bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Luke 14
Luke 14
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 15 →
1
Ɀino wakati apinda mumba momumŋe waʋakuru ʋaʋaFarise nomusi wesaɓata kuzodya ɀokudya, ʋakamucerekedza.
2
Ɀino kwakaŋga kunomumŋe munhu pamberi pake waiʋa norukandwe.
3
Ipapo Jesu akapindura, akataura kuʋaɗudziri ʋomurairo nokuʋaFarise, aciti: Kwakatenderwa kuporesa nomusi wesaɓata here, kana kwete?
4
Ʋakaramba ʋanyerere. Ɀino akamutora, akamuporesa, ndokumuendisa.
5
Akati kwaʋari: Ndianiko pakati penyu, uŋgati, kana mŋanakomana wake, kana ŋombe yake yawira mugomba, uŋgarega kuiɓuɗisa pakarepo nomusi wesaɓata?
6
Ʋakasagona kupindura ɀe pamsoro paiɀoɀi.
7
Ɀino wakataura mufananidzo kunaʋakakokerwa, nokuti wakaʋona ʋaciɀisanaŋgurira ɀigaro ɀapamberi, akati kwaʋari:
8
Kana iwe uciŋge wakokerwa nomunhu kumutambo wokuwana, usagara pacigaro capamberi; ɀimŋe mumŋe, unokudzwa kupfuʋurewe, wakokerwa ʋo naye;
9
ɀino wakakukokera iwe naye, uŋgaȿika, akati kwauri: Ibva’po, munhu uyu agare; ipapo ucataŋga kugara kucigaro ceshure ucinyara.
10
Asi kana wakokerwa, enda ugare pacigaro ceshure, kuti uyo wakakukokera, kana aciȿika, agoti kwauri: Shamŋari, pinda mberi! Ɀino ucakudzwa we pamberi paʋose ʋagere pakudya newe.
11
Nokuti mumŋe nomumŋe unoɀikudza, ucaninipiswa; ʋuye mumŋe nomumŋe unoɀininipisa, ucakudzwa.
12
Akati ʋo kunowakamukokera: Kana wagadzira ciȿuȿuro kana cirayiro, usaɗana shamŋari dzako, kana ʋanuŋuna ʋako, kana hama dzako, naʋafumi ʋokwako, kuti ʋarege kukukokera ɀe, ugoripirwa.
13
Asi kana wagadzira mutambo wokudya, ukokere ʋarombo, neɀirema, naʋanokamhina, namapofu.
14
Ipapo ucaropafadzwa, ɀaʋasinaɀaʋaŋgakuripira naɀo, nokuti ucaripirwa pakumuka kwaʋakarurama.
15
Mumŋe waʋakaŋga ʋagere naye pakudya wakati aciɀinzwa, akati kwaari: Wakaropafadzwa uyo ucadya ɀokudya paʋushe bgaMŋari!
16
Iye akati kwaari: Mumŋe munhu wakagadzira cirayiro cikuru, akakokera ʋazhinji.
17
Akatuma muranda wake neŋguʋa yokurayira kuti aʋudze ʋakaŋga ʋakakokerwa, kuti: Ʋuyai, nokuti ɀose ɀagadzirwa ɀino.
18
Ipapo ʋose ʋakataŋga nomŋoyo mumŋe kuɀireʋera. Wokutaŋga akati kwaari: Ndateŋga munda, ndinofanira kumbondouʋona; ndinokumbira kuti undireʋere.
19
Mumŋe akati: Ndateŋga nzombe dzamajoko mashanu, ndinoenda kundodziidza; ndinokumbira kuti undireʋere.
20
Mumŋe akati: Ndawana mukadzi, naiɀoɀo handiŋgaʋuyi.
21
Muranda akaʋuya, akaʋudza ishe wake iɀoɀo. Ipapo mŋene weimba akatsamŋa, akati kumuranda wake: Kurumidza, uɓuɗe kunzira huru neɗuku dzomumusha, uʋuye pano naʋarombo, neɀirema, namapofu, naʋanokamhina.
22
Muranda akati: Ishe, iɀo ɀamaraira, ɀaitwa, asi nɀimbo ici’po.
23
Ishe akati kumuranda: Ƃuɗa kunzira nokuʋuzhowa, u ʋa gombedzere ʋapinde, imba yaŋgu izare.
24
Nokuti ndinoti kwamuri: Hakunomumŋe kunaʋarume aʋo ʋandakokera, ucaraʋira cirayiro caŋgu.
25
Ɀino ʋazhinji‐zhinji ʋakafamba naye; akatendeʋuka, akati kwaʋari:
26
Kana munhu aciʋuya kwandiri, asiŋgaʋeŋgi ɓaɓa ʋake namai, nomukadzi, naʋana, naʋanuŋuna, nehanɀadzi, kunyaŋge noʋupenyu bgake ʋo, haaŋgaʋi mudzidzi waŋgu.
27
Aninani usiŋgatakuri mucinjikwa wake, akaʋuya shure kwaŋgu, haaŋgaʋi mudzidzi waŋgu.
28
Nokuti ndiani kwamuri, kana aciɗa kuʋaka ȿiŋgo, usiŋgataŋgi kugara pasi, akaʋereŋga kukosha kwayo, kuʋona kana ane mari yokuipedzisa nayo?
29
Kuti ɀimŋe kana ataŋga nheyo, akakoniwa kupedzisa, ʋose ʋano ɀi ʋona, ʋasataŋga kumuseka,
30
ʋaciti: Uyu munhu wakataŋga kuʋaka, akakoniwa kupedzisa.
31
Kana ndoupiko mambo, kana acienda kundorwa nomumŋe mambo, usiŋgataŋgi kugara pasi, akaraŋgarira kana iye, unaʋanhu ʋaneɀuru ɀamazana ɀinegumi, aŋgagona kundosoŋgana nounoʋuya kuzorwa naye, ana ʋanhu ʋaneɀuru ɀamazana ɀinamakumi maʋiri?
32
Kana asiŋga goni, unotuma nhume, iye aciri kure, kundokumbira mashoko orugare.
33
Saiɀoɀo ʋo, aninani kwamuri usiŋgasiyi ɀose ɀaanaɀo, haaŋgaʋi mudzidzi waŋgu.
34
Munyu wakanaka; asi kana munyu waɗuruŋgunda, ucaruŋgwa neiko?
35
Haucineɓasa pamunda, kana paɗutu romupfudze; ʋanourashira kunze. Unenzeʋe dzokunzwa, ŋgaanzwe.
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 15 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24