bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Samuel 23
1 Samuel 23
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 24 →
1
Pane vamwe vakataurira Dhavhidhi kuti, “Zvinhu zviri kuguta reKeira ndezvokuti vaFirisitia vari kurirwisa vachipamba zviri pamaburiro.”
2
Naizvozvo Dhavhidhi akada kunzwa kuti Tenzi anoti kudii akati, “Ndoenda here kundorwisa vaFirisitia?” Tenzi akati kuna Dhavhidhi, “Vinga vaFirisitia uvarwise ununure Keira.”
3
Asi varume vaiva naDhavhidhi vakamuti, “Tarisai muone kuhuta kwatiri kuita kutya tiri makare muno maJudha, ko kutozoti tikaenda kuKeira kundorwisa hondo dzavaFirisitia?”
4
Dhavhidhi akadazve kunzwa kuti Tenzi anoti kudii. Tenzi ndokumupindura achiti, “Simuka udzike kuKeira nokuti ndichaisa vaFirisitia mumaoko ako.”
5
Saka Dhavhidhi navarume vaaiva navo, vakadzika kuKeira, vakarwisa vaFirisitia vakapamba mombe dzavo vakauraya vanhu vazhinji kwazvo pakati pavo. Nokudaro Dhavhidhi akanunura vagari vokuKeira.
6
Abhiatari mwana uya waAhimereki paakandopotera kuna Dhavhidhi kuKeira akaendako aine hanzu yeefodhi mumaoko.
7
Shoko rakazosvika kuna Sauro rokuti Dhavhidhi ava muKeira. Sauro ndokuti, “Zvino Mwari amuisa mumaoko mangu. Kupinda kwaaita muguta rine misuo mikuru ine zvihuri kutozvipfigira kwaaita ikoko.”
8
Sauro akabva akokera vanhu vose kuhondo kuti vadzike kuKeira kundoita zvokundokomberana kwazvo Dhavhidhi navarume vaaiva navo.
9
Dhavhidhi akazviziva kuti pane chiri kurongwa naSauro chakaipa chaari kuda kuita kwaari ndokuti kuno mupristi Abhiatari, “Uyai neefodhi kuno.”
10
Dhavhidhi akati, “Tenzi Mwari weIsiraeri ini muranda wenyu ndanyatsozvinzwa kuti Sauro ari kuronga zvokuuya kuKeira kuzoparadza guta irori pamusana pangu.
11
Ko varume vomuKeira vachandiisa here mumaoko ake? Sauro achadzikawo here kuno sokunzwa kwandakaita ini muranda wenyu? Ndinokukumbirisai Tenzi Mwari weIsiraeri kuti munditaurirewo.” Tenzi akati, “Ee achadzikako.”
12
Dhavhidhi ndokuti, “Ko varume vomuKeira vachanditurira here mumaoko aSauro, ini navanhu ava vandinavo?” Tenzi akati, “Ee vachakuisa mumaoko ake.”
13
Dhavhidhi navarume vaikarosvika mazana matanhatu vaaiva navo vakasimuka vakaenda kwose kwose kwavainge vangokwanisa kuenda. Sauro paakanzwa kuti Dhavhidhi atiza kuKeira akabva arega kuendako.
14
Dhavhidhi akabva ava kugara murenje, mumapako munyika yamakomo kurenje reZifu. Izvozvo Sauro aingunomuvhima zuva nezuva, asi Mwari haana kumuisa mumaoko ake.
15
Dhavhidhi akazviona kuti Sauro ari kutsvaka kumuuraya. Izvozvo Dhavhidhi aiva zvake kurenje reZifu paHoreshi.
16
Jonatani, mwana waSauro akasimuka akaenda kuna Dhavhidhi kuHoreshi, akamusimbisa muna Mwari.
17
Akamuti, “Usatye zvako nokuti baba vangu havambofa vakakunonga. Iwe ndiwe uchatova mambo weIsiraeri iniwo ndiri mutevedzeri wako. Baba vangu Sauro vanotozvizivawo.”
18
Pauviri hwavo kudaro vakaita chitsidzirano pana Tenzi. Dhavhidhi akasara kuHoreshi, Jonatani akaenda zvake kumusha.
19
Kune vamwe vanhu vokuZifu vakaenda kuna Sauro kuGibhea vakati, “Ko inga iye Dhavhidhi ariko wani kwedu uku kwaari kuhwanda zvake mumapako kuHoreshi muchikomo cheHakira chiri kuchamhembe kweJeshimoni?
20
Ko zvino manga madii zvenyu kuuyako nhai mambo chero pamunenge madira kuuya. Chedu isu kunezenge kwangova kumuisa mumaoko enyu mambo.”
21
Sauro akati, “Tenzi ngaakukomborerei nokuti ndimi vanhu vazondiitirawo tsiye nyoro.
22
Chiendai mundonyatsotarisa muone chaipo paanohwanda mupazive, muzivewo nyakumuonapo wacho nokuti zvinonzi Dhavhidhi akasvinuka kwazvo.
23
Naizvozvo imika monyatsocherechedzawo kwose kwaanohwanda, mudzoke kwandiri mava kunyatsozviziva. Ndipo pandichazoendawo nemi, kana iye achinge ari mudunhu iroro, ndichamuvhima mumhuri dzose dzokwaJudha ndikamunonga chete.”
24
Ivava vakabva pana Sauro vakasimuka vakafanoenda kuZifu. Izvozvo Dhavhidhi navarume vaaiva navo vakanga vari kurenje reMaoni, kuArabha, kuchamhembe kweJeshimoni.
25
Sauro navarume vaaiva navo vakaenda kundomuvhima. Vamwewo ndokunyevera Dhavhidhi, iye ndokubva adzika kumangondo kurenje reMaoni. Shoko iri parakasvika munzeve dzaSauro, akabva aronda Dhavhidhi kurenje reMaoni ikoko.
26
Sauro akaenda nokune rimwe divi regomo, uyuwo Dhavhidhi ari kune rimwe diviwo regomo iroro. Pakanga Dhavhidhi ari mushishi rokutiza Sauro, Sauro navanhu vake vakanga zvino vakwinyirirawo kubata Dhavhidhi navanhu vake.
27
Ndopakabva pasvikawo nhumwa kuna Sauro dzichiti, “Chitokurumidzai zvenyu kudzoka. Uku nyika yapindwa nevaFirisitia.”
28
Sauro akabva adzoka mukuronda Dhavhidhi ovinga vaFirisitia. Naizvozvo nzvimbo iyoyo yakatumidzwa zita rokuti, “Chikomochopatsana.”
29
Dhavhidhi akakwidza obva ipapo akandogara kumapako okuEnigedhi.
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 24 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31