bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Samuel 30
1 Samuel 30
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 29
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 31 →
1
Dhavhidhi navanhu vake vakasvika kuZikiragi, rava zuva retatu. Vakasvikowana vaAmareki vapamba zvinhu mudunhu reNegevhu nomuguta reZikiragi. Vakanga varwisa Zikiragi variroromesa nomoto.
2
Vakatapa vakadzi navamwe vose vaivamo kubvira kuvaduku kusvikira kuvakuru. Havana wavakauraya asi vakangokukuchana navo ndokuenda.
3
Dhavhidhi navanhu vake vakati vachisvika muguta umu wanei raroromeswa nomoto, madzimai avo navana vavo vakomana navasikana wanei vatapwa.
4
Dhavhidhi navanhu vaaiva navo vakazhamba kusvikira vasisina simba rokuchema.
5
Vakadzi vaDhavhidhi vaviri, Ahinoamu wokuJezireeri naAbhigairi chirikadzi yaNabhari vokuKaremeri vakanga atapwawo.
6
Dhavhidhi akasuruvara kwazvo nokuti vamwe vakanga votoda zvokumutaka namabwe pamusana pokuti vanhu vose vakanga vasuruvara kwazvo vofunga zvino vana vavo vakomana navasikana. Asi Dhavhidhi akawana simba rake muna Tenzi, Mwari wake.
7
Dhavhidhi akati kumupristi Abhiatari mwanakomana waAhimereki, “Uya kuno neefodhi.” Abhiatari akabva auya neefodhi kuna Dhavhidhi.
8
Dhavhidhi akada kunzwa kuti Tenzi anoti kudii nezvinhu izvi akati, “Ndoronda here chikwata ichi? Ndichavabata here?” Mwari ndokumuti, “Varonde zvako unovabata chete ugovanunura.”
9
Dhavhidhi akabva asimukawo namazana matanhatu avarwi vaakanga ainawo. Vakasvika kukakova keBhesori vamwe vavo vakasara ipapo.
10
Asi iye Dhavhidhi navamwe vavo mazana mana vakaramba vachironda. Vamwe mazana maviri vakasarapo, vakanga vaneta kwazvo, vakatadza kuyambuka kakova keBhesori.
11
Kune vamwe vakawana mumwe muIjipiti musango vakauya naye kuna Dhavhidhi. Vakamupa chingwa akadya, vakamupawo mvura yokunwa.
12
Vakamupawo chimedu chechambwa chamakuyu nechisumbu chamagirepisi akaomeswa. Paakanga apedza kudya kudaro, simba rake rakabva radzoka pakare nokuti akanga apedza mazuva matatu, siku nesikati asina kana kuisa chinhu mukanwa kana kunwa mvura zvayo.
13
Dhavhidhi akamubvunza kuti, “Uri wokwaaniko iwe? Unobva kupi?” Iye ndokuti, “Ndiri mukomana wokuIjipiti. Ndiri muranda womumwe muAmareki. Tenzi wangu akangonditiwo njo pano apa ndarwara mazuva matatu apera aya.
14
Takanga tatorwisa dunhu reNegevhu rokuvaKereti, nedunhu reNegevhu rokwaJudha nedunhu reNegevhu rokwaKarebhu, tikapisawo Zikiragi nomoto.”
15
Dhavhidhi akamuti, “Ungakwanise here kundisvitsa kune chikwata ichochi.” Iye akati, “Chimbonditsidziraiwo naMwari kuti hamundiuraye kana kundiisa mumaoko atenzi wangu ndigokusvitsai zvenyu kune chikwata ichocho.”
16
Akadzika naye ikoko wanei vaAmareki vakaita zvavo rurasademo, vakapararira nenzvimbo iyoyo yose vachiti uku runodya, uku runonwa, uku runotamba pamusana pezvose zvavakanga vapamba kunyika yavaFirisitia nokunyika yokwaJudha.
17
Dhavhidhi akavarakatisa kuuraya kubvira parubvunzavaeni kusvikira manheru eramangwana racho. Hakuna akapunyuka kusara kwamajaya mazana mana akatasva ngamera akatiza.
18
Dhavhidhi akadzosa zvose zvakanga zvapambwa navaAmareki, akanunura vakadzi vake vaviri.
19
Hapana chakashayikwa, kana kai zvako kubvira kuvana vakomana navasikana kusvikira kune zvakanga zvapambwa kunyange nezvakanga zvatorwa. Dhavhidhi akadzoka nazvo zvose.
20
Dhavhidhi akavatorerawo mombe dzose nezvimwe zvipfuwo izvozvo. Vanhu vakatinha zvipfuwo izvozvo zviri mberi kwake vachiti, “Izvi ndizvo zvakapambwa naDhavhidhi.”
21
Dhavhidhi akasvika pana varume vaya mazana maviri vakanga vaneta zvokuti vakanga vasisakwanise kuenda naDhavhidhi, vakanga vambosiyiwa vaya pakakova keBhesori. Vakauya kuzochingurana naDhavhidi pamwechete navanhu vaiva naye. Dhavhidhi paakasvika kwavari akavakwazisa.
22
Asi kwaiva navamwe vakaipa mwoyo vomuchokoto pavanhu vakanga vaenda naDhavhidhi vakakonora vachiti, “Pamusana pokuti vanhu ava havana kuenda nesu, hapana chatinovapa pazvinhu zvatakapamba zvatakadzosa izvi asi kuti munhu ngaangotora mukadzi wake navana vake aende.”
23
Asi Dhavhidhi akati, “Kweteka hama dzangu, hamungadaro nezvinhu zvatakangopiwa zvedu naTenzi. Inga Mwari akatichengeta wani akaisa chikwata chavavengi vedu mumaoko edu.
24
Ndiani angabangoteerera zvamuri kutaura? Chiripo chaicho ndechokuti chawana aenda kundorwa ndicho chichawanawo anosara pazvinhu, mugove wavo mumwechete.”
25
Kubvira musi iwoyo zvichienda mberi Dhavhidhi akabva ati uve murao nomutemo weIsiraeri kusvikira pari nhasi.
26
Dhavhidhi paakasvika kuZikiragi akatumira zvimwe zvaakanga apamba kushamwari dzake, vakuru vakuru vokwaJudha achiti, “Hecho chikomborero chezvakapambwa kuvavengi vaTenzi.”
27
Vaakatumira ndeava vanoti: vokuBhetieri, novokudunhu reNegevhu rokuRamoti, kwouya vokuJatiri,
28
novokuAroeri, novokuSifumoti, novokuEshitemoa,
29
kwoti vokuRakari, novokumaguta okuJerahimeeri, novokumaguta okuvaKeni,
30
kwouyawo vokuHoruma, novokuBhorashani, novokuAtaki,
31
kwozoti vokuHebhuroni nokumwe kwose zvako kwaimboshanyirwa naDhavhidhi navarwi vake.
← Chapter 29
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 31 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31