bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Samuel 4
1 Samuel 4
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 5 →
1
VaIsiraeri vakaenda kundorwisa vaFirisitia akanga vadzika matendhe avo kuAfeki. Ivo vakandodzika matendhe avo kuEbhenezeru.
2
VaFirisitia vakarongana kuti vachirwisa vaIsiraeri. Pavakanga vavakurwisana vaIsiraeri vakakundwa navaFirisitia. VaFirisitia vakauraya vaIsiraeri vaikwana zviuru zvina mukurwisana kwavakaita.
3
Pakadzokera varwi kumatendhe, vakuru vakuru vavaIsiraeri vakati, “Ko seiko Tenzi atikundisa navaFirisitia nhasi? Ngatiendei tindotora Bhokisi raTenzi reChitenderano kubva kuShiro kuti rive pakati pedu Tenzi atinunure mumaoko avavengi vedu.”
4
Kwakatumwa vanhu kuShiro kundotora Bhokisi reChitenderano raTenzi Samasimbaose ane chigaro chake pakati pamaKerubhu. Uyewo vanakomana vaEri, Hofini naFinehasi vaiveko vaine Bhokisi reChitenderano raMwari iroro.
5
Pakasvika Bhokisi reChitenderano raTenzi mumatendhe, vaIsiraeri vose vakadaidzira nezwi guru zvokuti pasi pakandengendeka.
6
VaFirisitia pavakanzwa ruzha rwokuzhamba ikoko vakati, “Ruzha rukuru mumatendhe ava Hebheru ndorwei?” Pavakanzwa kuti Bhokisi raTenzi raunzwa kumatendhe,
7
vaFirisitia vakatya, zvokuti vakati, “Kune mumwe mwari uku auya mumatendhe.” Vakati, “Pedu papera! Hatisati tamboona zvakadai.
8
Pedu patiperera! Ndiani angatinunura mumaoko avamwari vakasimba vakadai? Ndivo vamwari vaya vakarova vaIjipiti neshamhu yenhamo dzakasiyana-siyana murenje.
9
VaFirisitia, tsungai mwoyo. Ivai varume, mukasadaro munoswera mava varanda vavaHebheru sezvavakanga vari kwamuri. Ivai varume, murwe.”
10
Saka vaFirisitia vakarwisa, vaIsiraeri vakakundwa. Mumwe nomumwe wavaIsiraeri akatizira kumba kwake. Pakafiwa zvokufiwa zviya. Pakafa varwi vetsoka vavaIsiraeri zviuru makumi matatu.
11
Bhokisi raMwari rakapambwa. Vanakomana vaEri Hofini naFinehasi vakauraiwa.
12
Musi iwoyo mumwe murume muBhenjamini akatiza achibva kuhondo, akamhanyira kuShiro. Akanga abvarura-bvarura hanzu dzake aine ivhu mumusoro.
13
Paakasvika Eri akanga agere pachigaro chake parutivi penzira akatarisa nzira nokuti mwoyo wake waityira Bhokisi raMwari. Murume uya paakapinda muguta, akataurira vanhu zvakanga zvaitika, guta rose ndokubva rati mhere kwetsu.
14
Eri paakanzwa mhere iya akati, “Ko mhere iyoyi ndeyei?” Murume iyeyu akamhanyira kundoudza Eri.
15
Eri akanga ava namakumi mapfumbamwe amakore namakore masere okuberekwa. Maziso ake akanga apera, asisaoni.
16
Murume uya akati kuna Eri, “Ndini ndabva kuhondo uko. Ndatiza hondo nhasi uno.” Eri akabvunza achiti, “Ko zvafamba seiko ikoko mwanangu?”
17
Nyakuuya neshoko uya akapindura achiti, “VaIsiraeri vaita rumwe rumwe kutiza vaFirisitia. Hondo yedu yakatakazhwa. Uyewo vanakomana venyu Hofini naFinehasi vafa, uyezve Bhokisi raMwari rapambwa.”
18
Paakangodoma Bhokisi raMwari, Eri akanga agere pachigaro munyasi mesuo guru akabva ati namanhede re-ezu pasi gwajara, mutsipa ndokubva wati pipfu, ndiye sarai. Zviripo ndezvokuti vakanga akwegurawo, uye akanga akafuta. Akanga atonga vaIsiraeri kwamakumi mana amakore.
19
Muroora wavo mudzimai waFinehasi akanga akazvitakura ava padyo nokusununguka, paakanzwa shoko rokuti Bhokisi raMwari rapambwa, uye kuti vatezvara vake nomurume wake vafa, mimba yakarwadza akati bvucha akasungukuka nokuti mimba yakarwadza.
20
Paakanga ava kufa, vakadzi, vananyamukuta vaimubatsira pakusununguka vakamuti, “Tsunga mwoyo, wapiwa mwana mukomana.” Asi iye haana chaakapindura kana kuratidza kuita mwoyo nazvo.
21
Akatumidza mwana iyeyo zita rokuti Ikabhodhi, achiti “Mbiri yeIsiraeri yaenda,” pamusana peBhokisi raMwari rakapambwa, uyewo napamusana pavatezvara vake nomurume wake.
22
Akati, “Mbiri yabva muIsiraeri nokuti Bhokisi raMwari ratorwa.”
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31