bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Samuel 22
1 Samuel 22
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 23 →
1
Dhavhidhi akabva ipapo ndokutizira kubako raAdhuramu. Kuzoti vakoma vake nemhuri yose yokwababa vake vazvinzwa vakadzika ikoko kwaaiva.
2
Munhu wose akanga akasuwa naakanga ari muchikwereti naakanga asingagutsikane noupenyu vakandounganidzana kwaari, akabva ava mutungamiri wavo. Aiva navarume vanoda kukwana makumi mana.
3
Dhavhidhi akabvapo akaenda kuMizipe yokuMoabhu. Akati kuna mambo weMoabhu, “Ndinokumbira kuti mundichengeterewo baba vangu naamai vangu kusvikira ndaona zvandichaitirwa naMwari?”
4
Akavaitira musha kwamambo weMoabhu, vakagarako naye nguva yose yakanga iye Dhavhidhi achigara mubako.
5
Asi muporofita Gadhi akataurira Dhavhidhi kuti, “Chirega kunge ucharamba ugere mubako iri. Ibva zvako pano uende kunyika yokwaJudha.” Saka Dhavhidhi akabvapo ndokuenda kusango reHereti.
6
Shoko rakasvika kuna Sauro rokuti Dhavhidhi pamwechete navanhu vake vaaiva navo vava kuzikanwa kwavari. Izvozvo Sauro aigara kuGibhea pamuti womutamarisiki, pfumo riri mumaoko, akakutwa namakurukota ake ose.
7
Sauro akati kumakurukota ake aya akanga akamukuta, “Teererai munzwe imi vaBhenjamini! Heya munoti, iye mwanakomana waJese angabva akutii mose mukwane minda nemimwewo yemigirepisi nhai? Munofunga kuti achakupai mose zvigaro zvokutungamirira zvikwata zvezviuru nezvikwata zvamazana here,
8
zvamadai kundimukira mose? Hezvi mwanakomana wangu anoita bangano nomwanakomana waJese, hapana kana mumwechete wenyu anondiudza. Hakuna ane hanya neni, kana anondirumawo nzeve kuti mwana wangu akasoka gurukota rangu zano rokundihwandira zviripo nhasi izvi!”
9
Dhoegi muEdhomu akanga amirewo namakurukota aSauro akapindura achiti, “Ndakaona mwanakomana waJese achisvika kuNobhu kwaAhimereki mwanakomana waAhitubhu.
10
Abhimereki akamunzwira kuna Tenzi akamupa chokudya ndokumupawo bakatwa raGoriati muFirisitia.”
11
Mambo akatumira vanhu kundodaidza mupristi Ahimereki mwanakomana waAhitubhu pamwechete nevemhuri yokwababa vake vose vaiva vapristi kuNobhu, vose ndokubva vauya kwamambo.
12
Sauro akati, “Imi mwana waAhitubhu chimbonzwai!” Ahimereki akati, “Ndokuno changamire.”
13
Sauro ndokuti kwaari, “Ko iyemi mapindwa neiko kutoita zvenyu bangano rokundimukira nomwana waJese, zvokutosvika zvenyu pakumupa chingwa nebakatwa nokutomunzwira zvenyu kuna Mwari mamiriro ezvinhu, zvava kutomupa nhasi kundipandukira nokutondihwandira.”
14
Ahimereki akapindura mambo achiti, “Pamakurukota enyu ose zvawo ndiani akatendeka saDhavhidhi, anotova mukuwasha wenyu imi mambo, mukuru mukuru wavanokuchengetedzai, anoremekedzwa kwazvo mumuzinda menyu?
15
Ko iye nhasi ndopandatanga here kunzwira Dhavhidhi zvinhu kuna Mwari? Aiwaka! Regai zvenyu kundipa mhosva ini muranda wenyu kana kupa mhosva vose vemhuri yekwababa vangu nokuti hapana kana kai zvako kandiri kuziva panyaya iyi.”
16
Mambo akati, “Ahimereki unotofa chete iwewe nevemhuri yokwababa vako vose.”
17
Mambo ndokuti kune vokumuchengetedza vakanga vakamukuta vaya, “Navoi vapristi vaTenzi ava, vaurayei nokuti naivowo vane rimwe naDhavhidhi vakatozviziva zvavo kuti ari kutiza asi zvokuti vasvitsewo shoko irori munzeve dzangu havana.” Asi makurukota ake iye mambo zvakavapata mumwoyo kuti vasimudze ruoko kuuraya vapristi vaTenzi.
18
Mambo ndokuti kuna Dhoegi, “Zvino iwe chiita izvozvi uraya vapristi ava.” Dhoegi muEdhomu akabva angotiwo navo vapristi kuuraya. Musi iwoyo akauraya makumi masere avarume, navarume vashanu vapfeki veefodhi dzerineni.
19
Kozotiwo Nobhu, guta ravapristi, akaripedza namapakatwa kubvira kuvarume kusvikira kuvakadzi navana pamwechete navachiri kuyamwa nemombe namadhongi nehwai nembudzi. Akazvipedza namapakatwa.
20
Asi mumwe mwana waAhimereki mukomana ainzi Abhiatari akapunyuka akatizira kuna Dhavhidhi.
21
Abhiatari akataurira Dhavhidhi kuti, “Sauro akauraya vapristi vaTenzi.”
22
Dhavhidhi akati kuna Abhiatari, “Ndakazviziva zvangu musi iwo uya pandakaona Dhoegi ariko kuti achaudza chete Sauro. Ndini ndakaurayisa vanhu vose vemhuri yokwababa vako.
23
Chigara zvako neni, usatye nokuti mumwecheteyo ari kutsvaka zvokundiuraya ndiye ari kutsvaka zvokukuurayawo, uri mumaoko angu unotonyatsochengeteka.”
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 23 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31