bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Samuel 15
1 Samuel 15
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 16 →
1
Samueri akati kuna Sauro, “Ndakatumwaka ini naTenzi kuti ndikuzodze, kuti uve mambo wavanhu vake vaIsiraeri. Saka zvino chinzwa zvarehwa naiye Tenzi.
2
Zvanzi naTenzi, Samasimbaose, ‘Ndinoda kuranga Amareki nezvavakaitira Isiraeri zvokuvagariridza munzira pavaibva kuIjipiti.
3
Zvino enda urwise vaAmareki unyatsoparadza zvose zvavanazvo, usavanzwire tsitsi, asi unofanira kutouraya kubvira kuvarume kusvikira kuvakadzi nokubvira pamwana kudzamara kurusvava ruchiri kuyamwa, kubvirawo pamombe kusvikira kuhwai uyewo kubvira pangamera kudzamara kudhongi.’ ”
4
Nokudaro Sauro akakoka vanhu kuti vaungane akavaverenga paTeraimu vakakwana mazana maviri ezviuru zvavarume vokufamba netsoka kwouyawo vokwaJudha gumi rezviuru zvavarume.
5
Sauro akaenda kuguta revaAmareki akasvikoti vamwe vaite zvokuhwandira mumupata.
6
Sauro akaruma vaKeni nzeve achiti, “Ibvai pano budai mukati mevaAmareki, ndingadaro ndikakubatanidzirai nevaAmareki. Ndinodaro nokuti makaitira vaIsiraeri vose tsiye nyoro pavaibva kuIjipiti.” VaKeni vakabva vabva mukati mevaAmareki.
7
Sauro akabva akurira vaAmareki kubvira kuHavhira kusvikira kuShuru, kumabvazuva kweIjipiti.
8
Akabata Agagi mambo wevaAmareki ari mupenyu. Asi vamwe vanhu vose akanyatsovauraya namapakatwa.
9
Asi iye Sauro navanhu vake vakaitira Agagi tsiye nyoro vakarega kumuuraya. Vakaregawo kuuraya hwai nemombe dzakanga dzakanakisisa, nehwayana nezvigondora zvakanga zvakakora nezvose zvakanga zvakanaka izvozvo zvose havana kana kuzviparadza asi zvimwe zvose zvaiva nechinoshoreka pazviri zvakanga zvisina maturo ndizvo zvavakanyatsoparadza chaizvo.
10
Shoko raTenzi rakasvika kuna Samueri rikati,
11
“Ndava kutokungura kuti dai zvangu ndisina kugadza Sauro umambo nokuti zvokunditevera asiya, atondifuratira arega zvake kuteerera mitemo yangu.” Zvakatsamwisa Samueri akararirochema usiku hwose kuna Tenzi.
12
Samueri akafumomuka mangwanani kundoonana naSauro. Samueri akaudzwawo kuti, “Sauro anga ari kuKarimeri. Mufungeka akazvidzikira shongwe ikoko ndokusimudzira zvake rwendo rwake odzika akananga kuGirigari.”
13
Samueri akazosvika kuna Sauro, Sauro akakwazisana navo achiti, “Tenzi ngaakukomborerei! Ndakaita zvakataurwa naTenzi.”
14
Samueri ndokuti, “Ko chandiri kunzwa kuti bhererere hadzisi hwai here? Ko chiri kunzwika kukuma hadzizi mombe here?”
15
Sauro akati, “Dzakauya navanhu kubva kuvaAmareki nokuti mombe nehwai idzodzi dzakanakisisa kwazvo havana kudziuraya vachiitira kuzobayira Tenzi, Mwari wenyu zvibayiro. Asi zvimwe zvose takanyatsozviparadza.”
16
Samueri ndokuti kuna Sauro, “Chinyarara! Rega ndikutaurire zvandakaudzwa naTenzi usiku hwapfuura.” Iye akavati, “Ee taurai zvenyu.”
17
Samueri akati, “Kunyange zvazvo waizviona sokunge munhu pasina asika ndiwe mutungamiriri wamadzinza evaIsiraeri. Tenzi akakuzodza achikugadza umambo hwomuIsiraeri.
18
Tenzi ane basa raakakutuma. Akati, ‘Enda undotsakatisa vatadzi ava vaAmareki uvarwise kusvikira vapera kuti nho.’
19
Wakagoregererei kuteerera zvakanzi naTenzi uite? Ko wakabhururukira zvinhu zvokupamba sei, uchitadzira Tenzi nechakaipa chakadaro?”
20
Sauro akapindurawo Samueri achiti, “Ko inga ndakaita wani zvakanzi naTenzi zviitwe. Ndakaitaka ini basa randakatumwa naTenzi. Ndakangouya naAgagi mambo weAmareki asi ndakatsakatisa vamwe vaAmareki vose.
21
Asi vanhu vakatoraka mombe nehwai idzi pazvinhu zvaiva zvapambwa. Vakatora zvaiva zvakanakisisa kwazvo pazvinhu zvakanga zvakaturirwa kuna Mwari kuti zviparadzwe kuti vazopira izvozvo kuna Tenzi, Mwari wenyu kuGirigari.”
22
Samueri ndokutiwo, “Tenzi anofarira here mipiro yokupisa kana kuti zvibayiro? Handiti Tenzi anotofarira kuti izwi rake riteererwe? Chinzwa! Kuteerera kuri nani pane kupira chibayiro, kuva unonzwa kuri nani pane kupira mafuta ehondohwe;
23
nokuti kupanduka chitadzo chimwechetecho nokushopera, kuzvitutumadzawo chiri chimwecho nouipi nokunamata zvifananidzo. Zvawaramba kuteerera Tenzi, naiyewo akurambawo paumambo.”
24
Sauro akati, “Inga ndakatopara chitadzo nokuti ndakatyora mutemo waTenzi, ndakatadzawo kuchengeta mashoko enyu pamusana pokuti ndakatya vanhu, nokuteerera kwandakaita zvavaireva.
25
Saka zvino ndinokumbirisawo ndiregerereiwo chitadzo changu, tidzokere tose kwakare ndindonamata Tenzi pakare.”
26
Samueri akati kuna Sauro, “Handiende newe ini nokuti wakaramba shoko raTenzi, naiyewo Tenzi akurambawo paumambo hwomuIsiraeri.”
27
Zvino Samueri paakangoti furatirei oda kuenda, Sauro ndiye dzvi kumubata, hanzu ikabva yabvaruka.
28
Samueri ndokumuti, “Tenzi abvarurawo umambo hwomuIsiraeri kwauri nhasi uno, akahupa mumwe wako ari nani panewe.
29
Uyewo iye Mbiri yeIsiraeri haanyepi, chaanenge ataura ndichocho, haasanduke-sanduke nokuti haasiri munhu, munhu anosanduka-sanduka iye haadaro.”
30
Sauro akati, “Ndakaita chitadzo. Asi dai ukandinyarawo ukandiremekedzawo zvako pana makurukota avanhu vangu napamberi peIsiraeri tidzokere tose ndindonamata Tenzi, Mwari wako.”
31
Saka Samueri akadzokera naSauro, Sauro akandonamata Tenzi.
32
Samueri akati, “Ndiunzirei pano Agagi mambo wevaAmareki.” Agagi akauyapo achifara zvake. Izvozvo Agagi aiti, “Zvorufu hapachisina.”
33
Asi Samueri akati, “Bakatwa rako raisiya vakadzi vasisina vana. Saizvozvo amai vako vava kusarawo pakati pavakadzi vasisina mwana.” Samueri akaita Agagi kanyama kanyama pana Tenzi kuGirigari.
34
Samueri akaenda kuRama, asi Sauro akaenda kumusha kwake kuGibhea rokwaSauro.
35
Samueri haana kumbozoonanazve naSauro kusvikira kufa kwake. Asi Samueri akachema Sauro, uku Tenzi achitokungura kuti dai zvake asina kumbogadza Sauro umambo hwomuIsiraeri.
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 16 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31