bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Luke 6
Luke 6
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 7 →
1
Ɀino nomusi wesaɓata wakafamba napakati peminda yeɀiyo; ʋadzidzi ʋake ʋakatanha hura, ʋakadya, ʋacidzipukuta namaʋoko.
2
Ɀino ʋamŋe ʋaʋaFarise ʋakati kwaʋari: Munoitireiko ɀisina‐kutenderwa kuitwa nomusi wesaɓata?
3
Jesu akaʋapindura, akati: Ko hamuna‐kuraʋa here ɀakaitwa naDavidi, musi waakaŋga aziya, iye naʋakaŋga ʋanaye;
4
kuti wakapinda mumba maMŋari, akatora ɀiŋgwa ɀokuratidza, aka ɀi dya, akapa ʋo ʋakaŋga ʋanaye, iɀo ɀakaŋga ɀisina‐kutenderwa kudyiwa, asi naʋaprista ʋoga?
5
Akati kwaʋari: Mŋanakomana womunhu ndiye Ishe wesaɓata ʋo.
6
Ɀino neimŋe saɓata wakapinda musinagoge, akadzidzisa; ɀino kwakaŋga kunomunhu ipapo wakaŋga anoruʋoko rworudyi rwakawonyana.
7
Ʋanyori naʋaFarise ʋakamutarisisa, kuʋona kana aŋgamuporesa nomusi wesaɓata, kuti ʋawane paʋaŋgamupomera mhoȿa napo.
8
Asi iye wakaziʋa mifuŋgo yaʋo, akati kumunhu wakaŋga anoruʋoko rwakawonyana: Simuka, umire pakati paʋanhu. Akasimuka, akamira.
9
Ɀino Jesu akati kwaʋari: Ndino ku bvunzai shoko iri: Ɀakatenderwa here kuita ɀakanaka kana ɀakaipa nesaɓata, kuponesa munhu, kana kuʋuraya?
10
Ipapo akariŋga‐riŋga aciʋatarira ʋose, akati kwaari: Tambanudza ruʋoko rwako. Akaɗaro, ruʋoko rwake rukaʋandudzwa.
11
Ɀino ʋakatsamŋa kwaɀo, ʋakaraŋgana ʋose kuti Jesu ʋaŋgamuitei.
12
Namazuʋa iwayo wakaɓuɗira kugomo kundonyeŋgetera, akapedza ʋusiku bgose pakunyeŋgetera kunaMŋari.
13
Ɀino kwakati kwaedza, akaɗana ʋadzidzi ʋake; akasanaŋgura kwaʋari ʋanegumi naʋaʋiri, ʋaakatumidza zita rokuti ʋaapostora;
14
Simoni, waakatumidza ʋo Petro, naAndrea, munuŋuna wake, naJakobo, naJohane, naFiripo, naBartoromeo,
15
naMateo, naTomasi, naJakobo mŋanakomana waArfeo, naSimoni, wainzi Zerote;
16
naJudasi mŋanakomana waJakobo; naJudasi Iskarioti, wakazomupandukira.
17
Akaɓuruka naʋo, akamira pakati cecetere, naʋadzidzi ʋake ʋazhinji, naʋanhu ʋazhinji‐zhinji, ʋaibva Judea rose neJerusarema, napamhenderekedzo yeguŋgwa reTire neSidoni,
18
ʋakaŋga ʋaʋuya kuzomunzwa, nokuporeswa hosha dzaʋo. Naʋakaŋga ʋacitambudzika nemŋeya yetȿina ʋakaporeswa.
19
Ʋanhu ʋazhinji ʋose ʋakatȿaka kumunyaŋgata, nokuti simba rakaɓuɗa kwaari rikaʋaporesa ʋose.
20
Ɀino wakatarisisa ʋadzidzi ʋake, akati: Makaropafadzwa imi ʋarombo, nokuti ʋushe bgaMŋari ndobgenyu.
21
Makaropafadzwa imi munenzara ɀino, nokuti mucagutiswa. Makaropafadzwa imi munocema ɀino, nokuti mucaseka.
22
Makaropafadzwa, kana ʋanhu ʋacikuʋeŋgai, ʋacikudziŋgai, ʋacikuɀidzai, ʋacirasha zita renyu se cinhu cakashata, nokuɗa kwoMŋanakomana womunhu.
23
Farai nezuʋa iro, mupembere, nokuti tarirai, muɓairo wenyu kuɗeŋga mukuru; nokuti madziɓaɓa aʋo akaitira ʋaprofita ɀakaɗaro.
24
Asi munenhamo imi ʋafumi, nokuti mapiwa kunyaradzwa kwenyu.
25
Munenhamo imi makaguta ɀino, nokuti mucaʋa nenzara. Munenhamo imi munoseka ɀino, nokuti mucacema nokurira.
26
Munenhamo kana ʋanhu ʋose ʋacitaura ɀakanaka pamsoro penyu, nokuti madziɓaɓa aʋo akaitira ʋaprofita ʋenhema ɀakaɗaro.
27
Asi ndinoti kwamuri imi munonzwa: Iɗai ʋaʋeŋgi ʋenyu; muitire ɀakanaka ʋanokuʋeŋgai.
28
Ropafadzai ʋanokutukai, munyeŋgeterere ʋanokumhurai.
29
Unokuroʋa paɗama, umurinzire rimŋe ʋo; unokutorera ŋguʋo yokunze, usamuramba neŋguʋo yomukati ʋo.
30
Mumŋe nomumŋe unokumbira kwauri, umupe; nounokutorera ɀako, usaɀikumbira ɀe kwaari.
31
Seɀamunoɗa kuti ʋanhu ʋakuitirei, muʋaitire ʋo saiɀoɀo.
32
Kana muciŋgoɗa aʋo ʋanokuɗai, munokuʋoŋgwa kwakaɗiniko? Nokuti naʋatadzi ʋo ʋanoɗa ʋanoʋaɗa.
33
Kana muciŋgoitira ɀakanaka aʋo ʋanokuitirai ɀakanaka, munokuʋoŋgwa kwakaɗiniko? Nokuti naʋatadzi ʋanoɗaro ʋo.
34
Kana muciŋgopa iʋo cikwerete, ʋamunoti mucadzoserwa ɀe naʋo, munokuʋoŋgwa kwakaɗiniko? Nokuti naʋatadzi ʋanopa ʋo ʋatadzi cikwerete, kuti ʋapiwe ɀe ɀakaenzana naɀo.
35
Asi iɗai ʋaʋeŋgi ʋenyu, muʋaitire ɀakanaka. Mupe cikwerete musiŋgaʋori mŋoyo; muɓairo wenyu ucaʋa mukuru, mugoʋa ʋanakomana ʋoWokumsoro‐soro; nokuti iye unomŋoyo munyoro kunaʋasiŋgaʋoŋgi naʋakaipa.
36
Iʋai netsitsi, saƂaɓa ʋenyu ʋanetsitsi ʋo.
37
Musatoŋga, nemi hamuŋgazotoŋgwi; musapa mhaka, nemi hamuŋgazopiwi mhaka; sunuŋgurai, nemi mucasunuŋgurwa ʋo.
38
Ipai, nemi mucapiwa; ʋacakupai pamaʋoko enyu ciyero cakanaka, cakatsikirirwa, cakazuŋguzirwa, cakaita mupfuŋga; nokuti neciyero camunoyera naco, mucayerwa ʋo naco.
39
Wakaʋaʋudza ʋo mufananidzo, akati: Ƃofu riŋgatuŋgamirira rimŋe ɓofu here? Haaŋgawiri mugomba ose ari maʋiri here?
40
Mudzidzi haapfuʋuri mudzidzisi wake. Asi mumŋe nomumŋe, kana akwaniswa, ucaʋa somudzidzisi wake.
41
Unotarireiko ruɓanzu ruri muziso rehama yako, iɀo, ɗanda riri muziso rako hauriʋoni?
42
Kana uŋgareʋa seiko kuhama yako, uciti: Hama, rega ndibvise ruɓanzu ruri muziso rako, usiŋgaʋoni ɗanda riri muziso rako? Iwe munyeŋgeri, taŋga ubvise ɗanda muziso rako, ipapo ucaʋonesesa kubvisa ruɓanzu ruri muziso rehama yako.
43
Nokuti hakunomuti wakanaka unoɓereka ɀiɓereko ɀakaipa, kana muti wakaipa unoɓereka ɀiɓereko ɀakanaka;
44
nokuti muti mumŋe nomumŋe unozikanwa neɀiɓereko ɀawo. Nokuti ʋanhu haʋatanhi maʋonde paminzwa, kana mazambiriŋga haatanhwi parukato.
45
Munhu wakanaka unoɓuɗisa ɀakanaka pafuma yakanaka yomŋoyo wake; wakaipa unoɓuɗisa ɀakaipa pafuma yakaipa yomŋoyo wake; nokuti muromo unoreʋa ɀizere pamŋoyo.
46
Munondiidzireiko Ishe! Ishe! musiŋgaiti ɀandinoreʋa?
47
Mumŋe nomumŋe unoʋuya kwandiri, akanzwa mashoko aŋgu, akaaita, ndicakuratidzai waakafanana naye.
48
Wakafanana nomunhu wakaʋaka imba, akacera, akadzikisa, akaiteya paruware; mvura zhinji ikaʋuya, mvura ikaroʋa imba iyo, ikasagona kuizunuŋgusa, nokuti yakaŋga yakaʋakwa kwaɀo.
49
Asi unonzwa, asiŋgaiti, wakafanana nomunhu wakaʋaka imba pavu, isinenheyo; mvura yakati iciiroʋa, ikawa pakarepo, kuputsika kweimba iyo kukaʋa kukuru.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24