bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Ezekiel 37
Ezekiel 37
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 36
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 38 →
1
Ruoko rwaTenzi rwakava pandiri. Akandiburitsa nesimba raMweya waTenzi akandondiisa mubani, rakanga rizere namapfupa.
2
Akandifambisa mukati mawo kutenderera, wonei akanga ari hungwandagwanda kuwanda mubani imomo uye akanga akati papata kwazvo kuoma.
3
“Akanditi nhai mwanakomana womunhu mapfupa aya angava mapenyu here?” Ini ndakati, “Imi Tenzi Mwari ndimi munoziva.”
4
Akanditizve porofita kumapfupa iwaya uti kwaari, “Imi mapfupa akaoma inzwai shoko raTenzi.
5
Zvanzi naTenzi Mwari kumapfupa aya, chinzwai, ndichapinza mweya mamuri mugorarama.
6
Ndichaisa marunda pamuri, ndichaitawo kuti nyama ive pamuri ndikuputirei neganda ndigokufemerai mweya mamuri muchiva vapenyu. Muchabva maziva kuti ndini Tenzi.”
7
Saizvozvo ndakaporofita sokuudzwa kwandakanga ndaitwa. Pandaiporofita kudaro pakaita ruzha, pakave nokukwacharika. Mapfupa achienda kundobatana pamwechete, pfupa richienda pane rimwe pfupa raro.
8
Ndakati tarisei onei ave namarunda uye ava nenyama, aputirwa neganda. Asi akanga asina mweya.
9
Akazonditi porofita kumweya, mwanakomana womunhu, porofita uti kumweya, zvanzi naTenzi Mwari, “Iwe mweya uya uchibva kumativi mana ufemere pane vakauraiwa ava kuti vave vapenyu.”
10
Saizvozvo ndakaporofita, sokuudzwa kwandanga ndaitwa, mweya ukapinda mavari vakava vapenyu, vakamira namakumbo avo ikava hondo huru huru yavanhu.
11
Zvino akanditi, “Iwe mwanakomana womunhu mapfupa iwaya ndiyo imba yose yaIsiraeri; onaka kuti vanoti mapfupa edu aoma chitarisiro chedu chapera uye taparara isu.
12
Naizvozvo porofita uti kwavari, zvanzi naTenzi Mwari chinzwai, imi vanhu vangu, ndavakuzozarura makuva enyu ndikumutsei mumakuva enyu, ndikuunzei kumusha kwenyu kunyika yeIsiraeri.
13
Ndipo pamuchaziva, imi vanhu vangu, kuti ndini Tenzi pandichazarura makuva enyu ndichikumutsai mumakuva enyu.
14
Ndichaisa mweya wangu mamuri muchiva vapenyu. Ndichakuisai munyika menyu, ndipo pamuchaziva kuti ndini Tenzi ndataura uye ndini ndazviita.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi.
15
Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti,
16
“Iwe mwanakomana womunhu tora tsvimbo unyore pairi kuti: “VokwaJudha navanhu vokwaIsiraeri vavanofambidzana navo. “Wozotorawo imwe tsvimbo unyorewo pachiri kuti: “VokwaJosefi, (tsvimbo yekwaEfuremu) navose vemba yokwaIsiraeri vavanofambidzana navo.
17
“Unodzibatanidza pamwechete kuita tsvimbo imwechete kuti dzive chinhu chimwechete muruoko rwako.
18
Vanhu vako kana vazokuti hamungatitaurirewo zvamunoreva nezvizvi,
19
uti kwavari, zvanzi naTenzi Mwari, chinzwai, ndava kuda kutora tsvimbo yokwaJosefi iri muruoko rwevokwaEfuremu mumadzinza okwaIsiraeri vanofambidzana naye. Ndichaibatanidza netsvimbo yevokwaJudha kudziita tsvimbo imwechete kuitira kuti dzive chinhu chimwechete muruoko rwangu.
20
Tsvimbo dzauchanyora padziri padzinenge dziri muruoko rwako ivo vakatarisa nameso avo ipapo iti kwavari,
21
Zvanzi naTenzi Mwari, chinzwai ndichatora vanhu veIsiraeri pakati pamarudzi kwavakaenda ndivakokorodze kumativi ose ndichivauyisa kunyika kwavo chaiko.
22
Ndichavaita kuti vave rudzi rumwechete munyika iyoyo mumakomo eIsiraeri uye vose zvavo vachatongwa namambo mumwechete. Havachazovezve marudzi maviri uyewo kana kuzombove noumambo huviri hwakaparadzana.
23
Havazombozvin'oresazve nezvifananidzo zvavo zvokunamata nezvinhu zvavo zvinosemesa kana nekai zvako kezvikanganiso zvavo. Asi kutoti ini ndichavanunura mune zvokudzokera shure mavakadai kupara chitadzo. Ndichavachenurawo ivo vagova vanhu vangu. Ini ndichava Mwari wavo.
24
“Muranda wangu Dhavhidhi achange ari mambo wokuvatonga uye vose vachava nomufudzi mumwechete. Vachatevedza mirao yangu vachiteerera mitemo yangu.
25
Vachagara havo munyika iyoyo yandakapa kumuranda wangu Jakobho ikagarwawo namadzibaba enyu. Ivo navana vavo navana vavana vavo, vachagara imomo narini wose uyu muranda wangu Dhavhidhi ndiye achava ishe wavo narini wose.
26
“Ndichaitirana navo chitenderano chorugare chichava chitenderano chokugara nokugara. Ndichavakomborera ndigoita kuti vawande uye ndichaisa Nzvimbo yangu Inoera pakati pavo narini wose.
27
Ndichaita musha wangu mukati mavo uye ndichava Mwari wavo, ivo vachavawo vanhu vangu.
28
Ndipo pachazoziva vemarudzi kuti ini Tenzi ndini ndinoeresa Isiraeri, Nzvimbo yangu Inoera painenge iri pakati pavo narini wose.”
← Chapter 36
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 38 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48