bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Ezekiel 25
Ezekiel 25
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 24
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 26 →
1
Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti,
2
“Mwanakomana womunhu chinangana nevaAmoni uporofite wakanangana navo.
3
Iti kuvaAmoni, inzwai shoko raTenzi Mwari. Zvanzi naTenzi Mwari imi zvamakati tsvatu waro kuNzvimbo yangu Inoera payakan'oreswa uye kunyika yeIsiraeri payakaitwa renje zvaro uye nokumba yokwaJudha payakaenda kuutapwa
4
naizvozvo ndava kukuisai mumaoko mavanhu vokumabvazuva kuti muve vanhu vavo. Vachaita mataga avo pakati penyu vachitoita misha yavo pakati penyu. Vachadya muchero wenyu vachinwa mukaka wenyu.
5
Guta reRabha ndichariita mafuro engamera maguta avaAmoni achiva danga rezvipfuwo. Ndipo pamuchaziva kuti ini ndini Tenzi
6
nokuti zvanzi naTenzi Mwari imi zvamakabva marova-rovanisa maoko muchitamba-tambisa makumbo muchifaririra kwazvo nomwoyo woutsinye wokuvenga nyika yeIsiraeri
7
naizvozvo chinzwai, ini ndakusumudziraiwo shamu muruoko rwangu. Ndichakuisai mumaoko edzimwe ndudzi sezvinhu zvakapambwa. Ndichakutsakatisai pakati pamarudzi ndichiita kuti murove mudzinyika. Ndichakuparadzai; ndipo pamuchaziva kuti ndini Tenzi.”
8
Zvanzi naTenzi Mwari, “Pamusana pokuti Moabhu yakati, ‘Inga vanhu vokwaJudha vakangofanana ava navamamwe marudzi ose wani.’
9
Naizvozvo ndichaita kuti rimwe divi reMoabhu rizaruke, divi rokumaguta okumuganho wayo, anopa mbiri kunyika iyoyo: anoti Bhetijeshimoti neBhaarimeoni neKiriatiaimu.
10
Ndichaiisa pamwechete nevaAmoni mumaoko mavanhu vokumabvazuva kuti ive yavo kuitira kuti irege kuzomboyeukwazve mukati memarudzi avanhu.
11
Ndichaita zvandatongera Moabhu ndipo pavachaziva kuti ndini Tenzi.”
12
Zvanzi naTenzi Mwari, “Pamusana pokuti Edhomu yakatsividza imba yokwaJudha yakaita utsinye chaihwo payakanga ichivatsividza.
13
Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari ndichasimudzira Edhomu shamhu muruoko rwangu ndichitsakatisa mairi munhu pamwechete nemhuka. Ndichaita kuti isare yava renje zvaro kubvira kwaTemani kusvikirawo kuDhedhani, vachafa nebakatwa.
14
Ndichatsividza Edhomu ndichishandisa vanhu veIsiraeri. Ivo vanofanira kuzoita kuEdhomu zvinoenderana nehasha dzangu zvichiwirirana nokutsamwa kwangu. Ipapo vachaziva kutsividza kwangu.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.
15
Zvanzi naTenzi Mwari, “VaFirisitia zvavakatsividza vachitsiva nomwoyo woutsinye hwokuparadza nedaka risingaperi,
16
naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari chirega uone ndichasumudzira vaFirisitia shamhu muruoko rwangu ndichirakatisa vanhu veKireti ndichiparadza kumwe kwose kwemahombekombe egungwa.
17
Ndichavatsividza zvakakura kwazvo nokuranga chaiko kune hasha. Ipapo ndipo pavachazoziva kuti ndini Tenzi kana ndavatsividza kudaro.”
← Chapter 24
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 26 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48