bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Ezekiel 21
Ezekiel 21
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 22 →
1
Izwi raTenzi rakauya kwandiri rikati,
2
“Iwe mwanakomana womunhu wochinangana neJerusaremu uparidze wakanangana nenzvimbo dzacho dzinoera uporofite wakanangana nenyika yeIsiraeri
3
uti kunyika yeIsiraeri, zvanzi naTenzi chinzwa, ndanangana newe zvino. Ndichaburitsa bakatwa rangu muhara ndiuraye mukati mako vakarurama navakaipa.
4
Sezvo ndichauraya mukati menyu vakarurama navakaipa kudaro saka bakatwa rangu richabudira muhara vanhu vose kubvira kumaodzanyemba dzamara kuchamhembe.
5
Vanhu vose vachaziva kuti ini Tenzi ndini ndaburitsa bakatwa rangu muhara. Harichadzoserwazve muhara.
6
Ungudza iwe munhu! Ungudza nomwoyo wakasuruvara nokushungurudzika kukuru vachiona nameso avo.
7
“Kana vakakuti zvauya sei kuungudza kudai, iwe uti ‘Pamusana pamashoko. Paachasvikira munhu wose achadumbirwa nazvo; maoko avose achapera simba, mweya yose ichirukitika; mabvi ose achati rukutu semvura zvayo. Hezvo rosvika uye richatoitika.’ ” Ndizvo zviri kureva Tenzi Mwari.
8
Shoko raTenzi rakauya kwandiri rikati,
9
“Iwe mwanakomana womunhu porofita uti zvanzi naTenzi, iti: Bakatwa, bakatwa rakarodzwa uye rikakwenenzverwawo
10
richirodzerwa kuuraya nokukwenenzvererwa kupenya semheni! Ndipo patingabva tatofaririra nhai? Tarisai muone tsvimbo youmambo yapenyeserwa mwanakomana wangu kuti azvidze zvimiti zvokunamata.
11
Bakatwa rakanzi rirodzwe kuti ribatwe. Rakarodzwa rikakwenenzverwa kuti riiswe mumaoko momuurayi.
12
“Ridza mhere uchihwihwidza, iwe mwanakomana womunhu pamusana pezvawira vanhu vangu zvichinangana namachinda eIsiraeri ose. Ipapo vanofanira kuuraiwa nebakatswa iwe chibata rushaya,
13
nokuti kuedzwa hakusi kuzorega kuuya chamakazvidzira tsvimbo youmambo chii? Hamusi kuzobudirira.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.
14
“Saka zvino chiporofita iwe mwanakomana womunhu. Rovanisa maoko bakatwa rigouya pasi kaviri kana katatu kese, ibakatwa ravanofanira kuti vaurayiwe. Ibakatwa rokuuraya vanhu kwakanyanyisa rakatarisana navo
15
kuitira mwoyo yavo idedere, vazhinji vafe mumaguta mavo mose. Ndakapa bakatwa rinopenya. Heekaka! Rakagadzirwa semheni rikaputirwa kuitira kuzourayisa.
16
Nyatsocheka uku nouku kunenge kwangonanga rutivi runocheka.
17
Ini ndicharovanisawo maoko angu ndichipedza hasha dzangu. Ndini Tenzi ndazvireva.”
18
Izwi raTenzi rakauyazve kwandiri richiti,
19
“Iwe mwanakomana womunhu tara nzira mbiri dzokuitira hondo yebakatwa yamambo weBhabhironi ichauya. Dzose dziri mbiri dzichabva kunyika imwecheteyo. Umise chikwangwani uchidzike pakona yomugwagwa wokupinda muguta.
20
Tara nzira yebakatwa inoenda kuguta reRabha rokuvaAmoni neinoenda kwaJudha muguta retsvingo reJerusaremu.
21
Ndinodaro nokuti mambo weBhabhironi anosvikomira pamhararano penzira idzodzo panoparadzana nzira mbiri idzodzo oshopera. Anoita miseve hakata dzokukandira nadzo, obvunzira kutumwari twechiterafimu achinan'anidza pachiropa.
22
Muruoko rwake rworudyi chin'ange chinenge chabata Jerusaremu kuti iisirwe zvombo zvakaita sehondohwe zvokudhugumurisa, nokundoshamarara kuridza mhere dzokuuraya nokudaidzirisa kwazvo nokumisa zvombo zvakaita sehondohwe zviya zvokudhugumurisa zvakatarisana nemisuo mikuru yacho nokuzoriisira chinenge musana wenzou chevhu kurusvingo nokuzovaka nokuchera mugero.
23
Asi kwavari ivo zvichatarisika sokushopera kusina maturo vachitozviti vakapika mhiko chaidzo dzakasimba. Asi achaita kuti mhosva yavo iyeukwe kuitira kuti vagobatwa.
24
“Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari pamusana pokuti makaita kuti chitadzo chenyu chiyeukwe nokuiswa pachena kwaitwa chitadzo chenyu zvokuti muzviito zvenyu zvose zvazvo, zvitadzo zvenyu zvava kuonekwa, zvaita kuti imi muyeukwe; muchaiswa mumaoko mavo.
25
Iwe muipi, akan'ora, muchinda weIsiraeri zuva rokutongwa kwako kwokupedzisira rasvika zvino.
26
Zvanzi naTenzi Mwari bvisa ngundu ukutunure chiremba choumambo. Zvinhu hazvicharamba zvakaita zvazvakaita. Vapasi vachasimudzwa vapamusoro vachaderedzwa.
27
Ndichaita kuti uve dongo, dongo, dongo zvaro zvisati zvamboitika kusvikira ane mvumo yokuritonga auya ndiye wandicharipa.
28
“Zvino iwe mwanakomana womunhu porofita uchiti, ‘Zvanzi naTenzi Mwari nezvevaAmoni uye nezvokunyadziswa kwavo achiti, bakatwa, bakatwa raburitswa muhara kuzorakatisa.’ “Rakakwenenzverwa zvokuva nokupenya kunenge kwemheni
29
ivo vachikuonerai zviratidzo zvenhema kudaro vachishopera zvenhema nezvenyu saizvozvo bakatwa richazoiswa pamutsipa yavakaipa vakan'ora vasvikirwa nenguva yokutongwa kwavo kwokupedzisira.
30
Ridzosere muhara maro. Munzvimbo mawakasikwa imomo munyika mawakaberekerwa ndimo mandichakutongera.
31
Ndichapedzera shungu dzangu pauri ndichava moto moto kukuvirukira nehasha dzangu. Ndichakuisa mumaoko mavanhu voutsinye mharadzi chaidzoidzo.
32
Muchava huni dzokupisa moto, ropa renyu richierera mukati menyika. Hamuchazoyeukwazve nokuti ini Tenzi ndazvireva.”
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 22 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48