bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Samuel 8
1 Samuel 8
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 9 →
1
Kuzoti Samueri akwegura, akagadza vanakomana vake kuti vave vatongi veIsiraeri.
2
Dangwe racho aiva mukomana ainzi Joeri, wechipiri ari Abhiya, vaiva vatongi kuBheerishebha.
3
Asi vanakomana vake havana kutevedzera tsika dzababa vako. Asi kutoti vakatsauka mugwara racho vapindwa nomweya wokuda kupfuma nenzira dzisina kunaka. Vakagamuchira pfumbamuromo, vachirega kutonga zviri pamurao.
4
Ipapo vakuru vakuru vose veIsiraeri vakakokorodzana vakaenda kuna Samueri kuRama
5
vakasvikoti kwaari, “Chionaika imi makwegura. Uye chimwe nechichi ndechokuti vanakomana venyu havasi kutevedzera tsika dzenyu. Zvino chitisarudzirai mambo wokutitonga sezvakangoitawo mamwe marudzi ose.”
6
Asi chichemo chavo chokuti, “Tisarudzirei mambo wokutitonga,” hachina kufadza Samueri, ndokubva anamata kuna Tenzi.
7
Tenzi akati kuna Samueri, “Gamuchira zvako zvose zvavari kukumbira nokuti haasiri iwe wavari kuramba, asi wavari kuramba chaiye kuti ave mambo wavo, ndini.
8
Sezvavaingoita kubvira pandakavaburitsa muIjipiti kusvikira pari nhasi zvokundiramba vachindonamata vamwe vamwari ndizvozviwo zvavava kuita kwauri.
9
Zvino gamuchira zvako chichemo chavo. Asi chete, nyatsovayambira chaizvo uvaisire pachena zvichaitwa namambo achavatonga.”
10
Saizvozvo Samueri akarondedzera zvose zvaakanga audzwa naTenzi kuvanhu vaimukumbira mambo.
11
Akati, “Zvichaitwa namambo achakutongai ndezvizvi: achatora vana venyu achivaita varwi vengoro dzake dzehondo dzamabhiza navachairi vadzo, vamwe vari vokumhanya vachitungamirira ngoro yake.
12
Achazvisarudzira vamwe kuti vaite vatungamiriri vake pachake vezvikwata zvina varwi chiuru vamwewo chavarwi makumi mashanu mashanu. Vamwe vachange vari vokurima nokukohwa mumunda make, nokugadzira zvombo zvake zvehondo nemidziyo yose yengoro dzake dzehondo.
13
Achatora vanasikana venyu achivapa basa rokugadzira mafuta okuzora anonhuhwirira nokubika chingwa nezvimwewo zvokudya.
14
Achatora minda yenyu yakanakisisa pamwechete neminda yemigirepisi neyemiorivhi achiipa zvake machinda ake.
15
Achakubvisisaiwo mutero wechegumi chakewo zvake chembesanwa dzenyu nechewaini achichipa makurukota ake namachinda ake.
16
Achatorawo zvake varanda venyu vechirume nevechikadzi, navana venyu majaya, namadhongi enyu kuti aitise basa rake.
17
Achatorawo mutero wechegumi pahwai nembudzi dzenyu. Iyemi pachenyu muchava varanda vake.
18
Panguva iyoyo muchazochema pamusana pamambo wenyu iyeyo wamunenge mambozvisarudzira iyemi pachenyu.” Asi Tenzi haakupindurei pazuva iroro.
19
Asi vanhu vakaramba kunzwa zvavakaudzwa naSamueri. Vakati, “Kwete! Tiri kuda kutongwa namambo
20
kuti tiitewo samamwe marudzi ose aya, titongwewo namambo wedu iyeyo apote achititungamirira nokuzotirwirawo muhondo.”
21
Samueri akati anzwa zvose zvakataurwa navanhu akandozvitaurirawo kuna Tenzi.
22
Tenzi akati kuna Samueri, “Gamuchira zvako chichemo chavo uvape mambo.” Samueri akaudza vaIsiraeri vose kuti, “Munhu wose ngaadzokere kuguta rokwake.”
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31