bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Samuel 27
1 Samuel 27
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 26
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 28 →
1
Dhavhidhi akazviti nechomumwoyo, “Pangu pachandiperera chete rimwe zuva naSauro uyu. Hapana chimwe chandingaite asi kutokurumidza kutizira kunyika yevaFirisitia. Sauro achabva anetawo nazvo zvokundivhima izvi munyika yose yeIsiraeri, ndigopunyuka mumaoko ake.”
2
Nokudaro Dhavhidhi navanhu vake mazana matanhatu vaaiva navo akasimuka akayambukira kwaAkishi mambo wokuGati, mwanakomana waMaoki.
3
Dhavhidhi akaita musha kuGati achigara naAkishi, iye pamwechete navanhu vake, mumwe nomumwe nemhuri yake. Aiva navakadzi vake vaviri, Abhinoamu wokuJezireeri naAbhigairi wokuKarimeri, chirikadzi yaNabhari.
4
Shoko parakasvika kuna Sauro rokuti Dhavhidhi akatizira kuGati, Sauro akabva aregera zvokumutsvaka.
5
Dhavhidhi akati kuna Akishi, “Kana muchida zvenyu, ndipeiwo nzvimbo yokugara mune rimwe guta renyu rokumaruwa ndigare zvangu ikoko. Zvinenge zvisina kunaka kuti ini muranda wenyu ndigare pamwechete nemi mumuzinda wenyu.”
6
Musi iwoyo, Akishi akamupa guta reZikiragi, nokudaro Zikiragi rakabva rava guta ramadzimambo okwaJudha kusvikira pari nhasi.
7
Dhavhidhi akagara munyika yavaFirisitia gore nemwedzi mina.
8
Dhavhidhi navarwi vake vakakwira kundopamba vaGeshuri nevaGeziri navaAmereki nokuti vanhu ivava kubvira pasichigare ndivo vaigara kumatunhu okunge tava kuenda kuShuru nokuIjipiti.
9
Dhavhidhi paakarwisa matunhu iwayo, haana kumbosiya munhu, murume kana mukadzi, ari mupenyu. Aituta hwai nemombe namadhongi nenghamera nezvokupfeka obva adzokera kuna Akishi.
10
Akishi aizomubvunza kuti, “Ko wanga waenda kundorwisa kupiko nhasi?” Dhavhidhi aiti, “Ndandorwisa Negevhu yokwaJudha,” kana kuti “Negevhu yokwaJerahimeeri neNegevhu yokuvaKeni.”
11
Dhavhidhi haaimbosiya munhu ari mupenyu, murume kana mukadzi kuitira kuti pasawane anounza shoko kuGati rokuti ndizvo zviri kuitwa naDhavhidhi izvi. Ndiko kaiva katsika kaDhavhidhi ikaka nguva yose yaaigara mumatunhu avaFirisitia.
12
Akishi akavimba naDhavhidhi achiti, “Dhavhidhi anyatsozvivengesa chaizvo navanhu vake vechiIsiraeri, saka achagara ari muranda wangu narini.”
← Chapter 26
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 28 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31