bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Ezekiel 24
Ezekiel 24
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 25 →
1
Mugore rechipfumbamwe mumwedzi wegumi pamusi wechigumi wemwedzi iwoyo, izwi raTenzi rakauya kwandiri rikati,
2
“Iwe mwanakomana womunhu, nyora zita rezuva ranhasi, iro ranhasi chairo. Mambo weBhabhironi atokomba Jerusaremu iye nhasi uno chaiye.
3
Zvino wochitaura nomuenzaniso kumba yavapanduki uvati zvanzi naTenzi Mwari, “Gadzai poto, gadzai poto pamoto mudirewo mvura mairi.
4
Rongererai mairi nhindi dzenyama, nhindi dzose dzakanaka dzenyama dzechidya nedzebandauko, muiti pamu pamu kuzadza namapfupa akanakisisa ayo
5
mutore chipfuwo chakanakisisa chomudanga murongerere huni pasi pacho mubike nhindi dzacho, mapfupa acho abikei pamwechete nacho.”
6
Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari, “Zvichakuwana, iwe guta rinodeura ropa, iyewe poto ine ngura, ngura isina kumbopera. Chachurai mukati mayo nhango nenhango pasina zvokuswerosarudza
7
nokuti ropa raro rakadeurwa richiri mukati maro. Rakariisa paruware pachena zvapo. Harina kudira ropa iroro pasi kuitira kuti rifushirwe zvaro nevhu.
8
Ndakaisa ropa rarakadeura racho paruware pachena zvapo kuitira kuti rirege kufushirwa kuitira kuti hasha dzangu dzigomuka ndigotsividza.”
9
Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari, “Zvichariwana guta rokudeura ropa. Ndichaita kuti pave nezirimi romoto.
10
Unganidzai matanda mubatidze moto mubike zvakanaka nyama mukune muto wayo murege mapfupa atsve.
11
Gadzai poto yacho pamazimbe omoto isina chinhu mukati kuitira kuti ipise, mhangura yayo itsvuke kuitira kuti tsvina yayo yainayo inyongodeke; ngura yayo iroromeswe.
12
Chandakanetera hapana apa, ngura yacho yakanyanyisa haibve nomoto.
13
Ngura yacho kushaya hunhu hwako nokuti ndingadai ndakatokuchenura asi hauna kuzochenurwa kuuipi hwako. Hausi kuzochenurwa kusvikira hasha dzangu pauri dzapera.
14
Ndini Tenzi ndataura! Zvichatoitika ndichazviita! Handisi kuzodzokera shure! Handisi kuzonzwira tsitsi! Handisi kuzodzora mwoyo. Uchatongwa zvinofambiranawo nokuita kwako uye nezviito zvako.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.
15
Izwi raTenzi rakauyawo kwandiri richiti,
16
“Iwe mwanakomana womunhu, chinzwaka, ini ndava kukutorera iye paswerameso wako chaiye kamwe kamwe nedenda. Asi iwewe haufaniri kuungudza kana kuhwihwidza kunyange kusvimha misodzi.
17
Tura befu zvisinganzwiki usacheme vakafa. Monerera nguwani yako upfeke shangu dzako mumakumbo. Usafukidze miromo kana kudya chokudya chaparufu.”
18
Saizvozvo ndakataurira vanhu kumangwanani, kumanheru mudzimai wangu achibva afa. Mangwana acho mangwanani ndakaita sezvandakanga ndaudzwa.
19
Ipapo vanhu vakati kwandiri, “Hamutiudzewo here kuti zvamuri kuita izvi zvinorevei kwatiri?”
20
Ini ndakati kwavari,
21
“Izwi raTenzi rakauya kwandiri rikati iti kumba yaIsiraeri zvanzi naTenzi Mwari, chinzwai, ndichan'oresa Nzvimbo yangu Inoera, iyo yacho yamunoinzva nayo, iyo paswerameso yenyu iyoyo, pane mwoyo wenyu chaipo. Vanakomana navanasikana venyu vamakasiya vachafa nebakatwa rehondo.
22
Muchaitawo sezvandaita. Hamuchazofukidza miromo yenyu kana kudya chokudya chaparufu.
23
Muchange makapfeka nguwani dzenyu mumusoro, shangu dziri mumakumbo. Hamufaniri kuchema vakafa kana kuhwihwidza. Asi muchangoperezeka muuipi hwenyu muchigomera.
24
Saizvozvi Ezekieri achava chiratidzo kwamuri. Zvaanenge aita ndizvo zvamuchaitawo. Kana izvi zvoitika muchabva maziva kuti ndini Tenzi Mwari.
25
“Iwe mwanakomana womunhu, musi wandichavatorera musimboti wavo, chinovapa rufaro nembiri chacho, paswera meso pavo pane mwoyo wavo chaipo; uyewo vana vavo vakomana navasikana,
26
musi iwoyo munhu anenge apunyuka achauya kwaari kuzokutaurira shoko racho.
27
Musi iwoyo muromo wako uchazaruka kumunhu iyeyo anenge apunyuka, ugotaura, zvokuva chimumumu zvichibva zvapera. Saizvozvo uchave chiratidzo kwavari vagoziva kuti ndini Tenzi.”
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 25 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48