bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Samuel 26
1 Samuel 26
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 25
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 27 →
1
Vamwe vanhu vechiZifu vakaenda kuna Sauro kuGibhea vakati, “Ko inga iye Dhavhidhi akahwanda wani kuchikomo cheHakira kumabvazuva kweJeshimoni?”
2
Sauro akabvawo asimuka oenda kurenje reZifu aine zviuru zvitatu zvavarwi vano vakanyatsosarudzwa kundotsvaka Dhavhidhi murenje reZifu.
3
Sauro akasvikodzika matendhe pachikomo cheHakira chiri munyasi momugwagwa kumabvazuva kweJeshimoni. Dhavhidhi akarambawo ari murenje paakanga aona kuti Sauro ari kumutsvaka murenje reZifu,
4
Dhavhidhi akatuma vasori akabva anyatsoziva kuti zvechokwadi Sauro akauyako.
5
Dhavhidhi akasimuka ndokuenda kuya kwakanga kune matendhe aSauro, akaona pakanga parere Sauro uyewo Abhuneru mukuru mukuru wehondo yake, mwanakomana waNeri. Izvozvo Sauro akanga arere pakati pematendhe akakomberedzwa nehondo yake.
6
Dhavhidhi aikurukura naAhimereki muHiti naAbhishai munun'una waJoabhu mwanakomana waZeruia ndokuti, “Ndiani angade kuenda neni kumatendhe aSauro?” Abhishai akati, “Ini zvangu, ndini ndichaenda nemi.”
7
Saizvozvo Dhavhidhi naAbhishai vakaenda kwaiva navanhu vaya nousiku wanei Sauro ari kusi kwehope arere pakati pematendhe, pfumo rake rakabayirirwa pasi kumusoro kwake. Abhuneri nehondo yose vakanga varere vakamutenderera.
8
Abhishai akati kuna Dhavhidhi, “Mwari aisa muvengi wenyu mumaoko enyu nhasi. Saka chiregai zvenyu ndimubayirire pasi nepfumo kamwechete chete. Handimbosweroita ruviri!”
9
Asi Dhavhidhi akati kuna Abhishai, “Usamuuraya, ndiani chaizvo angasimudzire ruoko rwake muzodzwa waTenzi akasara asina nemhosva yose?”
10
Dhavhidhi akapika achiti, “NaTenzi mupenyu iye Tenzi ndiye achamuuraya, kana kuti zuva rake rokufa ratosvikawo zvaro, kana kuti achangoendawo muhondo ondopararirawo ikoko.
11
Norubatsiro rwaTenzi, chinhu chakadai hachifanire zvacho kana kumbondipinda mumwoyo chokuti ndisimudzire ruoko rwangu muzodzwa waTenzi. Ingotora chete pfumo riri kumusoro kwake nechigubhu chemvura tiende.”
12
Dhavhidhi akatora pfumo riya nechigubhu chemvura zvaiva kumusoro kwaSauro ndokuenda. Hapana akazviona kana akazviziva kana kuwana akapepuka nokuti vose vakanga vakakotsira. Uyewo nokuti vakanga vakabatwa nehope dzamandiriri dzakanga dzaita zvokubva kuna Tenzi.
13
Dhavhidhi akayambukira kune imwe mhiri ndokundomira pamusoro pechimwe chikomo chakanga chiri chinhambwe. Chinhambwe chacho chakanga chakati kureiwo kwazvo.
14
Dhavhidhi akadaidzira kuhondo iya kuna Abhuneri mwana waNeri achiti, “Haudaire here iwe Abhuneri?” Abhuneri akadaira achiti, “Ndiwe ani unodaidza mambo iwe?”
15
Dhavhidhi ndokuti kuna Abhuneri, “Hausi mukono here iwe? Ndiani angamboenzaniswa newe muIsiraeri? Zvino warega seiko kuchengeta mambo, tenzi wako? Zvakuine mumwe munhu wani asvikako achida kuparadza mambo, tenzi wako.
16
Izvi zvawaita izvi hazvina kunaka. NaTenzi chaiye mupenyu munofanira kufa nokuti hamuna kuchengeta mambo tenzi wenyu, muzodzwa waTenzi. Chimbotarisa uone pfumo ramambo nechigubhu chake chemvura zvanga zviri kumusoro kuti zviri kupi?”
17
Sauro akabva aziva izwi raDhavhidhi akati, “Ndiwe here mwanangu Dhavhidhi uri kutaura nomuromo wako?” Dhavhidhi akati, “Ee ndini ndiri kutaura nomuromo wangu chaiwo mambo changamire.”
18
Akatizve, “Changamire, chii chamarambira makati tsvome tsvome neni kundironda kudai ini muranda wenyu? Chii chandakaita? Ndeipi mhosva yandakapara?
19
Naizvozvo Mambo, chimbonzwaiwo zvandava kutaura ini muranda wenyu kwamuri changamire. Kana ari Tenzi ari kukupai mweya wokundimukira uyu, dai angogamuchira zvake mupiro, asi kana vari vanhu Tenzi ngaavaone nokuti ndokutondidzinga kwavakaita ikoku zvandiri nhasi vachinditadzisa kuti ndiwanewo chandingawana panhaka yatakapiwa naTenzi vachiti ndibve ndiende kundonamata vamwe vamwari vasirivo.
20
Zvino dai ropa rangu rarega zvaro kudeurirwa kure nenzvimbo yaTenzi inoera. Ndinodaro nokuti mambo weIsiraeri abudira ini zvangu nhata zvayo, sehombarume iri kuvhima hwerekwere mumakomo.”
21
Sauro akati, “Ndakanganisa chidzoka zvako mwanangu Dhavhidhi. Handina chimwe chakaipa chandichaita kwauri nokuti waona upenyu hwangu huri chinhu chakakosha kwauri nhasi. Hezvika ndaita zvoupenzi chaizvo, ndatadza kwazvo!”
22
Dhavhidhi akapindura achiti, “Pfumo ramambo iri. Rimwe jaya ngariuye kuno kuzoritora.
23
Tenzi anopa mubayiro munhu akarurama akatendeka. Nhasi uno Tenzi akuisai mumaoko angu asi ini ndarega zvangu kusimudzira ruoko rwangu muzodzwa waTenzi.
24
Nhasi uno ndaona upenyu hwenyu sechinhu chakakosha. Dai Tenzi akaonawo upenyu hwangu sechinhu chakakosha akandinunura munhamo dzangu dzose.”
25
Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Mwari ngaakukomborere zvako mwanangu Dhavhidhi. Uchanyatsoita zvinhu chaizvo, uchibudirira kwazvo.” Dhavhidhi akaenda zvake Sauro akadzokera kwake.
← Chapter 25
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 27 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31