bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Ezekiel 47
Ezekiel 47
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 46
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 48 →
1
Akazodzokera neni kumusuo weTemberi, onei mvura ichibuda pazasi pomusuo weTemberi yakananga kumabvazuva (nokuti Temberi yakanga yakatarisa kumabvazuva.) Zvino mvura iyoyo yaiyerera pasi ichibva nechapazasi pamucheto pakadziva kumaodzanyemba kwomusuo weTemberi, nechokumaodzanyemba kweatari.
2
Akazondiburitsa kunze nokuSuo Guru rokuchamhembe akatenderera neni kunze ikoko kuSuo Guru rokunze rakatarisa kumabvazuva. Mvura yaibuda kudivi rokumaodzanyemba.
3
Akananga kumabvazuva aine tambo yokueresa mumaoko akabva aera panoita mazana mashanu amamita ndokubva afamba neni nomumvura imomo iyo yakanga ichinyudza zvokusvika muchiziso chegumbo.
4
Akaerazve mamwe mazana mashanu emamita akafamba neni nomumvura imomo, iyo yakanga ichinyudza zvokusvika mumabvi. Akaerawo mamwe mamita mazana mashanu akabva ofamba neni nomumvura macho, yakanga zvino yosvika muchiuno.
5
Akazoerazve mamwe mazana mashanu amamita, rwakanga rwatova rukova rwandakanga ndisisakwanise kuyambuka nokuti mvura yakanga yakwira. Yakanga yawanda zvokuti munhu aitogona kushambira mairi rwava rukova rusisayambukiki.
6
Akazonditi, “Nhaiwe mwanakomana womunhu, waona here izvi?” Akabva adzokera neni achitevedza mahombekombe orukova irworwo.
7
Pandaidzoka kudaro, ndakaona kumativi erwizi rwacho miti yakawanda kwazvo uku nokuku.
8
Akati kwandiri, “Mvura iyoyi inoyerera yakananga kuruwa rwamabvazuva ichidzika nokuArabha. Kana yapinda mugungwa inoita kuti mvura yacho inake.
9
Kwose kunoyerera rwizi irworwo, zvipenyu zvose zvinoshambira zvichararama. Imomo muchava nehove dzakawanda nokuti mvura iyoyi inoenda imomo kundoita kuti mvura yegungwa inake. Ipapo zvinhu zvose zvichararama kwose kunosvika rwizi urwu.
10
Varauri vehove vachamira pedyo negungwa iroro; kubvira kukasipiti kuEnigedhi kusvikira kukasipiti keEnigiraimu pachange pari nzvimbo yokutambanudzira mimbure, hove dzayo dziri dzemhando dzakasiyana kwazvo sehove dzokugungwa guru.
11
Asi zvidzengerere zvarwo zvemvura namajakwi haazova mvura yakanaka zvichasiyiwa kuri kuitira munyu.
12
Mumahombekombe kumativi erwizi rwacho ose ari maviri kuchamera miti yamarudzi ose yemichero. Mashizha ayo haazosvava kana michero yayo kukuva. Asi kutoti ichabereka michero mitsva mwedzi nomwedzi nokuti mvura yayo inoyerera ichibva muNzvimbo Inoera. Michero yayo ichava chokudya, mashizha ayo ari mushonga wokurapisa.”
13
Zvanzi naTenzi Mwari, “Iyi ndiyo miganhu yamuchakamuranisa nayo nyika yenhaka pakati pamadzinza gumi namaviri eIsiraeri. RokwaJosefi richawana migove miviri.
14
Munofanira kuikamuranisa zvakaenzana. Ndakatsidzira kuzoipa kumadzibaba enyu, zvino nyika iyoyi ichava mumaoko menyu senhaka yenyu.
15
“Uyu ndomuganhu wenyika iyoyi kuchamhembe: “Kutangira kugungwa guru zvichienda nokuHetironi kusvikira pokunge tava kupinda kuHamati nokuZedhadhi
16
nokuBheratati nokuSibhuraimu (iri pamuganhu pakati peDhamasikusi neHamati) kusvikira kuHazerihatikoni iri pamuganhu wokuHaurani.
17
Saka muganhu uchabva kugungwa kudzamara kusvika kuHazerenoni iri kuchamhembe kwemuganhu wokuDhamasikusi nokumuganhu wokuHamati kuchamhembe. Ikoku ndokuchave kudivi rokuchamhembe kwomuganhu.
18
“Kudivi rokumabvazuva, muganhu wacho uchadimura napakati peHaurani neDhamasikusi uchitevedza rwizi rwaJorodhani pakati peGireadhi nenyika yeIsiraeri kusvikira kuGungwa roKumabvazuva kusvikira kuTamari. Ndouchava muganhu wokumabvazuva iwoyu.
19
“Kudivi rokumaodzanyemba, uchabvira kuTamari kudzamara kumvura yokuMeribhakadheshi wotevedza kaKova keIjipiti kusvikira kuGungwa Guru. Iwoyu ndomuganhu wacho wokumaodzanyemba.
20
“Kudivi rokumadokero, Gungwa Guru ndiro richava muganhu wacho kusvikira pamwe pakatarisana nokunge tava kusvika kuHamati. Ndiro richava divi rokumadokero.
21
“Ndokukamurirana kwamuchaita nyika iyoyi pakati penyu zvichienderanawo namadzinza eIsiraeri.
22
Munofanira kuigova senhaka yenyu iyemi navatorwa vagere mamuri vakatoberekawo vana pakati penyu. Kwamuri imi vachange vakangoita savana vevhu vomuIsiraeri. Vanofanira kugoverwa pamwechete nemi mugove wenhaka pakati pemadzinza eIsiraeri.
23
Mudzinza ripi zvaro munenge mugere mutorwa iyeyo ndimo maanopiwa nhaka yake.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.
← Chapter 46
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 48 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48