bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Samuel 2
1 Samuel 2
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 3 →
1
Hana akadetemba kunamata achiti: “Mwoyo wangu unofara naTenzi naiye Tenzi ndasimbaradzwa nomuromo wangu ndavakutotafurirawo vavengi vangu nokuti ndinofara nokununura kwenyu.
2
Hapana anoera saTenzi. Hakuna mumwe kusiya imi. Hakuna rimwe bako kunze kwaMwari wedu.
3
Musambotaura zvenyu namazwi okuzvikudza. Mukanwa menyu ngamurege kubuda mazwi okuzvitutumadza, nokuti Tenzi ndiMwari anoziva zvose, ndiye ane basa rokuera zviito zvomunhu.
4
Uta hwezvikakarara zvavanhu hwakatyorwa, vakarukutika ndivo zvino vagwinya kusimba.
5
Vaiva hurudza ndivo vave kuita chokudya chokuruvira vaiva vomunzara, nzara yapera. Mukadzi asina mbereko ndiye obereka vana gumi nefararira. Asi mai vokubereka rudende rwavana, vava karikoga.
6
Tenzi anouraya uye ndiye anopa upenyu. Ndiye anoendesa vanhu kunzvimbo yavashakabvu, kana kumutsa munhu.
7
Tenzi ndiye anopa munhu urombo kana upfumi. Ndiye anodukupisa munhu kana kumukudziridza.
8
Anosimudzira varombo kubva pamhukutu pavagere, navasina zvavanazvo kubva pazaradota, achindovagarisa navana vokumba huru, vachitowana zvavo nhaka yezvigaro zvapamusorosoro. Mbiru dzenyika ndedzaTenzi padziri ndipo paakamisa nyika.
9
Ndiye anochengeta vatsvene vake, asi vakaipa vachitsakatiswa murima nokuti simba romunhu harisiro rinoita kuti abudirire.
10
Vanopikisana naTenzi vachapwanywa-pwanywa, Wokumusorosoro paanotinhira kumatenga. Tenzi ndiye mutongi wapasi pose, anopa simba mambo wake, anosimbaradza munhu wake waakazodza.”
11
Erikana akadzokera zvake kumusha kwake kuRama. Asi mukomana uya akasara ari mumaoko omupristi Eri achishandira Tenzi.
12
Zvino vanakomana vaEri vakanga vari vanhu vasina maturo vaiva vasingaremekedzi Tenzi.
13
Zvaiitwa navapristi kuvanhu ndezvizvi zvokuti: painge munhu auya kuzopira chibayiro, mushandi womupristi aiuya neforogo ine mhandi nhatu iyo nyama ichiri kubikwa,
14
obaya nayo mupani kana muketero kana mubhodho kana mupoto. Nyama yose yaibuda yakabayiwa neforogo yaitorwa nomupristi yova yake. Ndizvo zvavaiita kuvaIsiraeri vose vaiuya kuShiro.
15
Zvakazenge zvava kuitikawo ndezvizvi zvokuti: mushandi womupristi aiuya kumunhu ainge achipira chibayiro iwo mafuta asati ambopiswa woti, “Ndipei nyama yokugochera mupristi nokuti mupristi haadi kuti mumupe nyama yakabikwa, asi mbishi chete.”
16
Kwaiti kana munhu iyeyo akati, “Iye zvino izvi, chimbomiraka vatange vanyatsopisa mafuta atsve apere ugoti wotora zvako paunodira.” Mushandi uya aiti, “Aiwa. Chitondipa iye zvino uno. Kana ukaramba, ndava kuita zvechisimba.”
17
Saizvozvo chitadzo chavanakomana vaEri chakanga chakaipa kwazvo chisingambofadzi Tenzi nokuti varume ivava vakanga vasingaremekedzi mupiro waTenzi.
18
Izvozvo Samueri aishandira Tenzi achiri chikomana achipfeka hanzu yeefodhi yerineni.
19
Gore negore amai vake vaimusonera kagemenzi vachimuigira pavaienda nomurume wavo kundopira chibayiro chepagore.
20
Ipapo Eri aikomborera Erikana nomudzimai wake achiti, “Tenzi ngaakupei vana nomudzimai uyu kutsiva iyeyu waakambokumbira sechikwereti kuna Tenzi.” Vakuzobva vodzokera zvavo kumusha kwavo.
21
Tenzi akazoshanyirazve Hana. Akava nembereko zvakare akabereka vana vakomana vatatu navasikana vaviri. Mukomana uyu Samueri akakura aina Tenzi.
22
Eri akanga ava harahwa chaiyo. Akanzwa zvaiitwa navana vake kuvaIsiraeri vose zvokutorana navakadzi vaishanda kumusuwo wetendhe rokusanganira vachiita navo choupombwe.
23
Akavatsiura achiti, “Munoitireiko zvinhu zvakadai? Ndinonzwa vanhu vose vachindiudza zvakaipa zvamunoita.
24
Kweteka vanangu, zvandiri kunzwa izvi hazvina kunaka. Muri kuita kuti vanhu vaMwari vakanganise.
25
Kana munhu akatadzira mumwe munhu, Mwari anomumiririra. Zvino kana munhu akatadzira Tenzi ndiani anomureverera?” Havana zvavo kana kumboteerera baba wavo nokuti Tenzi akanga achida zvake zvokuvaparadza.
26
Izvozvo mukomana uyu Samueri akaramba achikura mhumhu, uye kudiwa kwake naTenzi navanhu kwakaramba kuchikura.
27
Munhu waMwari akauya kuna Eri akati kwaari, “Zvanzi naTenzi, ‘Ndakazviratidza pachena kuna tateguru wemba yako pavaiva kuIjipiti mumaoko aFarao,
28
ndikatomusarudza ini pakati pamadzinza ose avaIsiraeri kuti ave mupristi wangu wokundishandira paatari kuti apise rusenzi akapfeka efodhi pandiri. Ndakapa vemba yababa wako zvemipiro yose yavaIsiraeri inoita zvokupiswa nomoto.
29
Zvino sei mava kuita mwoyo wokudokwairira zvibayiro nemipiro yandakatema kuti iitwe? Heya, wava kutoremekedza zvako vana vako kupinda ini nhai, muchizvikodza zvenyu nenyama dzakanakisisa dzepamipiro yose yavanhu vangu vaIsiraeri?’
30
Naizvozvo Tenzi Mwari wavaIsiraeri anoti, ‘Ndakanga ndatema kuti vemba yako nevemba yababa vako vafambise basa rapandinenge ndiri narini wose.’ Asi zvino Tenzi anoti, ‘Zvino zvandibva. Vanondiremekedza ndinovaremekedzawo, vanondishonha vachavawo vanhu vasina maturo.’
31
Chinzwa, kuchasvika nguva yandichashomekesa simba rako nesimba revemba yababa vako kuti mumhuri yokwako murege kuzova nomunhu anorarama zvokuchembera.
32
Uchatsvokorera neshanje zvinhu zvose zvakanaka zvandichaitira vaIsiraeri iwe uine nhamo, uye mumba mako hamuchazovi nomunhu anorarama kusvika akwegura narini wose.
33
Asi murume wandinenge ndasiya kuti andishandire paatari achava kambudzi kasarira rushamhu zvokuti kana iwe uchatomuchemawo uchitoshayiswawo mazano nazvo. Vana vako vachauraiwa navanhu.
34
Chichakuratidza kuti zvandiri kutaura zvichaitika ndechichi chokuti vanakomana vako Hofini naFinehasi vachafa musi mumwechete vose vari vaviri.
35
Ini pachangu ndichazvimutsira mupristi akatendeka achaita zvinoda mwoyo wangu nezvandinofunga. Ndichatsigira imba yake, ndiye achashandira muzodzwa wangu narini narini.
36
Ani naani zvake anenge asara wemhuri yako achazomugwadamira kumuteterera kuti apiwe chidimbu chemari yesirivha kana kuti chingwa chimwechete zvacho achiti, ‘Ndapota ndiwaniseiwo rimwe basa roupristi randingangoita kuti ndigowanawo chimwe chokuisa mukanwa.’ ”
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31