bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Samuel 19
1 Samuel 19
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 20 →
1
Sauro akataurira mwanakomana wake Jonatani namakurukota ake ose kuti vanofanira kuuraya Dhavhidhi. Asi Jonatani, mwana wake aifarira Dhavhidhi kwazvo.
2
Jonatani akanyevera Dhavhidhi kuti, “Baba vangu, Sauro vanoda kukuuraya. Saka iwe uzozvichenjerera mangwanani undohwanda pamwe pausingaonekwe, ugarepo.
3
Ini ndichabuda ndigoenda kundomira zvangu nababa wangu mumunda maunenge uri. Ndichakurukura nababa vangu nezvako, kana paine chandinenge ndanzwa ndichakutaurira.”
4
Jonatani akakurukura nababa wake Sauro achirumbidza Dhavhidhi achiti kwavari, “Dai mambo marega zvenyu kukanganisira muranda wenyu Dhavhidhi nokuti iye haana kumbokutadzirai, uyewo nokuti zvaanga achikuitirai, zvakanaka kwazvo.
5
Chandinodariro ndechokuti akaisa upenyu hwake munjonzi yorufu akauraya muFirisitia uya, Tenzi akanunura chaizvo Isiraeri yose. Inga imi makazvionawo wani mukapembera kufara. Seiko muchida kutadzira munhu asina mhosva, muchida kuuraya Dhavhidhi pasina chikonzero?”
6
Sauro akateerera zvaitaurwa naJonatani akabva apika achiti, “NaTenzi mupenyu chaiye, haambofa akaurayiwa.”
7
Jonatani akadaidza Dhavhidhi akamutaurira zvose izvozvi. Jonatani akaenda naDhavhidhi kuna Sauro, Dhavhidhi akamushandira sezvaasiita.
8
Kwakamuka zvakare imwe hondo, Dhavhidhi akaenda akandorwa navaFirisitia akauraya vakawanda kwazvo pakati pavo vamwe vakadzvamuka kumutiza.
9
Mweya wakaipa wakabva kuna Tenzi wakauya pana Sauro agere mumba make pfumo rake riri mumaoko, Dhavhidhi achiridza zvake dimbwa.
10
Sauro akati regai ndibayirire Dhavhidhi kumadziro nepfumo. Asi Dhavhidhi akanzvenga Sauro akandobayirira pfumo rake kumadziro, Dhavhidhi akatiza akapunyuka.
11
Sauro akatumira vanhu kumba kwaDhavhidhi kuti vamugarire vazomuuraya mangwanani acho. Zvino mukadzi waDhavhdhi, Mikari akamubayira zani achiti, “Kana ukarega kuzviponesa zvako usiku hwanhasi, mangwana uri kuurayiwa.”
12
Mikari akaburitsa Dhavhidhi napahwindo ndokubva atiza akapunyuka.
13
Mikari akatora chifananidzo akachirarisa pamubhedha akaisa chichira chemvere dzembudzi kumusoro kwacho akachifugidza nejira.
14
Sauro paakatuma vanhu kuzobata Dhavhidhi Mikari akati, “Ari kurwara.”
15
Sauro akadzosera vanhu ivava kundoona Dhavhidhi achiti, “Uyai naye kwandiri ari pamubhedha ipapo, ndimuuraye.”
16
Kuzoti vanhu vaya vasvikako wanei chifananidzo ndochiri pamubhedha nechichira chemvere dzembudzi chiri kumusoro.
17
Sauro akabvunza Mikari kuti, “Wandinyengedzerei kudai kurega zvako muvengi wangu achipunyuka?” Mikari akapindura Sauro achiti, “Aiwa, iye akanditi, ‘Chitondirega ndiende, ungapafe pano.’ ”
18
Dhavhidhi akatiza akapunyuka akasvika kuna Samueri kuRama, akamurondedzera zvose zvaakaitirwa naSauro. Iye naSamueri vakaenda kundogara zvavo kuNaioti.
19
Shoko rakasvika kuna Sauro rokuti Dhavhidhi ari paNaioti kuRama.
20
Sauro ndokutuma nhume kundobata Dhavhidhi. Asi pavakasvikoona boka ravaporofita richiporofita, richitungamirirwa naSamueri akanga amirepo, Mweya waMwari wakauyawo panhumwa dzaSauro dziya dzikabva dzaporofitawo.
21
Shoko irori parakasvika kuna Sauro, akatumirazve dzimwe nhumwa ikoko, naidzowo dzakasvikowirawo mukuporofita. Sauro akatumirako dzimwe nhumwa rwechitatu ivowo vakasvikowirawo mukuporofita.
22
Akazoenda iye pachake kuRama ikoko. Akasvika patsime guru kwaSeku akabvunza kuti, “Samueri naDhavhidhi vari kupi?” Mumwewo akati, “Vari paNaioti kuRama uku.”
23
Naizvozvo akabvapo ndokuenda kuNaioti kuRama. Mweya waMwari wakauyawo paari akafamba nzira yose achiporofita kudzamara asvika paNaioti kuRama.
24
Iye akakatanurawo hanzu dzake, akaporofitawo ari paiva naSamueri, akanga akati umburu kurara asina chaakapfeka muswere wose wezuva nousiku hwose. Ndokusaka kune tsumo inoti, “Sauro avawo mumwe wavaporofita nhai?”
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 20 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31