bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Samuel 3
1 Samuel 3
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 4 →
1
Mukomana Samueri aishandira Tenzi ari mumaoko aEri. Mazuva iwayo Tenzi akanga asisataure-taure kuvanhu. Kunyeverawo vanhu nezviratidzo kwakanga kwava kushoma chaizvo.
2
Panguva iyoyo zvakaitika kuti mumwe musi Eri akanga arere mumba make, izvozvo meso ake akanga ava kuonera madzerere asisanyatsoona.
3
Rambi raMwari rakanga risati radzima. Samueri akanga arerewo muTemberi yaTenzi maiva nebhokisi raMwari reChitenderano.
4
Ipapo Tenzi ndopaakadaidza Samueri achiti, “Samueri! Samueri!” Samueri akapindura achiti, “Ndiri pano.”
5
Samueri akamhanyira kuna Eri akasvikoti, “Ndanzwa muchindidaidza, zvino ndauya.” Asi Eri akati, “Handina kukudaidza, dzokera undorara zvako.” Akabva adzokera zvake kundorara.
6
Tenzi akadaidzazve achiti, “Samueri!” Samueri akasimuka akaenda kuna Eri akandoti, “Ndanzwa muchindidaidza, zvino ndauya.” Asi Eri akati, “Handina kukudaidza, mwanangu, dzokera undorara zvako.”
7
Samueri akanga asati amboziva Tenzi, nokuti Tenzi akanga asati ambotaura naye.
8
Tenzi akadaidzazve Sumueri kechitatu. Samueri akasimuka akaenda kuna Eri akasvikoti, “Ndanzwa muchindidaidza, zvino ndauya.” Eri akazoziva kuti ndiTenzi aidaidza mwana uyu.
9
Saka Eri akati kuna Samueri, “Chidzokera zvako undorara, kana akakudaidzazve unodaira uchiti, ‘Taurai zvenyu imi Tenzi, ini muranda wenyu ndakateerera.’ ” Samueri akaenda zvake akarara panzvimbo yake.
10
Tenzi akauya akamira ndokudaidza sezvaakamboita padzimwe nguva dziya achiti, “Samueri! Samueri!” Samueri ndokuti, “Taurai zvenyu, muranda wenyu ndakateerera.”
11
Ipapo Tenzi akataurira Samueri achiti, “Chinzwa ndava kuzoita chimwe chinhu muIsiraeri chokuti munhu wose anochinzwa anounga nzeve.
12
Pazuva iroro ndichaitira zvose zvandakayambira veimba yake kubvira pakutanga kusvikira pakupedzisira.
13
Ndinenge ndichimuudza pachena kuti ndicharanga imba yake narini, ndinenge ndichimurangira zvitadzo zvaanoziva nokuti vana vake vakaita unhubu, asi iye haana kuvadzora.
14
Saka ini ndakapika kune veimba yaEri ndichiti, ‘Kana narini zvake chitadzo chavo hachizofi chakapfupirwa nezvibayiro kana kuripwa nomupiro.’ ”
15
Samueri akarara zvake kusvikira kwaedza ndokuzondozarura misuo yeimba yaTenzi. Izvozvo Samueri akanga achitya kutaurira Eri zvaakanga aoneswa.
16
Eri akadaidza Samueri achiti, “Nhai Samueri mwanangu.” Iye ndokudavira achiti, “Ndiri pano.”
17
Eri akati, “Chii chawataurirwa naMwari? Rega zvako kundivanza. Mwari ngaawane zvaanoita newe kana ukandivanzira chimwe chinhu pane zvaakakutaurira.”
18
Saka Samueri akavataurira zvose, hapana chaakamuvanzira. Eri akati, “NdiTenzi, anoita zvaanoona kuti ndizvo zvakanaka kwaari.”
19
Samueri akakura. Tenzi akanga ainaye zvokuti muromo wake wakanga usingawiri pasi.
20
Isiraeri yose zvayo, kubvira kuDhani kundosvikira kuBheerishebha vakaziva zvisina ani angapokane, kuti Samueri aiva muprofita waTenzi.
21
Tenzi akaramba achizvionesa paShiro; Tenzi aizviratidza kuna Samueri kushiro nomushoko rake.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31