bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Samuel 16
1 Samuel 16
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 17 →
1
Tenzi akati kuna Samueri, “Uchasvika riniko uchingochema Sauro iwe uchiona zvako kuti ndamuramba kuti ave mambo weIsiraeri? Zadza nyanga namafuta ndikutume uende kuna Jese muBheterehemu nokuti ndazviwanira mambo mukati mavana vake.”
2
Samueri akati, “Ndingagoenda sei? Sauro akazvinzwa anondiuraya.” Tenzi ndokuti, “Tora tsiru mudanga uende naro unoti iwe, ‘Ndauya kuzopira chibayiro kuna Tenzi.’
3
Zvino iwe ukoke Jese kuchibayiro, ndichakuratidza zvokuita. Unozofanira kundizodzera wandinenge ndakuudza nezita.”
4
Samueri akaita zvaakanga audzwa naTenzi, akaenda kuBheterehemu. Vakuru vakuru vomuguta iri vakauya kuzochingurana naye vachidedera nokutya. Vakuru ava vakati, “Ko kwakanaka here?”
5
Samueri akati, “Aiwa kwakanaka zvako. Ndauya kuzopira chibayiro kuna Tenzi. Zvichenurei tiende tose kuchibayiro.” Samueri akachenura Jese navanakomana vake akavakoka kuchibayiro.
6
Pakusvika kwavakaita, Samueri akatarisa Ereabhu akazviti nechomumwoyo, “Chokwadi uyu ari pana Tenzi ndiye muzodzwa wake.”
7
Asi Tenzi akati kuna Samueri, “Usatarise chimiro chake kana mhumhu wake nokuti ndamuramba. Chikonzero ndechokuti maonero angu ini Tenzi akasiyana namaonero omunhu, nokuti munhu anotarisa munhu maziso, asi ini Tenzi ndinotarisa mumwoyo.”
8
Jese akadaidza Abhinadhabhu akati apfuure napana Samueri. Samueri akati, “Kana naiyeyuwo Tenzi haana kumusarudza.”
9
Jese akati Shama apfuurewo napo. Samueri akati, “Kunyangewo naiyeyu Tenzi haana kumusarudza.”
10
Jese akati vana vake vakomana vose vari vanomwe vapfuure napaiva naSamueri. Asi Samueri akati kuna Jese, “Tenzi haana kumbosarudza ivava.”
11
Samueri akazoti kuna Jese, “Vari pano ava ndivo vanakomana vako vose here?” Jese akapindurawo achiti, “Kune mumwe gotwe racho, asi zvino ari kufudza hwai.” Samueri akati kuna Jese, “Tumai munhu andomutora nokuti hatimbogara pakudya asati asvika.”
12
Nokudaro akatumira munhu akauya naye. Wakanga akati tsvukurukei aine maziso anoyevedza ane chimiro chakanaka kwazvo. Tenzi ndokuti, “Simuka uzodze iyeyu ndiyeyu wacho.”
13
Samueri akatora nyanga izere mafuta akamuzodza pakati pavakoma vake. Mweya waTenzi wakabvawo wauya zvine simba guru kwazvo pana Dhavhidhi kubvira musi iwoyo zvichienda mberi. Samueri akasimuka ndokudzokera zvake kuRama.
14
Zvino Mweya waTenzi wakabva pana Sauro, ndokubva otambudzwa nomweya wakaipa wakabva kuna Tenzi.
15
Varanda vaSauro vakati kwaari, “Chionaika pava nomweya wakabva kuna Mwari uri kukutambudzai.
16
Changamire. Dai zvenyu mukati isu varanda venyu, iyesu vokukushandirai, tikutsvakirei munhu anonyatsogona kuridza dimbwa wokuti kana mweya wakaipa wakabva kuna Tenzi uchinge wauya pamuri apote achiriridza imi mova zvenyu nani.”
17
Sauro akati kuvaranda vake, “Nditsvakirei zvenyu munhu anonyatsogona kuridza wacho muuye naye kwandiri.”
18
Mumwe muranda akapindura achiti, “Mufunge zvenyu, ndakaona mumwe mwanakomana waJese muBheterehemu shasha chaiyo yokuridza, munhu ane chivindi, mvumba chaiyo yokurwa hondo. Inyanzvi pakutaura, murume ane chimiro chakanaka kwazvo. Tenzi anaye.”
19
Naizvozvo Sauro akatumira nhume kuna vaJese achiti, “Nditumire kuno mwana wako mukomana ari kufudza hwai.”
20
Jese akatora dhongi ndokuritakudza chingwa nechigubhu chewaini nembudzana, akati mwana wake Dhavhidhi aigire Sauro.
21
Dhavhidhi akasvika kuna Sauro akatanga kumushandira. Sauro akamuda kwazvo akabva ava munhu wokumutakurira zvombo zvake zvehondo.
22
Sauro akatumira Jese shoko rokuti, “Regai zvenyu Dhavhidhi arambe achindishandira nokuti ini ndamuda.”
23
Zvino kwaiti kana Sauro agarwa nomweya wakaipa uya waibva kuna Mwari, Dhavhidhi aitora dimbwa mumaoko oriridza, Sauro aibva afefeterwa omboita nani, mweya wakaipa uya wobva paari.
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 17 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31