bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Samuel 11
1 Samuel 11
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 12 →
1
Nahashi muAmoni akakwira kuJabheshigireadhi akarikomba. Varume vose vomuJabheshi vakati kuna Hahashi, “Madii zvenyu kuita chitenderano nesu tigokushandirai?”
2
Asi Nahashi muAmoni akavati, “Ndingatozoita chitenderano nemi kana ndichinge ndatotanga ndaita izvi zvokuti ndokusvukunurai mose maziso enyu okurudyi ndigonyadzisa vaIsiraeri vose nazvo.”
3
Vakuru vakuru vomuJabheshi vakati kwaari, “Tipeiwo mazuva manomwe tiwanewo nguva yokumbotumira nhume munyika yose yeIsiraeri. Kana kwashayika wokuzotinunura ndopatichazviisa zvedu mumaoko enyu.”
4
Nhume dzacho padzakasvika kuGibhea kwaSauro dzakasvitsa shoko iri munzeve dzavanhu, vanhu ndokuita zhwerendende kuchema.
5
Izvozvo Sauro akanga achibva zvake kumunda achitotinha nzombe dzake. Sauro ndokuti, “Ko vanhu vari kuchema, vari kuchemei?” Vakamutaurira nyaya dzakanga dzasvika nenhume dzokuJabheshi.
6
Sauro paakazvinzwa Mweya waMwari wakauya paari nesimba guru kwazvo akaviruka kwazvo nehasha.
7
Akabaya nzombe mbiri ndokudzicheka-cheka, ndokutumira nhindi dzenyama nenhume munyika yose yeIsiraeri achiti, “Izvi ndizvo zvichaitwa nzombe yomunhu wose anenge asina kubuda naSauro naSamueri!” Vanhu vakatya Tenzi vakabuda vose pamwechete.
8
Sauro akavaronganisa kuBhezeki. Paiva navarwi vokwaIsiraeri mazana matatu ezviuru vokwaJudha vari zviuru makumi matatu.
9
Vakaudza nhume dziya dzokutumwa dziya kuti, “Munondoti kuvarume vokuJabheshigireadhi, ‘Mangwana, panguva yorudziyakamwe muchange matonunurwa.’ ” Nhume idzi padzakasvikotaurira varume vokuJabheshi izvozvi vakafara kwazvo.
10
Varume vokuJabheshi ndokuti kuvaAmoni, “Mangwana tichazviisa zvedu mumaoko enyu mugoita zvenyu zvamunoda nesu.”
11
Ramangwana racho, Sauro akakamuranisa varwi vake akavaisa muzvikwata zvitatu. Kwava kuda kuti ngwee kuedza vakabva vaverera vati vhu kusvika mumatendhe evaAmoni vakavakatakazha kusvikira panguva yorudziyakamwe. Vakanga vapunyuka vakaitiswa rumwe rumwe kupararana zvokushaya kana vaviri zvavo vakakwanisa kusara vari vose.
12
Vanhu ndopavakati kuna Samueri, “Ndivanaani vaya vaitadza kutaura vachiti, ‘Tingatongwe naSauro here isu?’ Ngavaunzwe pano varume ivava tivapfuudze.”
13
Asi Sauro akati, “Hapana anofanira kuurayiwa nhasi uno nokuti iye nhasi uno Tenzi anunura nyika yeIsiraeri.”
14
Samueri akazoti kuvanhu, “Handei kuGirigari tindopemberera kugadzwa kwakaitwa mambo.”
15
Saka vanhu vose vakaenda kuGirigari vakagadza Sauro pachigaro chake choumambo pana Tenzi kuGirigariko. Vakapira mipiro yokuwadzana vari ikoko pana Tenzi, Sauro navaIsiraeri vose vakaita mabiko vakapembera vachifara zvikuru.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31