bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Samuel 24
1 Samuel 24
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 25 →
1
Sauro akati adzoka mukuronda vaFirisitia shoko rakasvika kwaari raiti, “Dhavhidhi ari kurenje reEnigedhi uku.”
2
Sauro akatora zviuru zvitatu zvavarume vano, vakanyatsosarudzwa muIsiraeri yose, ndokuenda kundotsvaka Dhavhidhi navanhu vake kwakatarisana namatombo engururu.
3
Sauro akasvika napamatanga ehwai aiva pedyo nenzira paiva nebako. Sauro akapindamo kuti ambozvibatsira zvake. Izvozvo Dhavhidhi navanhu vake vaitova zvavo mukatikati chaimo mebako.
4
Vanhu vake iye Dhavhidhi vakamuti, “Zuva riya riya razosvika nhasi rakanzi naTenzi, ‘Ndichaisa muvengi wako mumaoko ako ugoita zvako zvaungade kuita naye.’ ” Dhavhidhi akaverevedza akacheka chipenga chehanzu yaSauro.
5
Hana yaDhavhidhi yakarova nokucheka kwaakanga aita chipenga chehanzu yaSauro.
6
Akati kuvanhu vake, “Norubatsiro rwaTenzi, chinhu chakadai hachifanire zvacho kana kumbondipinda mumwoyo chokuti ndisimudze ruoko rwangu kuita chinhu chakaipa kuna tenzi wangu, muzodzwa waTenzi. Kwete. Muzodzwaka waTenzi uyu.”
7
Dhavhidhi akadzora vanhu vake namazwi iwaya akavarambidza kurwisa Sauro. Sauro akasimuka akabuda mubako muya oenda zvake.
8
Mushure macho Dhavhidhi akabudawo mubako muya akadaidzira kuna Sauro achiti, “Nhai mambo, changamire!” Sauro paakati cheu, Dhavhidhi akabva azvityora achikotamira pasi kumuremekedza.
9
Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Munodirei kunzwa zvavanhu vanoti, ‘Dhavhidhi ari kuvavarira kukukuvadzai.’
10
Nhasi mazvionerawo moga kuti Tenzi anga atokuisai zvake mumaoko angu mubako umu, vamwe vanga vatoti ndikuurayei asi handina kukukuvadzai ndichiti, ‘Handidi kusimudza ruoko rwangu kuita chinhu chisina kunaka kuna tenzi wangu, nokuti muri muzodzwa waTenzi.’
11
Chinzwaika baba, tarisai muone chipenga chehanzu yenyu ichi chandakabata mumaoko. Nokucheka kwandaita chipenga chehanzu yenyu ichochi ndichirega zvangu kukuurayai muri kutoonawo zvinonyatsokuratidzai kuti hapana chakaipa kana upanduki mandiri, uye hapana chandakakutadzirai kunyange zvazvo imi muchindihwandira kuda kundiuraya.
12
Mhosva iri pakati pangu nemi, Tenzi ndiye achatoziva zvake kuitonga kwaachaiita. Tenzi ndiye achatotsividza kunditadzira kwamakaita. Asi ini nouruoko rwangu urwu handidi zvangu kana kumbokubatai.
13
Inga wani vakuru vane tsumo inoti, ‘Mumunhu akaipa munobuda uipi,’ asi ini noruoko rwangu urwu handidi zvangu kana kumbokubatai.
14
Ko izvozvo nhai mambo weIsiraeri wamavinga chaiye ndiani chaizvo? Ndiani wamuri kurondawo kudai? Iyeniwo zvangu imbwa yakafa, nhata zvayo!
15
Naizvozvo Tenzi ngaave mutongi, aenzanise mhosva yedu, aone zvaangaite andipipirirewo aburitse pachena kuti handina mhosva.”
16
Dhavhidhi achangoti pedzei kutaura izvi, kuna Sauro, Sauro akabva ati, “Ndiwe here mwanangu Dhavhidhi uri kutaura nomuromo wako?” Sauro akabva azhamba kuchema.
17
Akati kuna Dhavhidhi, “Uri munhu akarurama kwazvo paneni nokuti iwe wakandiitira zvakanaka asi ini ndikakuitira zvakaipa.
18
Wanyatsozviratidza izvi nhasi nokundiitira zvakanaka kwawaita, Tenzi paanga atondiisa zvake mumaoko ako, warega kundiuraya.
19
Nokuti munhu akawana muvengi wake angamurege achienda zvake here? Saka Tenzi ngaakupe mubayiro wakapetwa pamusana pezvakanaka zvawandiitira nhasi uno.
20
Chinzwaka, ndazoziva zvino kuti chaizvoizvo iwe, ndiwe uchava mambo, uye kuti newe umambo hweIsiraeri huchatonyatsodzika midzi.
21
Zvino chipika kwandiri nezita raTenzi kuti hauzotsakatisa zvizvarwa zvangu zvichauya, uye kuti hauzorovesa zita rangu mudzinza rokwababa vangu.”
22
Dhavhidhi akapika izvozvo kuna Sauro. Sauro akadzokera kumusha, asi Dhavhidhi navanhu vake vakakwidza kubako.
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 25 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31