bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Ezekiel 48
Ezekiel 48
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 47
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
1
Aya ndiwo madzinza acho tichibvira kumuganho wokuchamhembe, kubva kugungwa tichienda nokuHetironi woenda nokwokunge tavakupinda muHamati kundosvika Hazarenoni (guta riri kumuganhu wokuchamhembe yeDhamasikusi kwakatarisana neHamati) ichibvira kumabvazuva ichienda kumadokero, dzinza rokwaDhani, mugove mumwechete.
2
Dzinza rokwaAsheri, mugove mumwechete, unobvira kumuganhu wokumabvazuva kusvikira kumuganhu wokumavirira wakabatana nenyika yokwaDhani.
3
Dzinza rokwaNafutari, mugove mumwechete, unobvira kumabvazuva kudakara kumadokero wakabatana nenyika yokwaAsheri.
4
Dzinzawo rokwaManase, mugove mumwechete, unobvira kumabvazuva kudzamara kumavirira wakabatana nenyika yokwaNafutari.
5
Dzinza rokwaEfuremu, mugove mumwechetewo, unobvira kumabvazuva kudzamara kumadokero wakabatana nenyika yokwaManase.
6
Dzinza rokwaRubheni mugove mumwechete unobvira kumabvazuva kudzamara kumavirira wakabatana nenyika yokwaEfuremu.
7
Dzinza rokwaJudha mugovewo mumwechete unobvira kumabvazuva kudzikara kumadokero wakabatana nenyika yokwaRubheni.
8
Nyika yokwaJudha inofanira kunge yakabatana nedunhu riya ramuchatsaura rigochengetedzwa rinobvira kumabvazuva kusvikira kumavirira riya rina upamhi hunoita gumi ramakiromita rine makiromita maviri ane hafu. Rinenge rakareba sokureba kwakangoitawo mumwe womugove yamadzinza kubvira kumabvazuva kusvikira kumadokero iine Nzvimbo Inoera mukati mayo.
9
Dunhu ramuchatsaurira Tenzi rinofanira kuita makiromita gumi namaviri ane hafu kureba, kufara kwacho kuchiita gumi ramakiromita.
10
Iyoyi ndoichava migove yedunhu rinoera: vapristi vanofanira kuva nomugove wakareba kuita makiromita gumi namaviri ane, chikamu chepakati nepakati chekiromita kudivi rokuchamhembe upamhi hwacho kudivi rokumadokero huchiita makiromita mashanu uye kudivi rokumabvazuva kuchiitawo makiromita mashanu, kurebawo kwedivi rokumaodzanyemba kuchiita gumi ramakiromita rina makiromita maviri ane chikamu chepakati nepakati chekiromita, Nzvimbo Inoera yaTenzi iri pakati payo.
11
Ipapa panofanira kuva pavapristi vakateketererwa kuna Mwari, vanakomana vokwaZadhoki vakaramba vari pabasa rangu, vasina kuenda mutome, vanhu veIsiraeri pavakaenda mutome sezvakaitwa navaRevhi.
12
Pachava pavo, chiri chikamu chavakapiwa chinobva panzvimbo inoera kwazvo yakabatana nenyika yavaRevhi.
13
VaRevhi vachava nemugove wavo wenyika yakavambirana neyavapristi inoita makiromita gumi namaviri ane hafu kureba iine upamhi hunoita makiromita mashanu. Kureba kwayo kwose kuchaita makiromita gumi namaviri ane hafu iine upamhi hunoita makiromita mashanu.
14
Havafaniri kuitengesa kana kutsinhanisa kana kachidimbu zvako kayo. Havafaniri kurasa mugove iwoyu wedunhu irori rakakosha nokuti idhunhu rinoereserwa Tenzi.
15
Panenge pasara pacho pakafara kuita makiromita mashanu uye pakareba kuita makiromita gumi namaviri ane hafu, panofanira kuva pokushandiswawo zvapo neguta iroro kuita pokugara uye kuva mafuro aro.
16
Zvino aya ndomakuriro aichange yakaita, kudivi rokuchamhembe kunoita makiromita maviri ana mamita mazana maviri namakumi mashanu. Kudivi rokumaodzanyemba kuchaitawo makiromita maviri ana mamita mazana maviri namakumi mashanu. Kudiviwo rokumabvamazuva kuchange kuchiita makiromita maviri ana mamita mazana maviri ana makumi mashanu, kudivi rokumavirira kuchiita makiromita maviri ane mamitawo mazana maviri ane makumiwo mashanu.
17
Guta iroro richava namafuro akadai izvi, kuchamhembe kuchaita zana ramamita rina mamita makumi maviri namashanu uye kumaodzanyemba kuchiitawo zana ramamita rina mamitawo makumi maviri namashanu uyewo kumabvazuva kuriwo zana ramamita rina makumi maviri amamita ana mamita mashanuwo kwozoti kumadokero kuchiitawo zana ramamita rine mamitawo makumi maviri ane mashanu.
18
Panenge pasara uchitevedza kwakareba kwacho kwedunhu pachange pachiita makiromita mashanu kumabvazuva uye makiromita mashanu kumavirira. Inenge ichitevedza dunhu rinoera, michero yayo ichava kudya kwavashandi vomuguta iroro.
19
Vashandi vomuguta vanobva kumadzinza ose eIsiraeri vacharimamo.
20
Dunhu iroro rose ramuchasarudza rinofanira kunge rakaenzana mativi ose divi richiita makiromita gumi namaviri ane hafu zvichisanganisira dunhu rinoera pamwechete nenzvimbo yeguta iroro.
21
Ndima yose inosara kumativi maviri edunhu rinoera nenzvimbo yeguta iroro inofanira kuva yashe ichitangira paya panoita makiromita gumi namaviri nehafu padunhu rinoera riya ichindosvika kumuganhu wokumabvazuva, kwouya kumadokero ichitangirawo paya panoitawo makiromita gumi namaviri ane hafu ichindosvika kumuganhu wokumadokero yakatevedza migove yenyika dzamadzinza iwayo, ichava nyika yashe. Kubvisa dunhu riya rinoera neNzvimbo Inoera yeTemberi iri mukati maro
22
kubvisawo nyika yavaRevhi nenzvimbo yeguta racho zviri pakati penyika yomugove washe, zvimwe zvose izvi, zviri pakati pemiganhu yekwaJudha naBhenjamini ndezvashe.
23
Sezvakangoita mamwe madzinza ose, kubva kumabvazuva kusvika kumadokero, dzinza rokwaBhenjamini rinowana mugove mumwechete.
24
Dzinza rokwaSimioni rinowana mugove waro mumwechete unobvira kumabvazuva kusvika kumadokero wakabatana nenyika yokwaBhenjamini.
25
Dzinza rokwaIsakari rinowana mugove mumwechete unobvira kumabvazuva kusvika kumadokero wakabatana nenyika yokwaSimioni.
26
Dzinza rokwaZebhuroni rinowana mugove mumwechete unobvira kumabvazuva kusvika kumavirira wakabatana nenyika yokwaIsakari.
27
Dzinza rokwaGadhi rinowanawo mugove mumwechete unobvira kumabvazuva kusvika kumavirira wakabatana nenyika yokwaZebhuroni.
28
Muganhu wenyika yokwaGadhi nedivi rokuNegevhu, kumaodzanyemba, muganhu wokumaodzanyemba uchatangira kuTamari wonanga kumvura yokuMeribhakadheshi wobva waenda nokuKakova keIjipiti kundosvika kuGungwa Guru.
29
“Ndiyo nyika yacho iyi yamuchagovera senhaka kumadzinza eIsiraeri. Iyoyi ndiyo migove yakasiyana-siyana yavo.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.
30
Nzvimbo dzokubuda nadzo muguta ndidzo idzi: dzinoti: Kuchamhembe kwacho kunoita makiromita maviri ana mamita mazana maviri ane makumi mashanu kwaerwa
31
kunova nemisuo mikuru mitatu inoti, Suo Guru rokwaRubheni neSuo Guru rokwaJudha neSuo Guru rokwaRevhi, misuo mikuru iyoyo ichatumidzwa mazita amadzinza eIsiraeri.
32
Kwouya kumabvazuva kuchange kuchiita makiromita maviri ana mamita mazana maviri namakumi mashanu, ngakuve nemisuo mikuru mitatu inoti Suo Guru rokwaJosefi neSuo Guru rokwaBhenjamini neSuo Guru rokwaDhani.
33
Kwouyawo kumaodzanyemba, kwacho kunenge kuchisvika makiromita maviri ana mazana maviri emamita ane mamita makumi mashanu kuve nemisuo mikuru mitatu inoti, Suo Guru rokwaSimioni neSuo Guru rokwaIsakari neSuo Guru rokwaZebhuruni.
34
Kozouya kumadokero, kunoitawo makiromita maviri ana mazana maviri amamita ana mamita makumi mashanu, kuchaita misuo mikuru mitatuwo inoti, Suo Guru rokwaGadhi neSuo Guru rokwaAsheri neSuo Guru rokwaNafutari.
35
Kureba kweguta iroro rose kuritenderera, kuchange kuchiita makiromita mapfumbamwe. Izvozvo zita reguta rinenge rava kuzonzi, “Tenziaripo.”
← Chapter 47
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48