bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Samuel 10
1 Samuel 10
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 11 →
1
Zvino Samueri akatora chinu chamafuta akadururira mumusoro waSauro akamutsvoda akati, “Handiti Tenzi, izvozvi atokuzodza achikugadza kuti uve mutungamiriri wavanhu vake vaIsiraeri? Ndiwe uchatonga vanhu vaTenzi uchivanunurawo kuvavengi vavo vari munharaunda yavo. Chiratidzo chauchaziva nacho kuti Tenzi akuzodza achikugadza kuti uve mutungamiriri wavanhu vake ndechichi chokuti,
2
paunobva pano pandiri iye nhasi uno uchandosangana navarume vaviri pedyo neguva raRakeri kumuganho wenyika yokwaBhenjamini kuZeriza vachakutaurira kuti, ‘Madhongi awakanga uchitsvaka akawanikwa.’ Asi zvino baba vako havasisiri kunetseka nezvemadhongi vava kutotambudzika mumwoyo pamusoro pako vachiti, ‘Ndoita waaniko nezvemwana wangu?’
3
Kana wabva ipapo uchienda mberi uchasvika napamuoku wokuTabheri. Ipapo uchasangana navarume vatatu vanenge vachienda kuna Mwari kuBhetieri. Mumwe achange akatakura mbudzana nhatu, mumwe akatakura zvingwa zvitatu, mumwewo achange akatakura chigubhu chematehwe chewaini.
4
Vachakukwazisa vagokupa zvingwa zviviri. Iwe unofanira kuzvigamuchira.
5
Uchazosvikawo kugomo rinonzi Gibheatierohimu ikoko kune kachikwata kavarwi vechiFirisitia. Wava kupinda muguta iroro uchasangana nedungwerungwe ravaporofita vachiburuka kunzvimbo yakatunhumara yokuteurira vachitungamirirwa navanhu vanenge vachiridza madimbwa nengoma nenyere nezvipendani, vachiporofita.
6
“Mweya waTenzi achabva auyawo zvine simba guru kwazvo pauri iwe ugoporofita pamwechete navo. Iwe uchasanduka ukava mumwe munhu akasiyana nezvauri izvi.
7
Ukange waona zviratidzo izvozvi zvaitika uite zvaunoona kuti zvinodiwa kuitwa nokuti Mwari anewe.
8
Zvino iwe unozofanotungamira kuGirigari. Ini ndichakutevera kuzopira mipiro yokupisa nokupirawo zvibayiro zvokuwadzana. Unondimirirako kwamazuva manomwe kudzamara ndasvika ndigokuratidza zvokuita.”
9
Sauro paakafuratira Samueri oenda zvake, Mwari akamupa mumwe mwoyo zviratidzo zvose izvi zvikabva zvaitika zuva iroro.
10
Pavakasvika kuGibhea boka ravaporofita rakabvawo rasangana naye. Mweya waMwari wakabva wauyawo paari zvine simba guru kwazvo ndokubva ava kuporofita.
11
Vose vaimbomuziva kare pavakamuona achiporofita kudaro navaporofita vakabvunzana vachiti, “Ko mwanakomana waKishi apindwa nei? Sauro avawo mumwe wavaporofita nhai?”
12
Mumwewo murume weko akati, “Ko Baba vavo ndiani? Munoti iwo mweya wokuporofita unobva kunaaniko?” Ndokusaka kwakabva kwava netsumo yokuti, “Sauro avawo mumwe wavaporofita nhai?”
13
Sauro paakapedza kuporofita akaenda kunzvimbo yepo yakatunhumara yokuteurira.
14
Baba mudiki vaSauro vakabvunza iye Sauro nomuranda wake kuti, “Makanga muri kupiko?” Sauro ndokuti, “Takanga tichitsvaka madhongi. Asi patakaona kuti haasi kuwanikwa taashaya takazoenda kuna Samueri.”
15
Baba mudiki vaSauro vakati, “Tipirewoka tinzwe zvamakaudzwa naSamueri?”
16
Sauro akapindura baba mudiki wake achiti, “Akanyatsotizivisa pachena kuti madhongi akawanikwa.” Asi nenyaya yezvoumambo yaakanga audzwa naSamueri, hapana kana chaakavataurira.
17
Samueri akakokera kuti vanhu vaungane kuna Tenzi kuMizipa akataurira vaIsiraeri achiti,
18
“Zvanzi naTenzi Mwari wavaIsiraeri, ‘Ndakaburitsa vaIsiraeri muIjipiti ndikakununurai mumaoko avaIjipiti nomumaoko amadzimambo ose aikubatai zvakaipa.’
19
Asi imi nhasi uno maramba Mwari wenyu anokununurai munjodzi dzenyu nomunhamo dzenyu dzose. Asi imi mati, ‘Kwete, itotigadzirai mambo wokutitonga!’ Saka zvino chiuyai pana Tenzi muri dzinza nedzinza, imba nemba.”
20
Samueri paakapinza madzinza ose avaIsiraeri mudariro, dzinza rokwaBhenjamini ndorakabva rabatwa nechin'ange.
21
Vakazopinza dzinza rokwaBhenjamini mudariro imba nemba, imba yokwaMatiri ikabatwa nechin'ange. Vakazopinza vemba yokwaMatiri mudariro mumwechete mumwechete, chin'ange chikabata Sauro mwanakomana waKishi. Asi zvino pavakati vamutsvake vakamushaya.
22
Saka vakabvunzazve kuna Tenzi vachiti, “Ko munhu iyeyo ambouya here?” Tenzi ndokupindura achiti, “Ehe auya. Akahwanda zvake mukati memikwende.”
23
Vakamhanya vakandomutora ikoko. Paakamira pakati pavanhu akanga akapfuura vanhu vose kureba, vamwe vose vachingomirira mumapendekete make.
24
Samueri akati kuvanhu vose, “Mamuonaka munhu akasarudzwa naTenzi? Hakuna mumwe angaenzaniswe naye.” Vanhu vose vakadaidzira vachiti, “Mambo! Hekani waro, ngazvigare zvakadaro!”
25
Samueri akataurira vanhu mitemo inofanira kutevedzwa munyika inenge ichitongwa namambo. Akanyora bumbiro remitemo iyoyi akandoisa bhuku racho pana Tenzi. Samueri akati vanhu vose vachienda zvavo kumisha yavo.
26
Sauro akaendawo kumusha kwake kuGibhea. Akaendawo navamwe varume, mvumba chaidzo dzokurwa vakanga vabatwa mwoyo naMwari.
27
Asi vamwewo vanhu vasina namaturo ese vakati, “Munoti iyeyu akadai ndiye angatiponese iyeyu?” Vakamushora vakarega kumupa zvipo. Asi Sauro haana zvake zvaakataura.
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31