bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Samuel 20
1 Samuel 20
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 21 →
1
Dhavhidhi akatiza kuNaioti kuRama akaenda kuna Jonatani akandoti, “Chandakaita chaizvo chii? Chandakakanganisa chii? Mhosva yandakapara nababa vako ndeyei zvavanototsvaka kundiuraya kudai?”
2
Iye akamupindura achiti, “Hazvimboitika! Haumbofa. Inzwa unzwe, baba vangu hapana chinhu chavanondivanzira kana kai zvako. Vangazondivanzira izvozvi kuti kwauyei? Hazviitike izvo.”
3
Asi akasimbisisa zvakare achiti, “Baba vako vakanyatsozviona kuti iwe unondida. Saka ivo vanototi, ‘Dai Jonatani akarega kuzviziva nokuti zvingamushungurudze kwazvo. Chaizvo naTenzi mupenyu kana newe uri kutozvionawo kuti upenyu hwangu huri parumano.’ ”
4
Jonatani ndokuti kuna Dhavhidhi, “Chose chaunenge wandikumbira ndichakuitira.”
5
Dhavhidhi akati kuna Jonatani, “Unoona, mangwana kugara kwomwedzi, izuva guru randinofanira kunge ndigere pakudya namambo. Zvino chirega ini ndiende kundohwanda zvangu mumunda kusvikira zuva retatu mauro.
6
Kana baba vako vakazviona chaizvo kuti handipo, wovataurira kuti, ‘Dhavhidhi andikumbirisa chaizvo kuti ambomhanyira kuBheterehemu kuguta rokwake nokuti kuri kuitwa chibayiro chavo chomusha wose chepagore,’
7
kana vakati, zvakanaka, zvinenge zvatondinakirawo ini, muranda wenyu. Asi kana zvikavavirutsa nehasha, wobva watoziva zvako kuti rokuda kundiparadza riya vanaro mumwoyo.
8
Ndiitirewo mwoyochena ini muranda wenyu nokuti wakandisvitsa pakuitirana newe chitsidzirano pana Tenzi. Asi kana ini ndiine mhosva chisva wandiuraya iyewe, nokuti chii chaungandiisira mumaoko ababa vako?”
9
Jonatani akati, “Hazvimboitika kwauri izvo! Dai ndichinyatsoziva chaizvo kuti baba vangu vari kuda kukuparadza, ndairega here ini kukutaurira.”
10
Dhavhidhi akati kuna Jonatani, “Kana baba vako vakakujinyura, ndiani achazondiudzawo izvozvo?”
11
Jonatani ndokuti kuna Dhavhidhi, “Handei zvedu mumunda.” Vose vari vaviri vakaenda zvavo musango.
12
Jonatani akati kuna Dhavhidhi, “NaTenzi chaiye Mwari wavaIsiraeri, kana baba vangu ndichinge ndavanzwa iyo nguva ino iyi, mangwana kana kuti pazuva retatu handimborega kukutaurira.
13
Kana baba vangu vachinge vachida kukuparadza, ini ndikarega kukutaurira kuitira kuti iwe uende zvako usina chinokuwana, Tenzi ngaandione iyeni Jonatani ndiwirwe zvangu nezvimwe zvikuru kwazvo. Tenzi ngaave newe sezvaaiva nababa vangu.
14
Ndiitire mwoyochena waTenzi ndichiri mupenyu uye ndafa
15
usasudurukane nemhuri yangu narini wose, kunyangewo panenge Tenzi oparadza vavengi vose vako iwe Dhavhidhi pasi pano
16
zita raJonatani ngarirege kupfudzwa kumba yaDhavhidhi uye kuti Tenzi ngaatsividze vavengi vaDhavhidhi.”
17
Jonatani akaita kuti Dhavhidhi amutsurudze chitsidzirano chake naye pamusana pokuti iye Jonatani aimuda sokuda kwaaizviita iye pachake.
18
Jonatani akati kwaari, “Mangwana kugara kwemwedzi izuva guru asi zvichaoneka kuti iwe haupo nokuti chigaro chako chinenge chisina munhu.
19
Ko kutozoti pazuva retatu racho, wotoita zvokukurumidza zvako kundohwanda kwacho uende panzvimbo paya pawakambohwanda pakambomuka nyaya iyoyi urambe uri kuseri kwedombo reEzeri.
20
Ndichapfura nouta miseve mitatu ndakananga kune rumwe rutivi rwaro ndichinge ndine chandakananga.
21
Chinzwaka, ndichatuma mumwe mukomana ndichiti, ‘Enda kundotsvaka miseve yacho.’ Ndikamutaurira chaizvo kuti, ‘Iwe, miseve iri kurutivi uku, itore,’ iwewo wouya zvako nokuti naTenzi mupenyu chaizvo, hakuna chichange chichakuwana, unenge uri muchete.
22
Asi kana ndikati kumukomana wacho, ‘Iwe, miseve iri mberi uko,’ iwewo pakadaro apo, ibva waenda zvako, nokuti Tenzi anenge achikuti uende zvako.
23
Kana zviri zvenyaya yatakurukurirana iyi, chinzwaka, Tenzi anesu narini wose.”
24
Nokudaro Dhavhidhi akandohwanda mumunda. Zuva riya rokugara kwomwedzi rakasvika, mambo ndokugara zvake pakudya.
25
Mambo akagara pachigaro chake sezvaaisiita, pachigaro chake chokumadziro. Jonatani akagara pakatarisana naye, Abhuneru akagara parutivi rwaSauro, asi nzvimbo yaDhavhidhi yakanga isina munhu.
26
Kunyange zvakanga zvakadaro Sauro haana chaakataura zuva iroro, nokuti akangotiwo, “Hamheno zvaitika kwaari, akan'ora, kun'ora chete uku.”
27
Asi zuva rechipiri rokunge mwedzi wagara, nzvimbo yaDhavhidhi yakanga isina munhu. Sauro akati kuna Jonatani mwana wake, “Seiko uyu mwanakomana waJese asina kuuya kuzodya nezuro kana nhasi?”
28
Jonatani akapindura Sauro achiti, “Dhavhidhi akandikumbirisa kwazvo kuti ndimurege aendewo kuBheterehemu.
29
Akati ‘Ndapota ndiregei ndiendeko nokuti vomumusha medu vari kuita chibayiro muguta imomo. Uyewo mukoma wangu pachake ndiye anditi ndinofanira kuendawoko. Kana muchida zvenyu, ndapota ndiregei zvangu ndiende kundoona vakoma vangu.’ Ndokusakawo asina kuuya kuzodya namambo.”
30
Sauro akavirukira Jonatani nehasha akati kwaari “Tsvuuramuromo, mhandupandu yomwana. Unoti handizvizive nhai kuti wapfekwa chaizvo nomwana waJese iwe zvinonyadzisa kwazvo zvinotofumurisa amai vako chaivo vokukubereka?
31
Hauone here kuti kana mwana waJese uyu ari mupenyu pasi pano, iwe noumambo hwako haumbofa hwakadzika midzi, kana iwe pakopo haumbofa wakahunhuhwa. Chitobva watomutumira vanhu vauye naye kwandiri chake chete rufu.”
32
Jonatani akapindura baba wake Sauro achiti, “Chaanourayirwa chaicho chii? Chii chaakapara?”
33
Asi Sauro akamuregedzera pfumo zvokutoda kumupfuudza zviya. Iyewo Jonatani ndokubva aziva kuti baba wake vatsunga mwoyo kuponda Dhavhidhi.
34
Jonatani akabva apomoka pakudya, apaka chaizvo kushatirwa, ndokubva aramwa zvokudya zuva rechipiri iroro rokugara kwemwedzi nokuti akanga arwadziwa mwoyo nezvaDhavhidhi, uyewo nokuti baba wake akanga amunyadzisa.
35
Mangwana acho mangwanani, Jonatani akaenda mumunda muya kwavakanga varangana kusangana naDhavhidhi aine kamwe kakomana.
36
Akataurira kakomana kake kaya kuti, “Mhanyira kundononga miseve yandichakanda.” Kakomana aka pakakanga kakumhanya akakanda museve mberi kwako.
37
Kakomana pakakasvika kwakanga kwawira museve wakanga wakandwa naJonatani, Jonatani akadaidzira kukakomana aka achiti, “Inga wani museve wacho uri mberi kwako uko?”
38
Jonatani akadaidzira kukakomana kaya achiti, “Ita zvokukurumidza, kasika! Rega kuramba wakangoti tumbi ipapo.” Kakomana kaJonatani kaya kakabvawo kanonga miseve iya ndokudzokera kuna vatenzi vako.
39
Asi kakomana ikaka hakana zvakakanga kachiziva, Jonatani naDhavhidhi chete ndovakanga vaine zvavaiziva.
40
Jonatani akapa kakomana aka zvombo zvake, akati kwakari, “Takura izvi uende nazvo kuguta.”
41
Pakangoti kakomana aka endei, Dhavhidhi ndokubva akwanyanukawo kuchamhembe kwedombo riya ndokusvikoti pasi gwadagwa, akatsikitsira uso ndokumukotamira katatu. Vakatsvodana vakahwihwidza kuchema. Dhavhidhi akachema zvakanyanya kwazvo.
42
Jonatani ndokuti kuna Dhavhidhi, “Ufambe zvakanaka, maererano nokutsidzirana kwatakaita muzita raTenzi tichiti, ‘Tenzi ngaave nesu pauviri hwedu, avewo nezvizvarwa zvedu narini narini.’ ” Dhavhidhi akasimuka ndokuenda, Jonatani ndokudzokera zvake kuguta.
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 21 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31