bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Luke 15
Luke 15
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 16 →
1
Ɀino ʋateresi ʋose naʋatadzi ʋakasweɗera kwaari, kuzomunzwa.
2
Ʋafarise naʋanyori ʋose ʋakaŋuŋuna, ʋaciti: Uyu munhu unogamucira ʋatadzi, acidya naʋo.
3
Ɀino wakaʋaʋudza mufananidzo uyu, aciti:
4
Ndianiko kwamuri unamakwai anezana, kana akarashikirwa nerimŋe rawo, uŋgasasiya makumi mapfumbamŋe namapfumbamŋe murenje, akateʋera rakarashika kuȿikira ariwana?
5
Kana ariwana, unoriisa pamafudzi ake, acifara.
6
Kana aȿika kumusha, unokokera shamŋari dzake naʋakaʋaka naye, akati kwaʋari: Farai neni, nokuti ndawana gwai raŋgu rakaŋga rakarashika.
7
Ndinoti kwamuri, saiɀoɀo mufaro ucaʋa kuɗeŋga pamsoro pomutadzi mumŋe unotendeʋuka, kupfuʋura paʋakarurama ʋanamakumi mapfumbamŋe naʋapfumbamŋe, ʋasiŋgatȿaki kutendeʋuka.
8
Ndoupiko mukadzi unamadrakema anegumi, kana arashikirwa nerimŋe, uŋgarega kutuŋgidza mŋenje, akatȿaira imba, akatȿakisisa, kuȿikira ariwana?
9
Kana ariwana, unokokera hama dzake naʋakaʋaka naye, akati kwaʋari: Farai neni, nokuti ndawana drakema randakaŋga ndarashikirwa naro.
10
Ndinoti kwamuri, saiɀoɀo mufaro uri’po pamberi paʋatumŋa ʋaMŋari pamsoro pomutadzi mumŋe unotendeʋuka.
11
Ɀino wakati: Mumŋe munhu waiʋa naʋanakomana ʋaʋiri.
12
Muɗuku waʋo akati kunaɓaɓa ʋake: Ƃaɓa, ndipei mugoʋe wenhaka ucazoʋa waŋgu. Akaʋagoʋera fuma yake.
13
Mazuʋa mashoma akati apfuʋura, mŋanakomana muɗuku akaʋuŋganidza ɀose, akaenda kunyika iri kure; akaparadza’ko nhaka yake acifamba nemitoʋo yakaipa.
14
Ɀino wakati apedza ɀose, nzara huru ikaȿika panyika iyo, akataŋga kushaiwa.
15
Ipapo akaenda, akandoɀiisa kunomumŋe waʋanhu ʋenyika iyo; iye akamutumira kuminda yake, kundofudza ŋguruʋe.
16
Wakaŋga aciɗa kuɀigutsa namateko aidyiwa neŋguruʋe; asi kwakaŋga kusinomunhu waimupa.
17
Ɀino wakati aciɀifuŋga, akati: Ʋaranda ʋazhinji sei ʋaɓaɓa ʋaŋgu ʋaneɀokudya ɀakawandisa, asi ini ndofa pano nenzara.
18
Ndicasimuka, ndiende kunaɓaɓa ʋaŋgu, nditi kwaʋari: Ƃaɓa, ndatadzira kuɗeŋga, napamberi penyu,
19
handicafaniri kunzi mŋanakomana wenyu; mundiite somumŋe waʋaranda ʋenyu.
20
Akasimuka, akaenda kunaɓaɓa ʋake. Wakati aciri kure, ɓaɓa ʋake ʋakamuʋona, ʋakamunzwira tsitsi, ʋakamhanya, ndokumufuŋgatira, nokumuȿeta.
21
Mŋanakomana akati kwaʋari: Ƃaɓa, ndatadzira kuɗeŋga napamberi penyu, handicafaniri kunzi mŋanakomana wenyu.
22
Asi ɓaɓa ʋakati kuʋaranda ʋaʋo: Kurumidzai, muʋuye neŋguʋo yakaiȿo‐naka, mumupfekedze iyo; muise mhete pamunwe wake, neshaŋgu patsoka dzake;
23
muʋuye nemhure yakakodzwa, muiɓaye, tidye, tifare;
24
nokuti mŋanakomana waŋgu uyu wakaŋga afa, wararama ɀe; wakaŋga arashika, wawanika ɀe Ɀino ʋakataŋga kufara.
25
Mŋanakomana wake weɗaŋgwe wakaŋga ari kumunda; ɀino wakati aciȿika, acisweɗera paimba, ndokunzwa kuimba nokutamba.
26
Ipapo akaɗanira kwaari mumŋe waʋaranda, akamubvunza kuti iɀi ɀinyiko.
27
Akati kwaari: Munuŋuna wako waȿika, ɀino ɓaɓa ʋako ʋaɓaya mhuru yakakodzwa, nokuti ʋamuwana ɀe ari mupenyu.
28
Asi iye wakatsamŋa, akaramba kupinda. Ɀino ɓaɓa ʋake ʋakaɓuɗa, ʋakakumbira ɀikuru kwaari.
29
Asi iye wakapindura, akati kunaɓaɓa ʋake: Tarirai, ndakakuɓatirai makore awa mazhinji, ndisiŋgatoŋgoɗariki murairo wenyu, asi hamuna‐kutoŋgondipa mbudzana, kuti ndifare neshamŋari dzaŋgu.
30
Asi mŋanakomana wenyu uyu, wakaparadza fuma yenyu neɀifeʋe, wakati aciȿika, mamuɓayira mhuru yakakodzwa.
31
Iʋo ʋakati kwaari: Mŋana waŋgu, iwe uneni ŋguʋa dzose, ɀose ɀaŋgu ndeɀako.
32
Kwaifanira kuti tifare nokufarisisa, nokuti munuŋuna wako uyu wakaŋga afa, wararama; wakaŋga arashika, akawanika.
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 16 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24