bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Ezekiel 19
Ezekiel 19
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 20 →
1
Chiimba rwiyo rwokuungudza kuchema machinda eIsiraeri
2
uchiti: “Ii-i amai vako vaiva shumba chaiyo pane dzimwe shumba, yaiti pasi hwatata pakati peshumba diki ichirera vana vayo.
3
“Yakayarutsa mumwe mwana wayo akava mukono uchiri kuzvinzwa, yakadzidza udzimba hwokubata nyama ikadya vanhu.
4
Runyerekupe rwezvazvo rwakazengezanwa mumarudzi, yakawira muhunza yavo. Vakaiendesa iine zvikochekero kunyika yeIjipiti.
5
“Payakaona kuti zvayaitarisira zvaponga, chitarisiro chayo chapera, yakatora mumwe mwana wayo ikamuita kuti ave chimukono cheshumba.
6
Chaizvikakanyadza mukati medzimwe shumba chikava chimukono chaicho cheshumba, yakadzidza udzimba hwokubata nyama yakava yokudya vanhu.
7
Yakabvongodza munhare dzavo dzokuhwanda muhondo, ikaparadza maguta avo; nyika navagari vomo ikashaya pokuisa mwoyo nokutya payainge yodzvova.
8
“Marudzi akaiteya kumativi ose. Vakaikanda mambure avo ikabva yabatwa muhunza yavo.
9
Iine zvikochekero kudaro vakaipfigira muchizarira vakaiendesa kuna mambo weBhabhironi vakaizaririra muchitokisi kuti pasave neanonzwa izwi rayo mumakomo eIsiraeri.
10
“Amai vako vaiva somugirepisi wakarimwa mumunda wamagirepisi wakasimwa pedyo nemvura unowa michero wakati mapazi sarara pamusana pemvura zhinji.
11
Mapazi awo akaita hunde akakura kuita tsvimbo dzoumambo, wakareba mudenga nomukati megwindingwi ramapaazi. Nokureba kwawo uchioneka wakati dzu-u mudenga uina mazhinji mapazi.
12
“Asi mugirepisi iwoyo wakadzipurwa nehasha ukarigirwa pasi, mhepo yokumabvazuva yakauomesa michero yawo ikakurumurwa. Hunde yawo yakasvava ukaroromeswa nomoto.
13
Zvino wakasimwa mugwenga munyika yakaoma ine nyota.
14
Moto wakabva pahunde yacho ukaroromesa mapazi awo nomuchero wawo zvokuti pauri pakanga pasisina rumuti rwakasimba runogona kana kuitwa tsvimbo youmambo.” Irworu rwiyo rwokuungudza rwava rwiyo rwokuungudza.
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 20 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48