bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Samuel 14
1 Samuel 14
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 15 →
1
Mumwe musi Jonatani mwanakomana waSauro akati kujaya raitakura zvombo zvake zvehondo, “Uya tiende kune chikwata chavarwi vechiFirisitia.” Asi Jonatani haana kuudza baba vake.
2
Izvozvo Sauro akanga achigara kumucheto kweguta reGibhea, munyasi momuti womupomegiraneti kuMigironi aiva navarume vaikaroda kusvika mazana matanhatu avanhu.
3
Abhiya aipfeka hanzu yeefodhi. Abhiya uyu aiva mwanakomana waAhitubhu mukoma nomunun'una naIkabhodhi, mwanakomana waFinehasi mwanakomana waEri mupristi waTenzi wokuShiro. Asi vanhu havana kunge vaziva kuti Jonatani akanga aenda.
4
Zvino pamupata ipapo paida kupfuura napo Jonatani kuti aende kwaiva nechikwata ichi chavarwi vechiFirisitia paiti uku zidombo uku zidombo. Rimwe racho rainzi Bhozezi, rimwewo richinzi Sene.
5
Rimwe racho raiva nechokuchamhembe kwomupata iwoyo kwakatarisana neguta reMikimashi, rimwewo nechokumaodzanyemba kwakatarisana neGebha.
6
Jonatani akati kujaya riya raitakura zvombo zvake zvehondo, “Uya tiende kune chikwata chavarwi ava vasina kudzingiswa. Dzimwe nguva Tenzi angawane chaangatiitire nokuti hapana chingarambidze Tenzi kuponesa vanhu achishandisa vanhu vazhinji kana vashoma.”
7
Uya aitakura zvombo zvake akati, “Itai zvenyu chamunenge mafunga mumwoyo menyu. Kana ndirini ndinemi, zvamunenge mangosarudza nemwoyo wenyu ndozvandinoda.”
8
Jonatani ndokuti, “Chiregai tiende kwavari tindomira pavanotiona.
9
Kana vakatiti, ‘Miraipo, tiuye ikoko,’ isu ticharamba timire patinenge tiri torega kukwira tichienda kwavanenge vari.
10
Asi kana vakati, ‘Kwirai kuno kwatiri,’ isu tinobvawo takwirako nokuti ndicho chichava chiratidzo chedu chokuti Tenzi atovaisa mumaoko edu.”
11
Ipapo vose vari vaviri vakaenda vakandomira pavaikwanisa kuonekwa nechikwata chiya chavarwi vavaFirisitia. VaFirisitia vakati, “Onai onai, vaHebheru vaya vava kudzumbunuka zvino mumakomba mavanga vakahwanda.”
12
Varwi vaya vakadaidzira kuna Jonatani nouya aimutakurira zvombo zvake zvehondo vachiti, “Uyai kuno tikudzidzisei.” Jonatani ndokuti kune wokumutakurira zvombo zvake zvehondo, “Nditevere nokuti Tenzi atovaisa mumaoko eIsiraeri.”
13
Jonatani akakwira achiita zvokukambaira, mutakuri wezvombo zvake zvehondo akati sika-sika mushure kutevera. Jonatani akavarakatisa, mutakuri wezvombo zvake zvehondo achitevera achivapupura.
14
Pakuuraya vaFirisitia ikoku kwokutanga kwakaitwa naJonatani nomutakuri wezvombo zvake zvehondo uyu kwakafa varume vaikarosvika makumi maviri. Vakaurayirwa pakanzvimbo kanoda kukwana muforo mumwechete.
15
Hondo yose yavaFirisitia yakazengezana kutya. Kwaiti vapamatendhe avo navaiva musango nezvimwe zvikwata zvavarwi nezvevarwi vokundopamba vose vakadedera nokutya. Nyika yakandengendeka, kukava nokutya kukuru kwazvo kwaibva kuna Mwari.
16
Nharirire dzaSauro dzaiva kuGibhea kwaBhenjamini dzakatarisa onei hondo yose yevaFirisitia rangove besanwa kutiza.
17
Sauro akati kuvanhu vaakanga anavo, “Verengai varwi muone kuti asipo ndiani.” Vakavaverenga, wanei kuti Jonatani nomutakuri wezvombo zvake zvehondo havapo.
18
Sauro akati kuna Ahiya, “Uya neefodhi nokuti ndiye aitakura efodhi muIsiraeri.”
19
Sauro achitaura nomupristi kudaro bongozozo rokumatendhe evaFirisitia rakabva ratonyanya kwazvo. Sauro akati kumupristi, “Chiregai zvenyu zvamuri kuita.”
20
Sauro navanhu vose vaaiva navo vakaungana vakaenda kundorwa. Izvozvo vaFirisitia vakanga vachitobayana pachavo, kukaita manyongori akaipisisa kwazvo.
21
Kunyange vamwe vaHebheru vaimbova navaFirisitia vakanga vauyawo navo kuhondo vakapandukira vaFirisitia vakaenda kudivi revaIsiraeri vaiva naSauro naJonatani.
22
Zvino vaIsiraeri vose, varume vakanga vakahwanda munyika yamakomo yaEfuremu vakanzwa zvichinzi vaFirisitia vaya vava mushishi rokutiza, vakabva vapindawo muhondo vakadzingirirana navo kwazvo.
23
Naizvozvo Tenzi akanunura vaIsiraeri zuva iroro. Hondo iyoyi yakarwiwa kudzamara kupfuura kuBhetiavheni.
24
VaIsiraeri vose varume vakasuruvara kwazvo musi iwoyo nokuti Sauro akanga apikira vanhu mhiko achiti, “Ngaawirwe norushambwa munhu anenge angowana chaanodya zuva risati radoka ini ndisati ndatsividza vavengi vangu.” Saka hakuna kana munhu akaisa chinhu mukanwa.
25
Vanhu ivava vose vakasvika mune rimwe sango makanga mune uchi hwaiva pachena.
26
Vanhu pavakapinda musango iroro onei mune uchi huchitoita zvokuerera zvahwo. Asi hakuna kana munhu akahunomborera mukanwa kuhudya nokuti vanhu vaitya mhiko iya.
27
Asi Jonatani haana kunge anzwa kuti baba vake vakanga vatsidzira vanhu nemhiko. Akasveerera nomudonzvo waaiva nawo mumaoko, ndokunyika kwokupedzesera kwawo muzinga rouchi, ndokuhunomborera mukanwa akabva abengenuka meso.
28
Asi mumwe wavo akamuti, “Baba venyu vanyatsosimbisisa kwazvo kutsidzira vanhu nemhiko vachiti, ‘Ngaawirwe norushambwa munhu anenge angowana chaanodya nhasi uno.’ ” Vanhu vakaziya nenzara.
29
Jonatani ndokuti, “Inga baba vangu vapa vanhu mutoro chaiwo. Asi ini tarisai muoneka, ndatobengenuka meso nokuravira kwandangoita tuuchi utwu.
30
Ko kutozoti dai nhasi vanhu vanga vanyatsodya zvavo zvavapamba kuvavengi vavo, zvavatoita zvavo zvokuwanikidza kudai iye zvino vaFirisitia vangadai vasina kunge vatoparadzwa zvakanyanya here?”
31
Musi iwoyo vakarakatisa vaFirisitia kubvira kuMikimashi kudzamara kuAijaroni, asi vanhu vakaziya nenzara.
32
Vanhu vakawirirana kutora zvakanga zvapambwa. Vakatora hwai nemombe nemhuru vachidziurayira pose pose pasi, vakadya nyama isina kusinzwa ropa.
33
Vamwe vakataurira Sauro kuti, “Zvamunoonaka, vanhu vari kutadzira Tenzi nokudya nyama isina kusinzwa ropa.” Iye ndokuti, “Ndokusatendekaka ikoko. Chikungurutsirai zidombo guru pano pandiri.”
34
Sauro akabvawo ati, “Chipararirai nomuvanhu muvati, ‘Munhu wose ngaauye nemombe yake kana kuti hwai yake kuno kwandiri mudzibayire pano, mozodya zvenyu murege kutadzira Tenzi nokudya nyama isina kusinzwa ropa.’ ” Usiku ihwohwo munhu wose akaendako nemombe yake vakadziurayira ikoko.
35
Sauro akavakira Tenzi atari. Ndiyo atari yake yokutanga kuvakirawo Tenzi.
36
Sauro akazoti, “Ngatirondei vaFirisitia nousiku huno, tivapambe, tirege kusiya kana nomumwe wavo ari mupenyu.” Ivo vakati, “Itai zvenyu zvamunenge mada.” Asi mupristi akati, “Ngatimbonzwai kuna Mwari.”
37
Sauro akabvunza kuna Mwari kuti, “Ndoronda here vaFirisitia kana kuti kwete? Ko, muchavaisa mumaoko evaIsiraeri here?” Asi musi iwoyo Mwari haana kumupindura.
38
Sauro akati, “Uyai pano imi mose vatungamiriri vavanhu muongorore mugoona kuti zvechitadzo ichi zvauya sei nhasi.
39
Chokwadi ndinopika naTenzi mupenyu, iye mununuri weIsiraeri, kunyange zvazvo akava Jonatani mwana wangu chaiye, anotopafa chete.” Asi pavanhu vose ivavo hapana nomumwe akamupindura chinhu.
40
Sauro akati kuvaIsiraeri vose, “Imi mirai uku, ini nomwana wangu Jonatani timirewo uku.” Vanhu vakati kuna Sauro, “Itai zvamunenge muchida.”
41
Naizvozvo Sauro akati kuna Tenzi Mwari wavaIsiraeri, “Ndiisireiwo pachena zvechokwadi zvacho.” Jonatani naiye Sauro vakabva vabatwa nechin'ange chikasiya vamwe vose.
42
Sauro ndokuti, “Itai chin'ange pakati pangu ini nomwanakomana wangu Jonatani.” Jonatani ndokubva abatwa.
43
Sauro akati kuna Jonatani, “Ndiudze zvawaita?” Jonatani akamuti, “Ndangoti nomborei tuuchi nomuromo wetsvimbo yangu. Ndinofanira zvangu kufa.”
44
Sauro akati, “Mwari ngaandione kana iwe Jonatani ukarega kufa!”
45
Asi vanhu vakarambira Sauro vachiti, “Munoti Jonatani afe? Anunura Isiraeri zvakakura zvikadai! Hazvimboitika! Tinopika naTenzi mupenyu, haambofanira kana kubatwa-batwa zvake kunyange ruvhudzi rwake nokuti ashanda naMwari nhasi.” Naizvozvo vanhu vakanunura Jonatani akarega kufa.
46
Sauro akabva aregera kuronda vaFirisitia. VaFirisitia ndokubva vadzokerawo kwavo.
47
Sauro akati agara umambo hwomuIsiraeri, akarwisa vavengi vake vose kumativi ose vaiti: vaMoabhu nevaAmoni nevaEdhomu kwoti madzimambo okuZobha kwozouya vaFirisitia. Kwose kwose kwaaienda aisiya avashura mare.
48
Aiva gamba chairo mukurwa, akakurira vaAmareki akanunura Isiraeri mumaoko avanhu vaivapamba.
49
Vana vaSauro vakomana vaiva Jonatani naIshivhi naMarikishua, vasikanawo vaiva vaviri, wedangwe ainzi Merabhi, muduku achinzi Mikari.
50
Mudzimai waSauro ainzi Ahinoamu mwana waAhimaazi. Mutungamiriri wehondo yake ainzi Abhuna mwanakomana waNeri, babamudiki waSauro.
51
Baba waSauro ainzi Kishi. Neri baba waAbhuna akaberekwa naAbhueri.
52
Paupenyu hwose hwaSauro paigara pakarwiwa chete zvakaomarara navaFirisitia. Iyewo Sauro aiti akaonawo munhu ane simba, kana wose aiva nechivindi, aibva amupinza muhondo yake.
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 15 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31