bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Samuel 29
1 Samuel 29
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 28
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 30 →
1
VaFirisitia vakaunganidza hondo dzavo dzose kuAfeki. VaIsiraeri vakadzikawo matendhe pedyo nechisipiti chokuJezireeri.
2
Madzishe evaFirisitia akati achifamba aine zvikwata zvavarwi zvezviuru zvakasiyana-siyana, vachipfuura vari zana zana, Dhavhidhi navarwi vakewo vari necheshure vaina Akishi,
3
vatungamiri vavaFirisitia vakabvunza kuti, “Ko vaHebheru ava ndevei?” Akishi akapindura vatungamiriri vaFirisitia ava achiti, “NdiDhavhidhi wani uyu, muranda waSauro mambo weIsiraeri. Atova namazuva chaiwo wani kana kutoti makore aineni. Kubvira zuva raakapomoka kwaSauro, ini handina kuona chakaipa maari ini kusvikira nhasi uno.”
4
Asi vatungamiriri vavaFirisitia vakamushatirirwa vakati, “Dzoserai murume uyu kwakare kuguta ramakamuti agare. Ngaarege kuenda nesu kundorwa nokuti anotipandukira uyu, kana tasvika pakurwa. Munoti angagotsvaka sei kuwirirana zvakare natenzi wake? Handiti anotozviita nemisoro yavarume vokwedu ava?
5
Handiti ndiye Dhavhidhi here uyu wavaiimba vachidavirana vachitamba vachiti, “Sauro wakauraya zviuru Asi Dhavhidhi makumi namakumi ezviuru?”
6
Akishi akadaidza Dhavhidhi ndokuti kwaari, “NaTenzi mupenyu, iwe wanga uri munhu akatendeka, uye sokuona kwangu unenge uchifanira chaizvo kuenda neni mutendhe nokuti mauri iwe handina kuona chakaipa kubvira musi wawakauya kwandiri kusvikira pari nhasi. Kunyange zvakadaro zvazvo madzishe aya haasi kugutsikana newe.
7
Zvino wochidzokera zvako zvakanaka kuti urege kugumbura madzishe aya avaFirisitia.”
8
Dhavhidhi akati kuna Akishi, “Ko chii chandakaita? Chakaipa chamakaona mandiri ini muranda wenyu chii chaizvo kubvira musi wandakatangisa kukushandirai kusvikira nhasi uno chingazonditadzisa kuendawo kundorwa navavengi venyu changamire?”
9
Akishi akapindura Dhavhidhi achiti, “Ini ndinozviziva zvangu kuti kwandiri ini wakanaka mwoyo somutumwa waMwari. Asi vatungamiriri vavaFirisitia vati, ‘Haaende nesu kundorwa.’
10
Saka wofumomuka pamwechete navaranda vatenzi vako vakauya newe moenda mangwanani mambakwedza.”
11
Saka Dhavhidhi navanhu vake vakamuka mangwanani-ngwanani vodzokera kunyika yavaFirisitia, vaFirisitia vakaenda kuJezireeri.
← Chapter 28
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 30 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31