadza, akacimeɗura, ndokuʋapa.
31
Ipapo meso aʋo akaȿinudzwa, ʋakamuziʋa; akanyaŋgarika kwaʋari.
32
Ʋakataurirana, ʋaciti: Ko mŋoyo yeɗu yakaŋga isiŋgapisi mukati meɗu, acitaura nesu munzira, nokutizarurira Magwaro here?
33
Ʋakasimuka neŋguʋa iyo, ʋakadzokera Jerusarema, ʋakawana ʋanegumi nomumŋe naʋaiʋa naʋo ʋakaʋuŋgana.
34
Iʋo ʋakati: Ishe wamuka ɀirokwaɀo; waʋonekwa naSimoni.
35
Ʋakarondedzera ɀakaitika munzira, ʋuye kuti wakazikanwa naʋo sei pakumeɗura ciŋgwa.
36
Ʋakati ʋacataura iɀoɀo, akamira pakati paʋo amene, akati kwaʋari: Rugare ŋgaruʋe nemi!
37
Asi ʋakavunduka, ʋakatya kwaɀo, ʋakati ɀimŋe ʋaʋona mŋeya.
38
Akati kwaʋari: Munomanikidzwa neiko? Mifuŋgo inomukireiko mumŋoyo yenyu?
39
Tarirai ɀanza ɀaŋgu netsoka dzaŋgu, kuti ndini ndimene. Ndiɓatei, muʋone, nokuti mŋeya haunenyama namafupa, seɀamunondiʋona ndinaɀo ini.
40
Wakati areʋa iɀoɀo, akaʋaratidza ɀanza ɀake netsoka dzake.
41
Ɀino ʋakati ʋacigere kutenda nokufara kwaʋo, ʋacashamiswa, akati kwaʋari: Muneɀokudya pano here?
42
Ʋakamupa nhindi yehoʋe yakagocwa.
43
Akatora, akadya ʋaciɀiʋona.
44
Akati kwaʋari: Ndiwo mashoko aŋgu, andakakuʋudzai ndiciri nemi, kuti ɀose ɀakanyorwa pamsoro paŋgu pamurairo waMosesi, napaʋaprofita, napaMapisarema, ɀinofanira kuitika.
45
Ipapo akadziʋura kuziʋa kwaʋo, kuti ʋanzwisise Magwaro.
46
Akati kwaʋari: Ndiɀo ɀakanyorwa, kuti Kristu ucatambudzika, agomuka kuʋakafa nezuʋa retatu;
47
kuti marudzi ose aparidzirwe nezita rake kutendeʋuka nokukaŋganwirwa ɀiʋi, ʋacitaŋga paJerusarema.
48
Imi muri ɀapupu ɀeɀinhu iɀi.
49
Tarirai, ndinotuma pamsoro penyu cipikirwa caƂaɓa ʋaŋgu; asi imi garai muguta, kuȿikira mafukidzwa nesimba rinobva kumsoro.
50
Ɀino akaʋatuŋgamirira kunze kweguta kuȿikira pakatarisana neBetania, ndokutambanudza maʋoko ake, akaʋaropafadza.
51
Wakati acaʋaropafadza, akaparadzana naʋo, akakwidzwa kuɗeŋga.
52
Ipapo ʋakamunamata, ʋakadzokera Jerusarema ʋanomufaro mukuru.
53
Ʋakarambira mutembere, ʋacirumbidza Mŋari.
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24