bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Samuel 31
1 Samuel 31
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 30
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
1
VaFirisitia vakarwisana navaIsiraeri, vaIsiraeri vakatiza vaFirisitia vakarakatiswa kufa kugomo reGiribhoa.
2
VaFirisitia vakati tsvome tsvome kudzingirirana naSauro navanakomana vake. VaFirisitia ava vakauraya Jonatani naAbhinadhabhu naMarikishua vana vaSauro vakomana.
3
Hondo yakanga zvino yaomera Sauro, vemiseve vakabva vamuwana vakamukuvadza zvakaipisisa kwazvo.
4
Sauro akati kune wokumutakurira zvombo zvehondo, “Buritsa bakatwa rako mumuhara undibaye naro, vangadaro vanhu ava vasina kudzingiswa vakauya vakandibaya, ivo, vachindiita zvavo chiseko.” Asi wokumutakurira zvombo zvehondo uyu akaramba nokuti akatya kwazvo. Sauro ndokubva atora bakatwa rake pachake ndokuzviwisira pariri.
5
Uya aimutakurira zvombo zvehondo achionawo kuti Sauro afa, naiyewo akazviwisira pabakatwa rake, akafawo pamwechete naye.
6
Uku ndokufa kwakaita Sauro navana vake vakomana vatatu, neaimutakurira zvombo zvehondo zvake, navarwi vake vose musi wakarewo pamwechete.
7
VaIsiraeri vaiva mhiri kwebani navaiva kumhiri kwaJorodhani pavakaona kuti varwi veIsiraeri vakanga vatiza uyewo kuti Sauro navana vake vakomana vatatu vakanga vafa, vakasiya maguta avo vakatiza. VaFirisitia vakaenda vakagaramo.
8
Ramangwana racho vaFirisitia vakaenda kundotora zvaiva pazvitunha. Vakawana Sauro navana vake vakomana vatatu vakati kan'an'a kugomo reGiribhoa.
9
Vakamudimura musoro vakakatanura chidemautare chake chokuzvidzvivirira Nacho muhondo. Vakatumira nhumwa kunyika yose yavaFirisitia nedama rakanaka kwazvo kutemberi yavamwari vavo nokuvanhu vokwavo.
10
Vakaisa chidemautare chake chokuzvidzivirira nacho mutemberi yaAshitaroti. Vakaroverera chitunha chake pamadziro erusvingo rweBhetishani.
11
Vanhu vokuJabheshi Gireadhi pavakanzwa zvakanga zvaitwa navaFirisitia kuna Sauro,
12
varume vokwavo vose magamba vakasimuka vakafamba usiku hwose vakasvikotora chitunha chaSauro nezvevanakomana vake pamadziro erusvingo rweBhetishani vakadzokera nazvo kuJabheshi vakazvipisa ikoko.
13
Vakatora mapfupa avo vakaaviga pasi pomuti womutamarisiki kuJabheshi, vakatsanya mazuva manomwe.
← Chapter 30
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31