bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Samuel 1
1 Samuel 1
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 2 →
1
Muguta reRamataimuzofimu, munyika yamakomo yokwaEfuremu maiva nomumwe murume ainzi Erikana mwana waJeroharamu. Jeroharamu akaberekwa naErihu, Erihu akaberekwawo naTohu mwanakomana waZufu wedzinza rokwaEfuremu.
2
Erikana aiva navakadzi vaviri, wokutanga ainzi Hana wechipiri achinzi Penina. Penina aiva navana asi Hana akanga asina vana.
3
Murume iyeyu aipota achienda kuShiro kundonamata nokundopira zvibayiro kuna Tenzi Samasimbaose gore negore achibva kuguta rokwake. Vanakomana vaEri vana Hofuni naFinehasi ndovaiva vapristi vaTenzi ikoko.
4
Zuva raipira Erikana chibayiro aipa migove kune mukadzi wake Penina navana vake vose vakomana navasikana.
5
Kunyange zvazvo Erikana aida Hana aizongomupawo mugove mumwechete bedzi nokuti Tenzi akanga asina kumupa mbereko.
6
Uyewo mukadzin'ina wake aimudadira kwazvo kumusvotesa nokuti Tenzi akanga asina kumupa mbereko.
7
Zvaingoramba zvichingodaro nguva nenguva gore negore paingoenda chete Hana kumba yaTenzi aingodadirwa naPenina. Naizvozvo Hana akazochema akaramwa zvokudya.
8
Murume wake Erikana akamuti, “Nhai Hana, unochemeiko? Uri kurambirei chokudya? Washaiswa neiko rufaro mumwoyo? Kwauri handiti ndinotokunda gumi ravana vakomana?”
9
Kuzoti apedza kudya nokunwa ari kuShiro ikoko, Hana akasimuka zvake, izvozvo mupristi Eri akanga agere pachigaro pedyo nebango rapamusuo weTemberi yaTenzi.
10
Hana akanga achitoshungurudzwa kwazvo mumwoyo achinamata kuna Tenzi achichema zvinosiririsa.
11
Akapika mhiko achiti, “Tenzi Samasimbaose! Kana imi mukanyatsoongorora zvenyu kutambura kwandiri kuita ini muranda wenyu, uye mukandiyeuka mukarega kundikanganwa, mukandipawo zvenyu mwana mukomana, ndinomupa kwamuri imi Tenzi upenyu hwake hwose, haazombofa akaveurwa musoro.”
12
Paainamata kuna Tenzi kwenguva ndefu kudaro Eri akaongorora muromo wake.
13
Hana akanga achinamata nechomumwoyo, miromo yake ndiyo chete yaaimengenyedza, izwi rake risinganzwiki, nezvo Eri akabva afunga kuti Hana araradza.
14
Eri ndokumuti, “Unosvikira rini wakararadza kudai? Siyana newaini yako iyi.”
15
Asi Hana akapindura achiti, “Aiwa changamire. Ini ndiri mudzimai ari kushungurudzika kwazvo mumwoyo. Handina kana kunwa waini kunyange doro zvaro. Chiripo ndechokuti ndanga ndichidurura nhuna dzomwoyo wangu kuna Tenzi.
16
Musafungire kuti muranda wenyu ndiri mukadzi asina maturo nokuti ndanga ndichigurukuta zvinondinetsa nokusvoteswa kwandinoitwa.”
17
Eri akamupindura achiti, “Enda zvako norugare. Mwari wavaIsiraeri ngaakupe zvawamukumbira.”
18
Hana akati, “Dai imi mukaramba muchindiyeukawo ini muranda wenyu.” Mudzimai uyu akaenda zvake akandodya, uso hwake hwakanga hwatosununguka?
19
Akafumomuka mangwanani akanamata ari pana Tenzi, ndokuzodzokera zvake kumusha kwake kuRama. Erikana akazogara nomudzimai wake Hana, Tenzi ndokubva ayeuka Hana.
20
Nokufamba kwenguva Hana vakabata pamuviri akasununguka mwana mukomana, akamutumidza zita rokuti Samueri nokuti akati, “Ndakamukumbira kuna Tenzi.”
21
Murume uyu Erikana pamwechete nemhuri yake yose akakwira kundopira kuna Tenzi mupiro wechibayiro wegore negore nowokuripa zvaakatsidza.
22
Asi Hana haana kukwirawo ikoko nokuti akanga ati kumurume wake, “Mwana uyu akange angorumurwa ndichaenda nayeko kuti anovawo pana Tenzi, agareko narini wose.”
23
Murume wake, Erikana ndokumuti, “Ita zvako zvaunoonawo kuti zvakanaka umirire kudzamara arumurwa. Chete dai Tenzi akakubatsira kuti uzadzise mhiko yako.” Saka mudzimai uyu akasara achirera mwana wake kusvikira amurumura.
24
Kuzoti arumura mwana wake akaenda naye pamwechete nechihandira chine makore matatu, noupfu hwekoroni hunorema makirogiramu gumi, nechigubhu chewaini chedehwe ndokuenda naye kumba yaTenzi kuShiro achiri ndumurwa kudaro.
25
Vakati vauraya handira, vakaenda nomwana kuna Eri.
26
Hana uyu ndokuti, “Changamire ndinopika zvechokwadi kuti ndini mudzimai uya changamire akambomira pano pamaiva achinamata kuna Tenzi.
27
Ndaikumbira mwana uyu. Tenzi akanzwa chichemo chandakasvitsa kwaari.
28
Naizvozvo mwana uyu ndamupa kuna Tenzi. Upenyu hwake hwose zvahwo ava munhu apiwa kuna Tenzi.” Vakanamata Tenzi ikoko.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31