bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Ezekiel 11
Ezekiel 11
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 12 →
1
Mweya wakandisimudza mudenga, wakandiunza kuSuo Guru rokumabvazuva kwemba yaTenzi rakatarisa kumabvazuva. Ipapo ndakaona pamusuo peSuo Guru pacho paine varume makumi maviri navashanu. Ndakaonawo pakati pavo paina Jaazaniya mwanakomana waAzuru naPeratiya mwanakomana waBhenaya, machinda evanhu.
2
Iye akabva anditi, “Iwe mwanakomana womunhu, varume ivava ndivo vakaruka mazano akaipa vachisoka guta rino mano akaipa
3
vachifurira vanhu kuti, ‘Nguva yokuvaka dzimba haisati yasvika. Iro guta rino ndiro bhodho, isu ndisu nyama yacho.’
4
Saka porofita kwavari, Mwanakomana Womunhu porofita.”
5
Mweya waTenzi wakauya pandiri akati kwandiri iti zvanzi naTenzi, “Imi vemba yaIsiraeri, heya ndozvamuri kufunga izvi. Chiripo ndechokuti zvinouya mumusoro menyu ini ndinozviziva.
6
Vamakauraya vakawanda muguta rino mukazadza migwagwa yaro nezvitunha.
7
Ndokusaka zvanzi naTenzi Mwari, ‘Vamakauraya zvamakaradzika mariri ndonyama, guta irori ndiro bhodho racho asi imi muchabviswa mukati maro.’
8
Munotya bakatwaka, ndichakuunzirai bakatwa ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.
9
Ndichakuburitsai mukati maro ndichikuisai mumaoko mevechirudzi ndichiita zvandakatema kuita kwamuri.
10
Muchafa rufu rwebakatwa; ndichakutongerai kumuganhu weIsiraeri. Ndipo pamuchazoziva kuti ini ndini Tenzi.
11
Guta rino harisi kuzova bhodho renyu kana imiwo kuva nyama yacho mukati maro. Ndichakutongerai kumuganhu weIsiraeri.
12
Ndipo pamuchaziva kuti ndini Tenzi nokuti hamuna kutevera mirao yangu kana kuita zvirevo zvangu asi makaita muchitevedza zvirevo zvamarudzi vakakutenderedzai.”
13
Zvakaitika kuti pandaiporofita, Peratiya mwanakomana waBhenaya akafa. Ndakawira pasi nouso ndikaridza mhere ndochema ndichiti, “Aa! Nhai Tenzi mopedzisa here vaIsiraeri vakasara.”
14
Shoko raTenzi rakauya kwandiri richiti,
15
“Iwe mwanakomana womunhu, hama dzako, hama dzako chaidzo dzakatapwa pamwechete newe, ivo vanhu vose veIsiraeri ndivo vari kunzi navagari veJerusaremu, ‘Vaye vakaenda kure naTenzi saizvozvo nyika ino yakapiwa kwatiri kuti ive yedu.’
16
Naizvozvo iti zvanzi naTenzi Mwari, ‘Kunyange zvazvo ndakavabvisa ndikavaendesa kure mukati memarudzi, uye kunyange ndakavaparadzira mudzinyika, ndanga ndiri nzvimbo inoera kwavari kwechinguvana munyika dzavakaenda.’
17
Naizvozvo iti, zvanzi naTenzi Mwari ndichakukokorodzai mumarudzi avanhu ndigokuunganidzai kubva munyika dzamakaparadzirwa ndizokupai nyika yeIsiraeri.
18
Pavanenge vauya vachabvisa mairi zvose zvakaipa nezvinosemesa.
19
Ndichavapa mwoyo mumwechete ndigoisa Mweya mutsva mavari. Ndichabvisa munyama yavo mwoyo wedombo ndichivapa mwoyo wenyama,
20
kuitira kuti vatevere mirao yangu vachichengeta zvirevo zvangu nokuzviteerera. Ivo vachava vanhu vangu ini ndichava Mwari wavo.
21
Asi vane mwoyo wokuda zvakaipa nezvinhu zvavo zvinosemesa ndichaita kuti zviito zvavo zvivapfukire ndizvo zviri kutaura Tenzi.”
22
Zvino makerubhu akasimudza mapapiro awo namavhiri ari pamativi awo. Kupenya kwokuvapo kwaMwari weIsiraeri kwakanga kuri pamusoro pavo.
23
Kupenya kwekuvapo kwaMwari kwakabva pakati peguta kukandomira pagomo riri kumabvazuva eguta.
24
Mweya akandisimudza muchioneso akandiendesa kuvatapwa kuKaridhea naMweya waMwari. Ndipo pakabva papera chiratidzo chandakanga ndaoneswa.
25
Ndakataurira vatapwa zvinhu zvose zvandakanga ndaratidzwa naTenzi.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48