bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Ezekiel 43
Ezekiel 43
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 42
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 44 →
1
Mushure maizvozvo akaenda neni kuSuo Guru rakatarisa kumabvazuva
2
onei kupenya kwokuvapo kwaMwari weIsiraeri kuchibva kumabvazuva uye kutinhira kwokuuya kwake kwainge kuwunga kwamafashamo emvura uyewo nyika yakabva yati ngwe-e kuchena nembiri yake.
3
Zvino chiratidzo chandakaona chakanga chakafanana nechiratidzo chandakanga ndamboona paakauya kuzoparadza guta, chakaitawo sechiratidzo chandakamboona ndiri pedyo nerwizi rweKebhari. Ndakawira pasi nouso.
4
Kupenya kwokuvapo kwaTenzi pakwakapinda muTemberi nokuSuo Guru rakatarisa kumabvazuva,
5
Mweya akandisumudza akaenda neni kunhandare yomukati, ndiye onei kupenya kwokuvapo kwaTenzi kwakazadza Temberi.
6
Murume uya paakanga amire neni kudaro ndakanzwa mumwe aitaura kwandiri ari muTemberi.
7
Akanditi, “Iwe mwanakomana womunhu, ino iyi ndiyo nzvimbo yechigaro changu choumambo nechitambarariko chetsoka dzangu. Ndimo mandichagara pakati pavanhu veIsiraeri nokusingaperi. Imba yaIsiraeri haichazombofa yakan'oresa zita rangu rinoera, ivo kana madzimambo avo nounzenza hwavo kana nezvitunha zvamadzimambo avo.
8
Vanoita izvi nokuisa misuo yavo pamusuo pangu namagwatidziro avo akatarisana namagwatidziro angu, nechidziro chiricho choga chatakaganhurana, ivo neni. Vakan'oresa zita rangu rinoera zvinosemesa zvavo zvavakaita, ndokusaka ndakavaroromesa nehasha dzangu.
9
Zvino ngavakande pasi kunamata kwavo zvifananidzo ikoku, uye zvitunha zvamadzimambo vakande kure neni, iniwo ndichagara pakati pavo nokusingaperi.
10
“Zvino iwe mwanakomana womunhu tsanangurira imba yaIsiraeri nezveTemberi nokutarisika kwayo namamiriro ayo kuitira kuti vanyare uipi hwavo.
11
Kana vakazonyara pana zvose zvavakaita, vatsanangurire nezveTemberi, mamiriro ayo, paibudwa napo nepaipindwa napo nokutarisika kwayo kwose. Uvazivisewo mitemo yayo yose nemirao yayo yose uinyore vachiona nameso avo kuitira kuti vachengete nokuita zvose zvinorehwa nemitemo yayo yose pamwechete nemirao yayo yose.
12
Uno uyu ndomutemo weTemberi unoti: Nharaunda yose yapamusoro pegomo chaipo inzvimbo inofanira kuereswa kwazvo. Iwoyo ndomutemo weTemberi.”
13
Uku ndokupimwa kwakaitwa atari ichierwa namamita, (mita racho iroro rimwechete richiita zana ramasendimita rina masendimita mana). Pasi payo pakaita masendimita makumi mashanu namaviri kureba kuenda mudenga, ichiitawo masendimita makumi mashanu namaviri kufara, iine bhande rinoita makumi maviri amasendimita ana masendimita mashanu kureba kuitenderera. Uhu ndohurefu hweatari iyoyo kukwira mudenga,
14
kubvira pasi payo pavhu apa kusvika pachimbimbi chapazasi pakaita mita rimwechete, paine upamhi hunoita hafu yemita, kubvirawo pachimbimbi chidiki kusvikira pachimbimbi chikuru chacho pachiita mamita maviri chiine upamhi hunosvika chikamu chehafu yemita.
15
Kouya choto cheatari iyoyo chaiita mamita maviri uye kubvirawo pachoto chapaatari ichocho paine zvinenge nyanga zvina zvinoita chikamu chehafu yemita kureba kuenda mudenga.
16
Choto cheatari iyoyo chakanga chino mativi mana akaenzana, urefu hwacho hwaiita mamita matanhatu upamhi hwacho huri mamita matanhatuwo.
17
Chimbimbi chawo chakanga china mativi mana akaenzana, urefu hwacho huri mamita manomwe, upamhi hwachowo huri mamita manomwe chiine bhandi rakachitenderera rinoita masendimita makumi maviri namashanu. Pasiwo pacho pakaita hafu yemita kupatenderera. Matanho apaatari akanga akatarisa kumabvazuva.
18
Akazonditi, “Iwe mwanakomana womunhu zvanzi naTenzi Mwari mirao yapaatari ndeyiyi iyi: Pazuva rainovakirwa kupirira pairi mupiro yokupisa uye nokusasa ropa pairi
19
unofanira kupa vapristi vechiRevhi vemhuri yokwaZadhoki ivo vanoswedera kwandiri kuzondishandira, handira yomupiro wokupirira zvitadzo. Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.
20
Unofanirawo kutora rimwe ropa rayo urizore pane zvinenge nyanga zvina zviya zvepaatari napamakona mana echimbimbi urizorewo pabhandi kuritenderera. Ndokuchenura kwauchaita atari nokuipfupirira.
21
Uyewo unofanira kutora handira yomupiro wokupirira zvitadzo inofanira kundopisirwa panzvimbo yacho yakasarudzwa iri yapaTemberi ipapo asi kuri nechokunze kweNzvimbo Inoera.
22
Zvino pazuva repiri unofanira kupira gotora risina chinoshoreka pariri romupiro wokupfupira zvitadzo, atari ichabva yachenurwa sokuchenurwa kwainoitwa nehandira.
23
Kana wapedza kuichenura, unofanira kuzopira handira isina chinoshoreka pairi nechihondohwe chomudanga chisina chinoshoreka.
24
Unofanira kuuya nazvo pana Tenzi, vapristi vanofanira kudzimwaya-mwaya munyu vagodzipira somupiro wokupisa kuna Tenzi.
25
Kwamazuva manomwe unofanira kuita kuti pave nembudzi yomupiro wokupirira zvitadzo uyewo nehandira nehondohwe zvomudanga zvisina chinoshoreka, ndozvinofanira kuitwa.
26
Kwamazuva manomwe vanofanira kupfupirira atari vaichenure, nokudaro inoereswa.
27
Kana vazopedza mazuva iwaya, ipapo kubvira pazuva resere zvichienda mberi vapristi vachange vachipira paatari mipiro yenyu yokupisa nemipiro yenyu yokuwadzana, ndichakugamuchirai” ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.
← Chapter 42
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 44 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48