bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Luke 19
Luke 19
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 20 →
1
Wakapinda Jeriko, akapfuʋura napakati.
2
Ɀino murume waiʋa’po, wainzi Zakeo; iye wakaŋga ari mukuru waʋateresi, ʋuye waiʋa mufumi;
3
akatȿaka kuʋona Jesu, kuti ndiye ani; asi wakaŋga asiŋgagoni, nokuti wakaŋga akafupika.
4
Ipapo akamhanyira mberi, akakwira mumuʋonde kuti amuʋone, nokuti wakaŋga opfuʋura napo.
5
Ɀino Jesu wakati aciȿika’po, akatarira kumsoro, akati kwaari: Zakeo, kurumidza uɓuruke; nokuti nhasi ndinofanira kugara mumba mako.
6
Iye akakurumidza kuɓuruka, akamugamucira nomufaro.
7
Ʋose ʋakaɀiʋona, ʋakaŋuŋuna, ʋaciti: Wapinda kundogara nomurume uri mutadzi.
8
Ipapo Zakeo akamira, akati kunaShe: Tarirai, Ishe, ndinopa ʋarombo hafu yefuma yaŋgu, ʋuye kana ndatorera mumŋe cinhu cake nokunyeŋgera, ndinomudzosera ɀaʋa ɀinna.
9
Jesu akati kwaari: Nhasi ruponeso rwaȿika paimba ino; nokuti naiye ʋo mŋanakomana waAbrahama.
10
Nokuti Mŋanakomana womunhu wakaʋuya kuzotȿaka nokuponesa cakarashika.
11
Ʋakati ʋacanzwa iɀoɀo, akawedzera akataura mumŋe mufananidzo, nokuti wakaŋga aʋa pedyo neJerusarema, iʋo ʋakati ʋushe bgaMŋari bgobva bgoʋonekwa pakarepo.
12
Naiɀoɀo akati: Mumŋe munhu mukuru wakaenda kunyika yakaŋga iri kure, kuti andopiwa ʋushe, agodzoka ɀe.
13
Akaɗana ʋaranda ʋake ʋanegumi, akaʋapa pondo dzinegumi, akati kwaʋari: Shambadzirai, kuȿikira ndiciʋuya ɀe.
14
Asi ʋanhu ʋenyika yake ʋakaŋga ʋacimuʋeŋga, ʋakatuma nhume kumuteʋera, kundoti: Hatiɗi kuti uyu munhu aʋe ishe weɗu.
15
Ɀino wakati adzoka kuya kwaakaŋga andopiwa ʋushe, akaraira kuti ʋaya ʋaranda ʋaakaŋga apa mari, ʋaɗanirwe kwaari, anzwe kuti mumŋe nomumŋe wakawanei nokushambadzira kwake.
16
Wokutaŋga akaȿika, akati: Ishe, pondo yenyu yakawana dzimŋe pondo dzinegumi ɀe.
17
Akati kwaari: Ɀakanaka, muranda wakanaka; ɀawakaŋga wakatendeka paɀiɗuku‐ɗuku, uɓate maguta anegumi.
18
Wecipiri akaȿika, akati: Ishe, pondo yenyu yakawedzera ɀe pondo shanu.
19
Akati kwaari ʋo: Newe, uɓate maguta mashanu.
20
Ɀino mumŋe akaȿika, akati: Ishe, tarirai pondo yenyu heyi, yandakaŋga ndaceŋgeta mumuceka.
21
Nokuti ndakaŋga ndicikutyai, ɀamuri munhu unehasha, munotora ɀamusakaisa’po, munoceka ɀamusakakusha.
22
Akati kwaari: Ndicakutoŋga namashoko ako amene, iwe muranda wakaipa! Wakaŋga uciziʋa kuti ndiri munhu unehasha, ndicitora ɀandisakaisa, ndiciceka ɀandisakakusha;
23
ɀino wakaregereiko kuisa mari yaŋgu mubaŋga, ndikazoitora pakudzoka kwaŋgu yawanda.
24
Ipapo akati kunaʋakaŋga ʋamire’po: Mutorerei pondo iyo, muipe unepondo dzinegumi.
25
Ʋakati kwaari: Ishe, watoʋa nepondo dzinegumi.
26
Ndinoti kwamuri: Mumŋe nomumŋe unecinhu, ucapiwa; asi usina, ucatorerwa neɀaanaɀo.
27
Asi ʋaʋeŋgi ʋaŋgu aʋo, ʋakaŋga ʋasiŋgaɗi kuti ndiʋe ishe waʋo, ʋuyai naʋo pano, muʋaʋuraye pamberi paŋgu.
28
Wakati areʋa iɀoɀo, akatuŋgamirira mberi, acikwira Jerusarema.
29
Wakati osweɗera Betfage neBetania, kugomo rinonzi reMiorivi, akatuma ʋadzidzi ʋake ʋaʋiri,
30
aciti: Endai kumusha wakatarisana nemi; kana mucipinda mauri, mucawana mhuru yemboŋgoro yakasuŋgirwa, isina‐kumbotaȿwa nomunhu; muisunuŋgure, mugoʋuya nayo.
31
Kana mumŋe akakubvunzai, aciti: Munoisunuŋgurireiko? muti kwaari kuɗai: Ishe unoiɗa.
32
Aʋo ʋakatumŋa ʋakaenda, ʋakandowana seɀaakaŋga aʋaʋudza.
33
Ɀino ʋakati ʋacisunuŋgura mhuru, ʋene ʋayo ʋakati kwaʋari: Munosunuŋgurireiko mhuru?
34
Ʋakati: Ishe unoiɗa.
35
Ʋakaʋuya nayo kunaJesu, ʋakaisa ŋguʋo dzaʋo pamsoro pemhuru, ʋakataȿisa Jesu pamsoro payo.
36
Ɀino acifamba, ʋakawarira ŋguʋo dzaʋo munzira.
37
Akati osweɗera pamaɓurusiro egomo reMiorivi, ʋadzidzi ʋake ʋazhinji ʋose ʋakataŋga kufara nokurumbidza Mŋari nenzwi guru pamsoro pamaɓasa ose esimba aʋakaŋga ʋaʋona,
38
ʋaciti: Mambo ŋgaakudzwe, iye unoʋuya muzita raShe! Rugare ŋgaruʋe kuɗeŋga, nokubginya kumsoro‐soro!
39
Ʋamŋe ʋaFarise pakati paʋazhinji ʋakati kwaari: Mudzidzisi, rairai ʋadzidzi ʋenyu!
40
Akapindura, akati: Ndinokuʋudzai, kana aʋa ʋakanyarara, mabge aŋgaɗanidzira.
41
Ɀino wakati asweɗera pedyo, akaʋona guta, akacema pamsoro paro,
42
aciti: Ƌai waiziʋa iwe zuʋa rino ɀinhu ɀiŋgakupa rugare, asi ɀino ɀakaʋanzirwa meso ako!
43
Nokuti ucaȿikirwa namazuʋa, aucaʋakirwa nawo mucinjiziri naʋaʋeŋgi ʋako, ʋacakukomba, nokukumanikidza pamatiʋi ose;
44
ʋacakuparadzira pasi, iwe naʋana ʋako mukati mako; haʋaŋgaregi mukati mako ibge rimŋe riri pamsoro perimŋe; nokuti hauna‐kuziʋa ŋguʋa yokushanyirwa kwako.
45
Ɀino wakapinda mutembere, akataŋga kuɓuɗisira kunze ʋakaŋga ʋaciteŋgesa’mo,
46
aciti kwaʋari: Kwakanyorwa kuti imba yaŋgu icaʋa imba yokunyeŋgetera; asi imi makaiita ɓako ramakororo.
47
Waidzidzisa zuʋa rimŋe nerimŋe mutembere; asi ʋaprista ʋakuru naʋanyori naʋakuru ʋaʋanhu ʋakaŋga ʋacitȿaka kumuʋuraya.
48
Asi ʋakaŋga ʋasiŋgawani ɀaʋaŋgaita, nokuti ʋanhu ʋose ʋakamunamatira, ʋaci mu nzwa.
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 20 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24